Shona

Turkish

Genesis

48

1Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa, zvichinzi, Tarira, baba vako vanorwara; iye akatora vanako­mana vake vaviri, Manase naEfuremu.
1Bir süre sonra, ‹‹Baban hasta›› diye Yusufa haber geldi. Yusuf iki oğlu Manaşşeyle Efrayimi yanına alıp yola çıktı.
2Jakove akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri. Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.
2Yakupa, ‹‹Oğlun Yusuf geliyor›› diye haber verdiler. İsrail kendini toparlayıp yatağında oturdu.
3Zvino Jakove akati kuna Josefa, Mwari Wamasimbaose akazviratidza paRuzi, panyika yeKanani, akandiropafadza,
3Yusufa, ‹‹Her Şeye Gücü Yeten Tanrı Kenan ülkesinde, Luzda bana görünerek beni kutsadı›› dedi,
4akati kwandiri, Ta­rira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.
4‹‹Bana, ‹Seni verimli kılacak, çoğaltacağım› dedi, ‹Soyundan birçok ulus doğuracağım. Senden sonra bu ülkeyi sonsuza dek mülk olarak senin soyuna vereceğim.›
5Zvino vanakomana vako vaviri, vawakaberekerwa panyika yeEgipita, ndi­sati ndasvika kwauri paEgipita, ndavangu; Efuremu naManase vachava vangu sa­vana Rubheni naSimioni.
5‹‹Ben Mısıra gelmeden önce burada doğan iki oğlun benim sayılır. Efrayimle Manaşşe benim için Rubenle Şimon gibidir.
6Asi vana vako, vawakabereka shure kwavo, va­chava vana vako, vachatumidzwa nezita ravakuru vavo panhaka yavo.
6Onlardan sonra doğacak çocuklar senin olsun. Efrayimle Manaşşeden onlara miras geçecek.
7Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, nda­kafirwa naRakeri panyika yeKanani mu­nzira ndasvika pedo neEfurata, ndika­muvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).
7Ben Paddandan dönerken Rahel Kenan ülkesinde, Efrata varmadan yolda yanımda öldü. Çok üzüldüm, onu orada Efrata -Beytleheme- giden yolun kenarına gömdüm.››
8Isiraeri akaona vanakomana vaJo­sefa, akati, ndivana aniko?
8İsrail, Yusufun oğullarını görünce, ‹‹Bunlar kim?›› diye sordu.
9Josefa akati kuna baba vake, Ndivo vanakomana vangu vandakapiwa pano naMwari. Vakati, Douya navo kwandiri ndivaropafadze.
9Yusuf, ‹‹Oğullarım›› diye yanıtladı, ‹‹Tanrı onları bana Mısırda verdi.›› İsrail, ‹‹Lütfen onları yanıma getir, kutsayayım›› dedi.
10Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere noku­kwegura, akanga asisagoni kuona. Aka­vaswededza kwavari, Isiraeri akavatsvoda, akavambundikira.
10İsrailin gözleri yaşlılıktan zayıflamıştı, göremiyordu. Yusuf oğullarını onun yanına götürdü. Babası onları öpüp kucakladı.
11Isiraeri akati kuna Josefa, Handina kufunga kuti ndichaona chiso chakozve, zvino tarira, Mwari aka­ndionesa navana vakowo.
11Sonra Yusufa, ‹‹Senin yüzünü göreceğimi hiç sanmıyordum›› dedi, ‹‹Ama işte Tanrı bana soyunu bile gösterdi.››
12Josefa aka­vabvisa pakati pamabvi avo akakotamira pasi nechiso chake.
12Yusuf oğullarını babasının kucağından alıp onun önünde yere kapandı.
13Josefa akavabata vari vaviri, Efu­remu norudyi rwake kuruboshwe rwaIsi­raeri, naManase noruboshwe rwake kuru­dyi rwaIsiraeri, akavaswededza pedo naye.
13Sonra Efrayimi sağına alarak İsrailin sol eline, Manaşşeyi soluna alarak İsrailin sağ eline yaklaştırdı.
14lsiraeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi, akaruisa pamusoro paEfuremu, aiva muduku, noruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, aka­pesanisa maoko ake achizviziva, nekuti Manase aiva wedangwe.
14İsrail ellerini çapraz olarak uzattı, sağ elini küçük olan Efrayimin, sol elini Manaşşenin başına koydu. Oysa ilkin Manaşşe doğmuştu.
15Akaropafadza Josefa, akati, Mwari uya, akafamba madzibaba angu pamberi pake, vana Abhurahamu naIsaka, Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi;
15Sonra Yusufu kutsayarak şöyle dedi: ‹‹Atalarım İbrahimin, İshakın hizmet ettiği,Bugüne dek yaşamım boyunca bana çobanlık eden Tanrı,
16mutumwa wakandidzikunura pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vanakomana ava; zita rangu ngaritumidzwe kwavari, namazita amadzibaba angu, Abhurahamu naIsaka, vawande kwazvo panyika.
16Beni bütün kötülüklerden kurtaran melek bu gençleri kutsasın!Adım ve atalarım İbrahimle İshakın adları bu gençlerle yaşasın!Yeryüzünde çoğaldıkça çoğalsınlar.››
17Zvino Josefa akati achiona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufa­dza, akabata ruoko rwababa vake, kuti arubvise pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase.
17Yusuf, babasının sağ elini Efrayimin başına koyduğunu görünce, bundan hoşlanmadı. Babasının elini Efrayimin başından kaldırıp Manaşşenin başına koymak istedi.
18Josefa akati kuna baba vake, Regai kudaro, baba vangu, nekuti ndiye wedangwe, isai ruoko rwe­nyu pamusoro wake.
18‹‹Baba, öyle değil›› dedi, ‹‹İlkin Manaşşe doğdu. Sağ elini onun başına koy.››
19Baba vake vakaramba, vakati, Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mu­kuruwo, asi munin'ina wake achava mu­kuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji.
19Ancak babası bunu istemedi. ‹‹Biliyorum oğlum, biliyorum›› dedi, ‹‹Manaşşe de büyük bir halk olacak. Ama küçük kardeşi daha büyük bir halk olacak, soyundan birçok ulus doğacak.››
20Akavaropafadza nomusi iwoyo, akati, Newe vaIsiraeri vacharopafadza, vachiti, Mwari ngaakuite saEfuremu naManase. Akaisa Efuremu pamberi paManase.
20O gün onları kutsayarak şöyle dedi: ‹‹İsrailliler, ‹Tanrı seni Efrayim ve Manaşşe gibi yapsın›Diyerek sizin adınızla kutsayacaklar.›› Böylece Yakup Efrayimi Manaşşenin önüne geçirdi.
21Zvino Isiraeri akati kuna Josefa, Tarira, ndofa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.
21İsrail Yusufa, ‹‹Ben ölmek üzereyim›› dedi, ‹‹Tanrı sizinle olacak. Sizi atalarınızın toprağına geri götürecek.
22Newe ndinokupa mugove mu­mwe kupfuura vamwe vana vababa vako, uya wandakatorera vaAmori nomunondo wangu nouta hwangu.
22Sana kardeşlerinden bir pay fazla veriyorum; onu Amorlular'dan kılıcımla, yayımla aldım.››