Shona

Turkish

Genesis

29

1Zvino Jakove wakasimudza tsoka dzake, akaenda kunyika yevana vekumabvazuva.
1Yakup yoluna devam ederek doğu halklarının ülkesine vardı.
2Zvino wakaona, tarira, tsime musango, zvino tarira ipapo, mapoka matatu emakwai avete pariri; nekuti patsime iri vaimwisa mapoka; paiva neibwe guru patsime iroro.
2Kırda bir kuyu gördü. Kuyunun yanıbaşında üç davar sürüsü yatıyordu. Sürülere o kuyudan su verilirdi. Kuyunun ağzında büyük bir taş vardı.
3Uye ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime, ndokumwisa makwai, vachidzosera ibwe pamuromo wetsime panzvimbo yaro.
3Bütün sürüler oraya toplanınca, çobanlar kuyunun ağzındaki taşı yuvarlar, davarlarını suvardıktan sonra taşı yine yerine, kuyunun ağzına koyarlardı.
4Jakove ndokuti kwavari: Hama dza­ngu, munobvepi? Ivo ndokuti: Tinobva kuHarani.
4Yakup çobanlara, ‹‹Kardeşler, nerelisiniz?›› diye sordu. Çobanlar, ‹‹Harranlıyız›› diye yanıtladılar.
5Zvino wakati kwavari: Munoziva here Ra­bhani mwanakomana waNahori? Ivo ndokuti: Tinomuziva.
5Yakup, ‹‹Nahorun torunu Lavanı tanıyor musunuz?›› diye sordu. ‹‹Tanıyoruz›› dediler.
6Zvino wakati kwavari: Wakafara here? Ivo ndokuti: Wakafara; zvino tarira, Rakeri mukunda wake, unouya nemakwai.
6Yakup, ‹‹İyi midir?›› diye sordu. ‹‹İyidir. İşte kızı Rahel davarlarla birlikte geliyor.››
7Zvino wakati: Tarirai, achiri masikati ma­kuru, haisi nguva yekuti zvipfuwo zviunganidzwe; mwisai makwai, mugonoafudza.
7Yakup, ‹‹Akşama daha çok var›› dedi, ‹‹Sürülerin toplanma vakti değil. Davarlarınızı suvarın, götürüp otlatın.››
8Zvino vakati: Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa, vagokungurusa ibwe pamuromo we­tsime; ndipo patichamwisa makwai.
8Çobanlar, ‹‹Bütün sürüler toplanmadan, kuyunun ağzındaki taşı yuvarlamadan olmaz›› dediler, ‹‹Ancak o zaman davarları suvarabiliriz.››
9Achiri kutaura navo, Rakeri wakasvika nemakwai ababa vake, nekuti waiva mufudzikadzi.
9Yakup onlarla konuşurken Rahel babasının davarlarını getirdi. Rahel çobanlık yapıyordu.
10Zvino zvakaitika Jako­bho achiona Rakeri mukunda waRabhani hanzvadzi yamai vake nemakwai aRabhani hanzvadzi yamai vake, kuti Jakove wakaswedera, akakungurutsa ibwe kubva pamu­romo wetsime, akamwisa makwai aRa­bhani, hanzvadzi yamai vake.
10Yakup dayısı Lavanın kızı Raheli ve davarları görünce, gidip kuyunun ağzındaki taşı yuvarladı, dayısının davarlarını suvardı.
11Jakove ndokutsvoda Rakeri, akasimudza inzwi rake akabudisa misodzi.
11Raheli öperek hıçkıra hıçkıra ağladı.
12Jakove ndokuudza Rakeri kuti ihama yababa vake, uye kuti mwanakomana waRabheka, ndokumhanya, ndokuudza baba vake.
12Rahele baba tarafından akraba olduklarını, Rebekanın oğlu olduğunu anlattı. Rahel koşup babasına haber verdi.
13Zvino zvakaitika Rabhani anzwa ma­shoko aJakove mwanakomana wehanzvadzi yake, kuti wakamhanya kunomuchingamidza, ndokumumbundikira, ndokumutsvoda, ndokumuisa mumba make. Jakove ndokuudza Rabhani zvinhu izvo zvose.
13Lavan, yeğeni Yakupun geldiğini duyunca, onu karşılamaya koştu. Ona sarılıp öptü, evine getirdi. Yakup bütün olanları Lavana anlattı.
14Rabhani ndokuti kwaari: Zvirokwazvo uri pfupa rangu nenyama yangu. Aka­gara naye mwedzi wose.
14Lavan, ‹‹Sen benim etim, kemiğimsin›› dedi. Yakup Lavanın yanında bir ay kaldıktan sonra,
15Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Nekuti uri hama yangu, ungandibatira pachena here? Ndiudze kuti mubayiro wako uchava chii.
15Lavan, ‹‹Akrabamsın diye benim için bedava mı çalışacaksın?›› dedi, ‹‹Söyle, ne kadar ücret istiyorsun?››
16Zvino Rabhani wakange ane vakunda vaviri; zita remukuru rakange riri Rea, uye zita remuduku Rakeri.
16Lavanın iki kızı vardı. Büyüğünün adı Lea, küçüğünün adı Raheldi.
17Rea wakange ane meso akaneta, asi Rakeri wakange aka­naka kwazvo pachimiro nepachiso.
17Leanın gözleri alımlıydı, Rahel ise boyu bosu yerinde, güzel bir kızdı.
18Zvino Jakove wakada Rakeri. Ndokuti: Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.
18Yakup Rahele aşıktı. Lavana, ‹‹Küçük kızın Rahel için sana yedi yıl hizmet ederim›› dedi.
19Rabhani ndokuti: Zviri nani kuti ndimupe kwauri pakuti ndimupe umwe murume; gara neni.
19Lavan, ‹‹Onu sana vermek başkasına vermekten daha iyidir›› dedi, ‹‹Yanımda kal.››
20Jakove ndokubatira Rakeri makore manomwe; asi akava pameso ake semazuva mashoma, nekuda kwekumuda kwake.
20Yakup Rahel için yedi yıl çalıştı. Raheli sevdiği için, yedi yıl ona birkaç gün gibi geldi.
21Jakove ndokuti kuna Rabhani: Ndipei mukadzi wangu, nekuti mazuva angu azadzisika, kuti ndipinde kwaari.
21Lavana, ‹‹Zaman doldu, kızını ver, evleneyim›› dedi.
22Rabhani ndokuunganidza vanhu vose venzvimbo iyo, ndokuita mabiko.
22Lavan bütün yöre halkını toplayıp bir şölen verdi.
23Zvino zvakaitika madekwani, kuti wakatora Rea, mukunda wake, ndokumuisa kwaari; iye ndokupinda kwaari.
23Gece kızı Leayı Yakupa götürdü. Yakup onunla yattı.
24Rabhani ndokupa kumukunda wake Rea Ziripa murandakadzi wake, ave mushandiri wake.
24Lavan cariyesi Zilpayı kızı Leanın hizmetine verdi.
25Zvino zvakaitika, kuti mangwanani, tarira, ndiRea; ndokuti kuna Rabhani: Chii ichi chamaita kwandiri? Handina kukubatirai pamusoro paRakeri here? Mandinyengedzererei?
25Sabah olunca Yakup bir de baktı ki, yanındaki Lea! Lavana, ‹‹Nedir bana bu yaptığın?›› dedi, ‹‹Ben Rahel için yanında çalışmadım mı? Niçin beni aldattın?››
26Rabhani ndokuti: Hakunzarwo panzvimbo yekwedu kupa munin'ina kutangira dangwe.
26Lavan, ‹‹Bizim buralarda adettir. Büyük kız dururken küçük kız evlendirilmez›› dedi,
27Pedzisa vhiki yeuyu, tigokupa uyuwo pamusoro pebasa rauchabata nenizve mamwe makore manomwe.
27‹‹Bu bir haftayı tamamla, Raheli de sana veririz. Yalnız ona karşılık yedi yıl daha yanımda çalışacaksın.››
28Jakove ndokuita saizvozvo, ndokuzadzisa vhiki yeuyu; ndokupa kwaari Ra­keri, mukunda wake kuva mukadzi.
28Yakup kabul etti. Leayla bir hafta geçirdi. Sonra Lavan kızı Raheli de ona verdi.
29Rabhani ndokupa kuna Rakeri Bhiriha murandakadzi wake, ave murandakadzi kwaari.
29Cariyesi Bilhayı Rahelin hizmetine verdi.
30Jakove ndokupindawo kuna Rakeri, ndokudawo Rakeri kupfuura Rea, ndokubata pamwe naye mamwe makore manomwezve.
30Yakup Rahelle de yattı. Onu Leadan çok sevdi. Lavana yedi yıl daha hizmet etti.
31Kuzoti Jehovha aona kuti Rea waivengwa, wakazarura chibereko chake, asi Rakeri waiva mhanje.
31RAB Leanın sevilmediğini görünce, çocuk sahibi olmasını sağladı. Oysa Rahel kısırdı.
32Rea ndokubata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Ru­bheni, nekuti wakati: Jehovha wakaona dambudziko rangu; naizvozvo ikozvino murume wangu uchandida.
32Lea hamile kalıp bir erkek çocuk doğurdu. Adını Ruben koydu. ‹‹Çünkü RAB mutsuzluğumu gördü›› dedi, ‹‹Kuşkusuz artık kocam beni sever.››
33Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Nekuti Jehovha wanzwa kuti ndinovengwa, naizvozvo wandipawo uyu; ndokutumidza zita rake kuti Simioni.
33Yine hamile kaldı ve bir erkek çocuk daha doğurdu. ‹‹RAB sevilmediğimi duyduğu için bana bu çocuğu verdi›› diyerek adını Şimon koydu.
34Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Ikozvino nguva ino murume wangu achazvibatanidza neni, nekuti ndamuberekera vanakomana vatatu; naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.
34Üçüncü kez hamile kalıp bir daha erkek çocuk doğurdu. ‹‹Artık kocam bana bağlanacak›› dedi, ‹‹Çünkü ona üç erkek çocuk doğurdum.›› Onun için çocuğa Levi adı verildi.
35Zvino wakabata mimbazve, akabereka mwanakomana, ndokuti: Nenguva ino ndicharumbidza Jehovha; naizvozvo wakamutumidza zita rake kuti Judha; aka­mira kubereka.
35Dördüncü kez hamile kaldı ve bir erkek çocuk daha doğurdu. ‹‹Bu kez RAB'be övgüler sunacağım›› dedi. Onun için çocuğa Yahuda adını verdi. Bir süre doğum yapmadı.