1Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura ingamwiwa navanhu.
1RABbin buyruğu uyarınca, bütün İsrail topluluğu Sin Çölünden ayrıldı, bir yerden öbürüne göçerek Refidimde konakladı. Ancak orada içecek su yoktu.
2Vanhu vakarwa naMozisi, vakati, Tipe mvura timwe.
2Musaya, ‹‹Bize içecek su ver›› diye çıkıştılar. Musa, ‹‹Niçin bana çıkışıyorsunuz?›› dedi, ‹‹Neden RABbi deniyorsunuz?››
3Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Wakatibudisireiko Egipita, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?
3Ama halk susamıştı. ‹‹Niçin bizi Mısırdan çıkardın?›› diye Musaya söylendiler, ‹‹Bizi, çocuklarımızı, hayvanlarımızı susuzluktan öldürmek için mi?››
4Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, Ndichaiteiko navanhu ava? Voda kunditaka namabwe.
4Musa, ‹‹Bu halka ne yapayım?›› diye RABbe feryat etti, ‹‹Neredeyse beni taşlayacaklar.››
5Jehovha akati kuna Mozisi, Tungamira pamberi pavanhu, uende navakuru vaIsiraeri, utore tsvimbo yako yawakamborova rwizi nayo muruoko rwako uende.
5RAB Musaya, ‹‹Halkın önüne geç›› dedi, ‹‹Birkaç İsrail ileri gelenini ve Nile vurduğun değneği de yanına alıp yürü.
6Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagomwa. Mozisi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri.
6Ben Horev Dağında bir kayanın üzerinde, senin önünde duracağım. Kayaya vuracaksın, halk içsin diye su fışkıracak.›› Musa İsrail ileri gelenlerinin önünde denileni yaptı.
7Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kokurwa kwavana vaIsiraeri, uye nekuti vakaedza Jehovha, vachiti, Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?
7Oraya Massa ve Meriva adı verildi. Çünkü İsrailliler orada Musaya çıkışmış ve, ‹‹Acaba RAB aramızda mı, değil mi?›› diye RABbi denemişlerdi.
8Zvino Amareki akauya kuzorwa navaIsiraeri paRefidhimu.
8Amalekliler gelip Refidimde İsraillilere savaş açtılar.
9Mozisi akati kuna Joshua, Utitsaurire varume, ugondorwa naAmareki; mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu.
9Musa Yeşuya, ‹‹Adam seç, git Amaleklilerle savaş›› dedi, ‹‹Yarın ben elimde Tanrının değneğiyle tepenin üzerinde duracağım.››
10Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMozisi, akandorwa naAmareki; Mozisi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.
10Yeşu Musanın buyurduğu gibi Amaleklilerle savaştı. Bu arada Musa, Harun ve Hur tepenin üzerine çıktılar.
11Zvino zvakati kana Mozisi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda.
11Musa elini kaldırdıkça İsrailliler, indirdikçe Amalekliler kazanıyordu.
12Asi maoko aMozisi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake , mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.
12Ne var ki, Musanın elleri yoruldu. Bir taş getirip altına koydular. Musa üzerine oturdu. Bir yanda Harun, öbür yanda Hur Musanın ellerini yukarıda tuttular. Güneş batıncaya dek Musanın elleri yukarıda kaldı.
13Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza.
13Böylece Yeşu Amalek ordusunu yenip kılıçtan geçirdi.
14Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Nyora izvi mubhuku, vazvirangarire, uzvirondedzerewo munzeve dzaJoshua, kuti ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki.
14RAB Musaya, ‹‹Bunu anı olarak kayda geç›› dedi, ‹‹Yeşuya da söyle, Amaleklilerin adını yeryüzünden büsbütün sileceğim.››
15Ipapo Mozisi akavaka atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-nisi;
15Musa bir sunak yaptı, adını ‹‹Yahve nissi›› koydu.
16akati, Noruoko pachigaro choushe chaJehovha, ndinopika ndichiti, Jehovha acharwa naAmareki kusvikira kumarudzi namarudzi.
16‹‹Eller Rab'bin tahtına doğru kaldırıldı›› dedi, ‹‹RAB kuşaklar boyunca Amalekliler'e karşı savaşacak!››