1Zvino Jehoramu mwanakomana waAhabhi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria negore regumi namasere raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe makore ane gumi namaviri.
1Yahuda Kralı Yehoşafatın krallığının on sekizinci yılında Ahav oğlu Yoram Samiriyede İsrail Kralı oldu ve on iki yıl krallık yaptı.
2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sababa vake kana samai vake; nekuti wakabvisa shongwe yaBhaari yakanga yaitwa nababa vake.
2Yoram RABbin gözünde kötü olanı yaptıysa da annesiyle babası kadar kötü değildi. Çünkü babasının yaptırdığı Baalı simgeleyen dikili taşı kaldırıp attı.
3Kunyange zvakadaro, wakanamatira zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, haana kutsauka kwazviri.
3Bununla birlikte Nevat oğlu Yarovamın İsraili sürüklediği günahlara o da katıldı ve bu günahlardan ayrılmadı.
4Zvino Mesha mambo waMoabhu wakange ari mwene wamakwai, waipa mambo waIsiraeri makushe amakwayana ane zviuru zvine zana, naamakondobwe ane zviuru zvine zana.
4Moav Kralı Meşa koyun yetiştirirdi. İsrail Kralına her yıl yüz bin kuzu, yüz bin de koç yünü sağlamak zorundaydı.
5Asi Ahabhi wakati afa, mambo waMoabhu akamukira mambo waIsiraeri.
5Ama Ahavın ölümünden sonra, Moav Kralı İsrail Kralına karşı ayaklandı.
6Mambo Jehoramu akabuda paSamaria nenguva iyo, akaunganidza vaIsiraeri vose.
6O zaman Kral Yoram Samiriyeden ayrıldı ve bütün İsraillileri bir araya topladı.
7Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here? Iye akati, Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.
7Yahuda Kralı Yehoşafata da şu haberi gönderdi: ‹‹Moav Kralı bana başkaldırdı, benimle birlikte Moavlılara karşı savaşır mısın?›› Yehoşafat, ‹‹Evet, savaşırım. Beni kendin, halkımı halkın, atlarımı atların say›› dedi.
8Iye akati, Tichaenda nenzira ipiko? Akati, Nenzira yokurenje raEdhomu.
8Sonra, ‹‹Hangi yönden saldıralım?›› diye sordu. Yoram, ‹‹Edom kırlarından›› diye karşılık verdi.
9Naizvozvo mambo waIsiraeri akaenda, namambo waJudha, namambo waEdhomu, vakapota vakafamba mazuva manomwe, vakashaiwa mvura yokumwisa hondo nezvipfuwo zvavakanga vanazvo.
9İsrail, Yahuda ve Edom kralları birlikte yola çıktılar. Dolambaçlı yollarda yedi gün ilerledikten sonra suları tükendi. Askerler ve hayvanlar susuz kaldı.
10Ipapo mambo waIsiraeri akati, Haiwa! Jehovha wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.
10İsrail Kralı, ‹‹Eyvah!›› diye bağırdı, ‹‹RAB, Moavlıların eline teslim etmek için mi üçümüzü bir araya topladı?››
11Zvino Jehoshafati akati, Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here? Mumwe wavaranda vamambo waIsiraeri akapindura, akati, Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEria.
11Yehoşafat, ‹‹Burada RABbin peygamberi yok mu? Onun aracılığıyla RABbe danışalım›› dedi. İsrail Kralının adamlarından biri, ‹‹Şafat oğlu Elişa burada. İlyasın ellerine o su dökerdi›› diye yanıtladı.
12Jehoshafati akati, Shoko raJehovha riri kwaari. Zvino mambo waIsiraeri, naJehoshafati, namambo waEdhomu vakaenda kwaari.
12Kral Yehoşafat, ‹‹O, RABbin ne düşündüğünü bilir›› dedi. Bunun üzerine Yehoşafat, İsrail ve Edom kralları birlikte Elişanın yanına gittiler.
13Erisha akati kuna mambo waIsiraeri, Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Kwete, nekuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.
13Elişa İsrail Kralına, ‹‹Ne diye bana geldin?›› dedi, ‹‹Git, annenle babanın peygamberlerine danış.›› İsrail Kralı, ‹‹Olmaz! Demek RAB üçümüzü Moavlıların eline teslim etmek için bir araya toplamış›› diye karşılık verdi.
14Erisha akati, NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaiva nehanya naJehoshafati mambo waJudha ari pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai imi.
14Elişa şöyle dedi: ‹‹Hizmetinde olduğum, Her Şeye Egemen, yaşayan RABbin adıyla derim ki, Yahuda Kralı Yehoşafata saygım olmasaydı, sana ne bakardım, ne de ilgilenirdim.
15Asi zvino uyai kwandiri nomuridzi wembira. Zvino muridzi wembira wakati achiridza, ruoko rwaJehovha rukauya pamusoro pake.
15Şimdi bana lir çalan bir adam getirin.›› Getirilen adam lir çalarken, RABbin gücü Elişanın üzerine indi.
16Akati, Zvanzi naJehovha, Cherai makoronga mazhinji pamupata uyu.
16Elişa şöyle dedi: ‹‹RAB diyor ki, ‹Bu vadinin başından sonuna kadar hendekler kazın.
17Nekuti zvanzi naJehovha, Hamungawoni mhepo, hamungawoni mvura; kunyange zvakadaro mupata uyu uchazadzwa nemvura; imwi muchamwa, imwi nezvipfuwo zvenyu, nezvinotakura nhumbi dzenyu.
17Ne rüzgar göreceksiniz, ne yağmur. Öyleyken vadi suyla dolup taşacak. Sizler, sürüleriniz ve öteki hayvanlarınız doyasıya içeceksiniz.
18Chinhu ichi chiduku hacho pamberi paJehovha; asi iye uchaisawo vaMoabhu mumaoko enyu.
18RAB için bunu yapmak kolaydır. O, Moavlıları da sizin elinize teslim edecek.
19Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakasimbiswa, neguta rimwe nerimwe rakatsaurwa, muchatema muti mumwe nomumwe wakanaka, nokudzivira matsime ose emvura, nokushatisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.
19Onların önemli surlu kentlerinin tümünü ele geçireceksiniz. Meyve ağaçlarının hepsini kesecek, su kaynaklarını kurutacak, verimli tarlalarına taş dolduracaksınız.› ››
20Zvino fume mangwana, nenguva yokubayira chipo, mvura ikaonekwa ichibva nenzira yaEdhomu, nyika ikazadzwa nemvura.
20Ertesi sabah, sununun sunulduğu saatte, Edom yönünden akan sular her yeri doldurdu.
21Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.
21Moavlılar kralların kendilerine saldırmak üzere yola çıktıklarını duydular. Genç, yaşlı eli silah tutan herkes bir araya toplanıp sınırda beklemeye başladı.
22Vakamuka mangwanani, vakaona zuva richipenya pamvura, vaMoabhu vakaona mvura vari kure yakatsvuka seropa.
22Ertesi sabah erkenden kalktılar. Güneş ışınlarının kızıllaştırdığı suyu kan sanarak,
23Vakati, Iropa; zvirokwazvo madzimambo aparadzwa, vaurayana; naizvozvo zvino, vaMoabhu, endai mundopamba.
23‹‹Kan bu!›› diye haykırdılar, ‹‹Krallar kendi aralarında savaşıp birbirlerini öldürmüş olsalar gerek. Haydi, Moavlılar, yağmaya!››
24Zvino vakati vachisvika pamisasa yavaIsiraeri, vaIsiraeri vakasimuka, vakaparadza vaMoabhu, vakatiza pamberi pavo; vakapinda munyika yavo vachiparadza vaMoabhu.
24Ama Moavlılar İsrail ordugahına vardıklarında, İsrailliler saldırıp onları püskürttü. Moavlılar kaçmaya başladı. İsrailliler peşlerine düşüp onları öldürdüler.
25Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti, vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.
25Kentlerini yıktılar. Her İsrailli verimli tarlalara taş attı. Bütün tarlalar taşla doldu. Su kaynaklarını kuruttular, meyve ağaçlarını kestiler. Yalnız Kîr-Heresetin taşları yerinde kaldı. Sapancılar kenti kuşatıp saldırıya geçti.
26Zvino mambo waMoabhu wakati achiona kuti wakundwa pakurwa, akatora varume vana mazana manomwe vaigona kurwa nomunondo, akaidza kupasanura kuna mambo waEdhomu; asi vakanga vasingagoni.
26Moav Kralı, savaşı kaybettiğini anlayınca, yanına yedi yüz kılıçlı adam aldı; Edom kuvvetlerini yarıp kaçmak istediyse de başaramadı.
27Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo vaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.
27Bunun üzerine tahtına geçecek en büyük oğlunu surların üzerine götürüp yakmalık sunu olarak sundu. İsrailliler bu olaydan doğan büyük öfke karşısında oradan ayrılıp ülkelerine döndüler.