Shona

Turkish

Genesis

4

1Zvino Adhamu wakaziva Evha mukadzi wake; ndokutora mimba, akabereka Kaini, akati: Ndawana munhu kubva kuna Jehovha.
1Adem karısı Havva ile yattı. Havva hamile kaldı ve Kayini doğurdu. ‹‹RABbin yardımıyla bir oğul dünyaya getirdim›› dedi.
2Zvino akaberekazve munin'ina wake Abhero. Uye Abhero waiva mufudzi wemakwai, Kaini waiva murimi wevhu.
2Daha sonra Kayinin kardeşi Habili doğurdu. Habil çoban oldu, Kayin ise çiftçi.
3Zvino pakupfuura kwenguva, zvakaitika kuti Kaini wakauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha.
3Günler geçti. Bir gün Kayin toprağın ürünlerinden RABbe sunu getirdi.
4NaAbherowo akauisa zvemakwayana ake ematangwe nezvakakora zvawo. Je­hovha ndokugamuchira Abhero nechipi­riso chake;
4Habil de sürüsünde ilk doğan hayvanlardan bazılarını, özellikle de yağlarını getirdi. RAB Habili ve sunusunu kabul etti.
5asi kuna Kaini nekuchipiriso chake haana kugamuchira. Zvino Kaini waka­tsamwa kwazvo, chiso chake chikau­nyana.
5Kayinle sunusunu ise reddetti. Kayin çok öfkelendi, suratını astı.
6Zvino Jehovha akati kuna Kaini, Watsamwirei? Chiso chako chakau­nyana nei?
6RAB Kayine, ‹‹Niçin öfkelendin?›› diye sordu, ‹‹Niçin surat astın?
7Kana uchiita zvakanaka, haugamuchiriki here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwa­ndira pamusuwo; nechishuwo chake chiri kwauri asi iwe uchatonga.
7Doğru olanı yapsan, seni kabul etmez miyim? Ancak doğru olanı yapmazsan, günah kapıda pusuya yatmış, seni bekliyor. Ona egemen olmalısın.››
8Zvino Kaini wakataura nemunu­n'una wake Abhero; zvino zvakaitika vari kusango kuti Kaini wakamukira Abhero munin'ina wake, akamuuraya.
8Kayin kardeşi Habile, ‹‹Haydi, tarlaya gidelim›› dedi. Tarlada birlikteyken kardeşine saldırıp onu öldürdü. Tevratı, Süryanice ve Vulgatadan alındı.
9Zvino Jehovha wakati kuna Kaini: Ari kupi Abhero munin'ina wako? Iye ndokuti: Handizivi, ndini muchengeti wemunin'ina wangu here?
9RAB Kayine, ‹‹Kardeşin Habil nerede?›› diye sordu. Kayin, ‹‹Bilmiyorum, kardeşimin bekçisi miyim ben?›› diye karşılık verdi.
10Zvino wkati: Waitei? Inzwi reropa re­munin'ina wako rinodaidzira kwandiri richibva pasi.
10RAB, ‹‹Ne yaptın?›› dedi, ‹‹Kardeşinin kanı topraktan bana sesleniyor.
11Zvino wapiwa rushambwa pa­nyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa remunin'ina wako pa­ruoko rwako;
11Artık döktüğün kardeş kanını içmek için ağzını açan toprağın laneti altındasın.
12kana uchirima ivhu, ha­ringakupi simba raro; uchava mutizi nemudzungairi panyika.
12İşlediğin toprak bundan böyle sana ürün vermeyecek. Yeryüzünde aylak aylak dolaşacaksın.››
13Zvino Kaini wakati kuna Jehovha: Kurangwa kwangu kukuru kupfuura kwandingatakura,.
13Kayin, ‹‹Cezam kaldıramayacağım kadar ağır›› diye karşılık verdi,
14Tarirai, mandidzinga nhasi pachiso chenyika ino, uye ndichavanziwa pamberi pechiso chenyu; ndichava mutizi nemudzungairi panyika; uye zvichaitika kuti ani naani anondiwana achandiuraya.
14‹‹Bugün beni bu topraklardan kovdun. Artık huzurundan uzak kalacak, yeryüzünde aylak aylak dolaşacağım. Kim bulsa öldürecek beni.››
15Zvino Jehovha wakati kwaari: Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe. Jehovha ndokuisa mucherechedzo pana Kaini, zvimwe ani nani anozomuwana angamuuraya.
15Bunun üzerine RAB, ‹‹Seni kim öldürürse, ondan yedi kez öç alınacak›› dedi. Kimse bulup öldürmesin diye Kayinin üzerine bir nişan koydu.
16Zvino Kaini wakabva pamberi paJehovha, ndokunogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
16Kayin RABbin huzurundan ayrıldı. Aden bahçesinin doğusunda, Nod topraklarına yerleşti.
17Zvino Kaini wakaziva mukadzi wake, akatora mimba, akabereka Enoki; ndokuvaka guta, akatumidza guta zita remwanako­mana wake Enoki.
17Kayin karısıyla yattı. Karısı hamile kaldı ve Hanoku doğurdu. Kayin o sırada bir kent kurmaktaydı. Kente oğlu Hanokun adını verdi.
18Enoki akabereke­rwa Iradhi; naIradhi akabereka Mehujaeri; naMehujaeri akabereka Metushaeri; naMetu­shaeri akabereka Rameki;
18Hanoktan İrat oldu. İrattan Mehuyael, Mehuyaelden Metuşael, Metuşaelden Lemek oldu.
19Zvino Rameki wakazvitorera vakadzi vaviri, nezita reumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira.
19Lemek iki kadınla evlendi. Birinin adı Âda, öbürünün ise Sillaydı.
20Zvino Adha wakabereka Jabhari; iye waiva baba veavo vanogara mumatende vane zvi­pfuwo.
20Âda Yavalı doğurdu. Yaval sürü sahibi göçebelerin atasıydı.
21Zvino zita remunin'ina wake raiva Jubhari; iye waiva baba vevose vanori­dza udimbwa nenyere.
21Kardeşinin adı Yuvaldı. Yuval lir ve ney çalanların atasıydı.
22Zirawo ndokubereka Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzinocheka dzendarira nedare; nehanzvadzi yaTubha­rikaini waiva Naama.
22Silla Tuval-Kayini doğurdu. Tuval-Kayin tunç ve demirden çeşitli kesici aletler yapardı. Tuval-Kayinin kızkardeşi Naamaydı.
23Zvino Rameki wakati kuvakadzi vake; Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai nhaurwa yangu; nekuti ndauraya munhu anondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;
23Lemek karılarına şöyle dedi: ‹‹Ey Âda ve Silla, beni dinleyin,Ey Lemekin karıları, sözlerime kulak verin.Beni yaraladığı içinBir adam öldürdüm,Beni hırpaladığı içinBir genci öldürdüm.
24Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.
24Kayinin yedi kez öcü alınacaksa,Lemekin yetmiş yedi kez öcü alınmalı.››
25Zvino Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamu­tumidza zita rinonzi Seti; nekuti wakati, Mwari wandipa imwe mbeu pachinzvimbo chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.
25Adem karısıyla yine yattı. Havva bir erkek çocuk doğurdu. ‹‹Tanrı Kayinin öldürdüğü Habilin yerine bana başka bir oğul bağışladı›› diyerek çocuğa Şit adını verdi.
26NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enosi. Ne­nguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.
26Şit'in de bir oğlu oldu, adını Enoş koydu. O zaman insanlar RAB'bi adıyla çağırmaya başladı.