1Zvino mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose veJudha naveJerusaremu.
1Kral Yoşiya haber gönderip Yahuda ve Yeruşalimin bütün ileri gelenlerini yanına topladı.
2Mambo akakwira kumba kwaJehovha, anavarume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapristi navaporofita, navanhu vose, vaduku navakuru, akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakawanikwa mumba maJehovha.
2Sonra Yahudalılar, Yeruşalimde yaşayanlar, kâhinler, peygamberler, büyük küçük herkesle birlikte RABbin Tapınağına çıktı. RABbin Tapınağında bulunmuş olan Antlaşma Kitabını baştan sona kadar herkesin duyacağı biçimde okudu.
3Mambo akamira pambiru, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake nezvipupuriro, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti asimbise mashoko esungano iyi, akanga akanyorwa mubhuku iyi, vanhu vose vakasimbisa sungano iyo.
3Sütunun yanında durarak RABbin yolunu izleyeceğine, buyruklarını, öğütlerini, kurallarını candan ve yürekten uygulayacağına, bu kitapta yazılı antlaşmanın koşullarını yerine getireceğine ilişkin RABbin huzurunda antlaşma yaptı. Bütün halk bu antlaşmayı onayladı.
4Ipapo mambo akaraira mupristi mukuru Hirikia, navapristi vaimutevera, navatariri vomukova, kuti vabudise patemberi yaJehovha nhumbi dzose dzakanga dzaitirwa Bhaari neAshera nehondo dzose dzokudenga, akadzipisa kunze kweJerusaremu muruwa rwaKidhironi, akaisa madota adzo paBhetieri.
4Kral Yoşiya Baal, Aşera ve gök cisimleri için yapılmış olan bütün eşyaları RABbin Tapınağından çıkarmak üzere Başkâhin Hilkiyaya, kâhin yardımcılarına ve kapı nöbetçilerine buyruk verdi. Bunları Yeruşalimin dışına çıkarıp Kidron Vadisinde yaktı, küllerini Beytele götürdü.
5Akabvisa vapristi vezvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo aJudha kuti vapise zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, uye vose vaipisa zvinonhuhwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokudenga.
5Yahuda krallarının kentlerde ve Yeruşalimin çevresindeki tapınma yerlerinde buhur yaksınlar diye atamış olduğu putperest kâhinleri, Baala, güneşe, aya, takımyıldızlara -bütün gök cisimlerine- buhur yakanları ortadan kaldırdı.
6Akabudisawo Ashera mumba maJehovha, akaiisa kunze kweJerusaremu kurukova rwaKidhironi, akaipisa parukova rwaKidhironi, akaikuya ikaita madota, akakanda madota ayo pamusoro pamarinda avarombo.
6Aşera putunu RABbin Tapınağından çıkarıp Yeruşalimin dışında Kidron Vadisinde yaktı, ezip toza çevirdi. Bu tozu sıradan halkın mezarlarına serpti.
7Akaputsawo dzimba dzavaSodhoma, dzakanga dziri paimba yaJehovha, pairukira vakadzi machira eAshera.
7Fuhuş yapan kadın ve erkeklerin RABbin Tapınağı alanındaki odalarını yıktı. Kadınlar orada Aşera için kumaş dokurlardı.
8Akabudisa vapristi vose mumaguta aJudha, akashatisa matunhu akakwirira, paipisira vapristi zvinonhuhwira, kubva paGebha kusvikira paBheeri-shebha; akaputsa matunhu akakwirira pamasuwo, aiva pavanopinda napo pasuwo raJoshua mubati weguta, aiva kuruboshwe rwomunhu kana opinda nesuwo reguta.
8Yoşiya Yahuda kentlerinden bütün kâhinleri getirtti. Gevadan Beer-Şevaya kadar kâhinlerin buhur yaktıkları tapınma yerlerini kirletti. Adını kent yöneticisinden alan Yeşu Kapısının girişinde, kentin ana kapısının solunda kalan kapılardaki tapınma yerlerini de yıktı.
9Asi vapristi vamatunhu akakwirira havazaikwira kuaritari yaJehovha paJerusaremu, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.
9Tapınma yerlerinin kâhinleri, Yeruşalimdeki RABbin sunağına çıkmaz, ancak öbür kâhinlerle birlikte mayasız ekmek yerlerdi.
10Akashatisa Tofeti raiva pamupata wavana vaHinomi, kuti kurege kuva nomunhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto nokuda kwaMoreki.
10Yoşiya, kimse oğlunu ya da kızını ilah Molek için ateşte kurban etmesin diye, Ben-Hinnom Vadisindeki Tofeti kirletti.
11Akaputsa mabhiza akanga apiwa namadzimambo kuzokudza zuva pavanopinda napo paimba yaJehovha, pakamuri yaNatanimereki mutariri weimba yomukati yakanga iri paberere, akapisa ngoro dzezuva.
11Yahuda krallarının güneşe adamış olduğu atları RABbin Tapınağının girişinden kaldırdı. Atlar tapınağın avlusunda, hadım Natan-Melekin odasının yanındaydı. Yoşiya güneşe adanmış savaş arabalarını da ateşe verdi.
12Akaputsawo aritari dzaiva pamusoro pedenga rekamuri yokumusoro yaAhazi, dzakanga dzavakwa namadzimambo aJudha, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha, akadzikoromora, akakanda guruva radzo murukova Kidhironi.
12Ahazın yukarı odasının damında Yahuda krallarının yaptırdığı sunakları da, RABbin Tapınağının iki avlusunda Manaşşenin yaptırdığı sunakları da yıktı; onları kırıp parçalayarak tozlarını Kidron Vadisine saçtı.
13Mambo akashatisawo matunhu akakwirira aiva pamberi peJerusaremu, aiva kurudyi rwegomo rokuparadza, akanga avakirwa Ashitoreti, mwari unonyangadza wavaZidhoni, naKemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, naMirikomi, mwari unonyangadza wavana vaAmoni, naSoromoni mambo waIsiraeri.
13Yeruşalimin doğusunda, Yıkım Dağının güneyinde İsrail Kralı Süleymanın Saydalıların iğrenç putu Aştoret, Moavlıların iğrenç putu Kemoş ve Ammonluların iğrenç putu Molek için yaptırmış olduğu tapınma yerlerini kirletti.
14Akaputsanyawo shongwe dzamabwe, akaparadza matanda okunamata nawo, ndokuzadza nzvimbo yazvo namafupa avanhu.
14Dikili taşları, Aşera putlarını parçaladı; yerlerini insan kemikleriyle doldurdu.
15Uye aritariwo yaiva paBhetieri nedunhu rakakwirira rakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iye wakatadzisa Isiraeri, aritari iyo nedunhu iro rakakwirira akazviputsa, akapisa dunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita huruva, akapisa danda rokunamata naro.
15Bundan başka İsraili günaha sürükleyen Nevat oğlu Yarovamın yaptırdığı Beyteldeki tapınma yerini ve sunağı bile yıktı. Tapınma yerini ateşe verip toz duman etti. Aşera putunu yaktı.
16Zvino Josiya wakati achitendeuka, akaona marinda aiva mugomo, akatuma vanhu vakatora mafupa aiva mumarinda, vakaapisa paaritari iyo, akaishatisa sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari, iye wakadeya kuparidza zvinhu izvi.
16Yoşiya çevresine bakındı. Tepedeki mezarları görünce, adamlarını gönderip mezarlardaki kemikleri çıkarttı. Olacakları önceden bildiren Tanrı adamının açıkladığı RABbin sözü uyarınca, kemikleri sunağın üzerinde yakarak sunağı kirletti.
17Zvino akati, Shongwe iyi yandinoona ndeyeiko? Vanhu veguta vakati kwaari, Ndiro rinda romunhu waMwari, wakadeya kubva kwaJudha, akaparidza zvinhu izvo zvamakaitira aritari yeBhetieri.
17Kral, ‹‹Orada görünen anıt nedir?›› diye sordu. Kent halkı, ‹‹Orası Yahudadan gelen ve senin Beyteldeki sunağa yaptıklarını bildiren Tanrı adamının mezarıdır›› diye yanıtladı.
18Akati, Ngaazorore hake; ngakurege kuva nomunhu unobvisa mafupa ake. Naizvozvo vakarega mafupa ake pamwechete namafupa omuporofita wakange abva Samaria.
18Kral, ‹‹Ona dokunmayın›› dedi, ‹‹Kimse onun kemiklerini rahatsız etmesin.›› Böylece Tanrı adamının kemiklerine de, Samiriyeden gelmiş olan peygamberin kemiklerine de dokunmadılar.
19Uye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiva pamaguta eSamaria, dzakanga dzakavakwa namadzimambo aIsiraeri, vakatsamwisa Jehovha nadzo, idzo dzakabviswa naJosiya, akadziitira zvose zvaakaita paBhetieri.
19Yoşiya Beytelde yaptığı gibi, İsrail krallarının Samiriye kentlerinde yaptırdığı RABbi öfkelendiren tapınma yerlerindeki bütün yapıları ortadan kaldırdı.
20Akauraya vapristi vose vamatunhu akakwirira vaivapo, pamusoro pearitari, akapisira pamusoro padzo mafupa avanhu; akadzokera Jerusaremu.
20O kentlerdeki tapınma yerlerinin bütün kâhinlerini sunakların üzerinde kurban etti. Sunakların üzerinde insan kemikleri yaktıktan sonra Yeruşalime döndü.
21Zvino mambo akaraira vanhu vose, akati, Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika, sezvakanyorwa mubhuku iyi yesungano.
21Kral, ‹‹Tanrınız RAB için Fısıh Bayramını bu Antlaşma Kitabında yazılanlara uygun biçimde kutlayın›› diye halka buyruk verdi.
22Zvirokwazvo, havana kumboita Pasika yakadai, kubva pamazuva avatongi vaitonga Isiraeri, kana pamazuva ose amadzimambo aIsiraeri, kana madzimambo aJudha.
22İsraile önderlik etmiş olan hakimler döneminden bu yana, ne İsrail, ne de Yahuda kralları döneminde, böyle bir Fısıh Bayramı kutlanmamıştı.
23Asi negore re gumi namasere ramambo Josiya vakaitira Jehovha Pasika iyi paJerusaremu.
23RAB için düzenlenen bu Fısıh Bayramı Kral Yoşiyanın krallığının on sekizinci yılında Yeruşalimde kutlandı.
24Josiya akabvisawo masvikiro ose, navaroyi, namaterafimi, nezvifananidzo, nezvose zvinonyangadza, zvakawanikwa munyika yaJudha napaJerusaremu, kuti asimbise mashoko omurayiro, akanga akanyorwa mubhuku yakawanikwa mumba maJehovha naHirikia mupristi.
24Bundan başka Yoşiya, Kâhin Hilkiyanın RABbin Tapınağında bulduğu kitapta yazılı yasanın ilkelerini yerine getirmek amacıyla, cincileri, ruhçuları, aile putlarını, öteki putları, ayrıca Yahuda ve Yeruşalimde görülen bütün iğrençlikleri silip süpürdü.
25Hakuna mambo wakamutangira wakange akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murayiro wose waMozisi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakange akafanana naye.
25Ne ondan önce, ne de sonra onun gibi candan ve yürekten var gücüyle RABbe yönelen ve Musanın yasasına uyan bir kral çıktı.
26Kunyange zvakadaro Jehovha haana kushandura kutsamwa kwake kukuru, kwakamutsa hasha dzake kuna Judha, nokuda kokutsamwisa kose kwaakatsamwiswa nako naManase.
26Oysa Manaşşe işlediği suçlarla RABbi öyle öfkelendirmişti ki, RAB Yahudaya karşı alevlenen öfkesinden vazgeçmedi
27Jehovha akati, NaJudhawo ndichavabvisa pamberi pangu, sezvandakabvisa Isiraeri; ndicharamba guta iri reJerusaremu, randakazvitsaurira, neimba yandakati pamusoro payo, Zita rangu richagarapo.
27ve ‹‹İsraili nasıl huzurumdan attımsa, Yahudayı da öyle atacağım›› dedi, ‹‹Seçtiğim bu kenti, Yeruşalimi ve ‹Orada bulunacağım› dediğim tapınağı kendimden uzaklaştıracağım.››
28Zvino mamwe mabasa aJosiya, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
28Yoşiyanın krallığı dönemindeki öteki olaylar ve bütün yaptıkları Yahuda krallarının tarihinde yazılıdır.
29Pamazuva ake Farao-neko mambo weEgipita, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufuratesi, mambo Josiya akandorwa naye; asi wakati amuona, Farao-neko akamuuraya paMegidho.
29Yoşiyanın krallığı sırasında Mısır Firavunu Neko Asur Kralına yardım etmek üzere Fırata doğru yola çıktı. Kral Yoşiya da Nekonun üzerine yürüdü. Megiddoda karşılaştılar. Neko Yoşiyayı öldürdü.
30Varanda vake vakamutakura nengoro afa, vakabva naye paMegidho, vakamuisa Jerusaremu, vakamuviga muhwiro hwake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.
30Görevlileri Yoşiyanın cesedini savaş arabasıyla Megiddodan Yeruşalime getirip mezarına gömdüler. Yahuda halkı Yoşiyanın oğlu Yehoahazı meshederek babasının yerine kral yaptı.
31Jehoahazi wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Hamutari, mukunda waJeremiya weRibhina.
31Yehoahaz yirmi üç yaşında kral oldu ve Yeruşalimde üç ay krallık yaptı. Annesi Livnalı Yeremyanın kızı Hamutaldı.
32Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.
32Yehoahaz ataları gibi RABbin gözünde kötü olanı yaptı.
33Asi Farao-neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti arege kubata ushe paJerusaremu; akateresa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.
33Yeruşalimde krallık yapmasın diye, Firavun Neko, Hama ülkesinde, Rivlada Yehoahazı zincire vurdu. Ülke halkını yüz talant gümüş ve bir talant altın ödemekle yükümlü kıldı.
34Farao-neko akaita Eriakimu mwanakomana waJosiya mambo panzvimbo yaJosiya baba vake, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu; asi wakaenda naJehoahazi, akasvika Egipita, ndokufirako.
34Firavun Neko Yoşiyanın oğlu Elyakimi babasının yerine kral yaptı ve adını değiştirip Yehoyakim koydu. Sonra Yehoahazı alıp Mısıra döndü. Yehoahaz orada öldü.
35Jehoyakimu akapa Farao sirivha nendarama, asi wakateresa nyika kuti agone kuripa mari sezvaakarairwa naFarao; akaripisa vanhu venyika sirivha nendarama, mumwe nomumwe sezvaakamutarira, kuti aipe Farao-neko.
35Yehoyakim firavunun istediği altın ve gümüşü ödedi. Bu parayı bulmak için firavunun buyruğuna uyarak ülkeyi vergiye bağladı. Firavun Nekoya verilmek üzere Yahuda halkından herkesin gücü oranında altın ve gümüş topladı.
36Jehoyakimu wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Zebhidha mukunda waPedhaya weRuma.
36Yehoyakim yirmi beş yaşında kral oldu ve Yeruşalimde on bir yıl krallık yaptı. Annesi Rumalı Pedayanın kızı Zevudaydı.
37Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.
37Yehoyakim ataları gibi RAB'bin gözünde kötü olanı yaptı.