Shona

Turkish

Deuteronomy

23

1Munhu wakakuvadzwa manhu ake kana chirema chake haafaniri kupinda paungano yaJehovha.
1‹‹Erkeklik bezi ezilmiş ya da erkeklik organı kesilmiş kişi RABbin topluluğuna girmeyecek.
2Mwana woupombwe haafaniri kupinda paungano yaJehovha; kunyange kusvikira parudzi rwegumi vana vake havafaniri kupinda paungano yaJehovha.
2‹‹Yasa dışı doğan biri RABbin topluluğuna girmeyecek. Soyundan gelenler de onuncu kuşağa dek RABbin topluluğuna girmeyecektir.
3MuAmoni nomuMoabhu havafaniri kupinda paungano yaJehovha; kunyange kusvikira parudzi rwegumi mumwe wokwavo haafaniri kupinda paungano yaJehovha nokusingaperi;
3‹‹Ammonlu ya da Moavlı biri RABbin topluluğuna girmeyecek. Onların soyundan gelenler de onuncu kuşağa dek asla RABbin topluluğuna girmeyecek.
4nekuti havana kundokuchingurai nezvokudya nemvura panzira, nguva yamakabuda Egipita; uye nekuti vakatsvaka kuripira Bharamu, mwanakomana waBheori, wePetori, paMesopotamia, kuti akutuke.
4Mısırdan çıktığınızda yolda sizi ekmek ve suyla karşılamadılar. Aram-Naharayimdeki Petor Kentinden Beor oğlu Balamı size lanet okuması için ücretle tuttular.
5Asi Jehovha Mwari wako wakange asingadi kuteerera Bharamu, asi Jehovha Mwari wako wakashandura kutuka akakuropafadza, nekuti Jehovha Mwari wako wakakuda.
5Ne var ki Tanrınız RAB Balamı dinlemek istemedi. Sizin için laneti kutsamaya çevirdi. Çünkü Tanrınız RAB sizi seviyor.
6Haufaniri kuvatsvakira rugare kana mufaro, mazuva ako ose nokusingaperi.
6Kuşaklar boyunca onların esenliği ve iyiliği için çalışmayın.
7Haufaniri kusema muEdhomu, nekuti ihama yako; haufaniri kusema muEgipita, nekuti wakange uri mutorwa iwe panyika yake.
7‹‹Edomlulardan iğrenmeyeceksiniz. Onlar kardeşinizdir. Mısırlılardan da iğrenmeyeceksiniz. Çünkü onların ülkesinde yabancı olarak yaşadınız.
8Vana vavo vavanoberekerwa parudzi rwechitatu, vangapinda paungano yaJehovha.
8Onlardan doğan üçüncü kuşak çocuklar RABbin topluluğuna girebilir.››
9Kana uchindorwa navavengi vako, unofanira kuzvichengeta pazvinhu zvose zvakaipa.
9‹‹Düşmanlarınızla savaşmak üzere ordugah kurduğunuzda, her kötülükten sakınacaksınız.
10Kana kuno mumwe pakati penyu usina kunaka nokuda kwezvakamuwira usiku, unofanira kubuda kunze kwemisasa, ngaarege kupinda pamisasa;
10Aranızda gece menisi boşaldığı için dinsel açıdan kirli biri varsa, ordugahın dışına çıkıp orada kalsın.
11zvino kana ava madekwana, unofanira kuzvishambidza nemvura; kana zuva ravira ungapinda hake pamisasa.
11Akşama doğru yıkansın, gün batımında ordugaha dönsün.
12Iwe unofanira kuva nenzvimbo kunze kwemisasa kwaungaenda.
12‹‹İhtiyaçlarınızı gidermek için ordugahın dışında bir yeriniz olmalı.
13Unofanira kuva nechirayawo pakati penhumbi dzako dzokurwa nadzo; zvino kana woenda kunze, unofanira kuchera nacho, ndokuzofusira zvinobva kwauri;
13Donatımınız arasında yeri kazmak için bir gereç bulunsun. İhtiyacınızı gidereceğiniz zaman bir çukur kazın, sonra da dışkınızı örtün.
14nekuti Jehovha Mwari wako unofamba pakati pemisasa yako, kuti akurwire, nokuisa vavengi vako mumaoko ako; naizvozvo misasa yako inofanira kuva mitsvene, kuti arege kuona chinhu chakaipa pakati penyu, akufuratire.
14Tanrınız RAB sizi kurtarmak ve düşmanlarınızı elinize teslim etmek için ordugahın ortasında dolaşır. Ordugahınız kutsal olsun ki, RAB aranızda yakışıksız bir şey görüp sizden ayrılmasın.››
15Usadzosera muranda kuna tenzi wake, wakatizira kwauri, achibva kuna tenzi wake;
15‹‹Efendisinden kaçıp size sığınan köleyi efendisine teslim etmeyeceksiniz.
16anofanira kugara newe, pakati pako, paanotsaura hake pakati perimwe ramasuwo ako paanofarira; haufaniri kumumanikidza.
16Bırakın kendi seçeceği yerde, beğendiği bir kentte aranızda yaşasın. Ona baskı yapmayacaksınız.
17Hapafaniri kuva nechifeve pakati pavanasikana vaIsiraeri; uye hapafaniri kuva nemhombwe pakati pavanakomana vaIsiraeri.
17‹‹Putperest törenlerinde fuhuş yapan İsrailli bir kadın ya da erkek olmasın.
18Haufaniri kuuya nomubayiro wechifeve, kana mutengo wembwa, muimba yaJehovha Mwari wako, kuti upike nawo; nekuti izvo zviviri zvose zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.
18Fuhuş yapan kadın ya da erkeğin kazancını adak olarak Tanrınız RABbin Tapınağına götürmeyeceksiniz. İkisi de Tanrınız RABbin gözünde iğrençtir.
19Usapa hama yako chikwereti, uchireva mhindu, iri mhindu yemari, kana yezvokudya, kana yechinhu chipi nechipi chinopiwa chichireva mhindu.
19‹‹Kardeşinize para, yiyecek ya da faiz getiren başka bir şey ödünç verdiğinizde, ondan faiz almayacaksınız.
20Mutorwa ungamupa chikwereti, uchireva mhindu; asi haufaniri kupa hama yako chikwereti, uchireva mhindu; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pazvose zvaunobata namaoko ako, panyika yaunoenda kuti ive yenyu.
20Yabancıdan faiz alabilirsiniz ama kardeşinizden almayacaksınız. Böyle yapın ki, mülk edinmek için gideceğiniz ülkede el attığınız her işte Tanrınız RAB sizi kutsasın.
21Kana ukapikira Jehovha Mwari wako mhiko, usanonoka kuiripa; nekuti zvirokwazvo, Jehovha Mwari wako uchaibvunza kwauri; zvingava zvivi kwauri.
21‹‹Tanrınız RABbe bir dilek adağı adadığınızda yerine getirmeyi savsaklamayın. Tanrınız RAB sizden kesinlikle bunu isteyecektir. Yerine getirmezseniz size günah sayılacaktır.
22Asi kana ukarega hako kupika, hazvingavi zvivi kwauri.
22Ama adak adamaktan çekinirsen günah sayılmaz.
23Uchenjere kuti uite sezvawakataura; sezvawapikira Jehovha Mwari wako, chiri chipo chokuda kwako, chawakapikira nomuromo wako.
23Ağzınızdan çıkanı yapmaya dikkat edin. Çünkü Tanrınız RABbe adağı gönülden adadınız.
24Kana ukapinda mumunda wemizambiringa wowokwako, ungadya mazambiringa sezvaunoda, ugute; asi haufaniri kuisa mamwe mumudziyo wako.
24‹‹Komşunuzun bağına girdiğinizde doyuncaya dek üzüm yiyebilirsiniz, ama torbanıza koymayacaksınız.
25Kana ukapinda muzviyo zvowokwako zvigere kukohwewa, ungavhuna hako hura noruoko rwako; asi haufaniri kukohwa zviyo zvowokwako nejeko.
25Komşunuzun ekin tarlasına girdiğinizde elinizle başak koparabilirsiniz, ama ekinlere orak salmayacaksınız.