1Zvino Jefuta muGiriyadhi, wakange ari munhu ane simba noumhare, asi wakange ari mwanakomana wechifeve; Giriyadhi ndiye wakabereka Jefuta.
1Yiftah adında yiğit bir savaşçı vardı. Bir fahişenin oğlu olan Yiftahın babasının adı Gilattı.
2Mukadzi waGiriyadhi akamuberekera vanakomana; zvino vanakomana vomukadzi wake vakati vakura, vakadzinga Jefuta, vakati kwaari, Haungadyi nhaka mumba mababa vedu, nekuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.
2Gilatın karısı da ona erkek çocuklar doğurmuştu. Bu çocuklar büyüyünce Yiftahı kovmuşlardı. Ona, ‹‹Babamızın evinden miras almayacaksın. Çünkü sen başka bir kadının oğlusun›› demişlerdi.
3Ipapo Jefuta akatiza vanin'ina vake, akandogara panyika yeTobhi; varume vakaipa vakaunganira kuna Jefuta, vakasibuda naye kundorwa.
3Yiftah kardeşlerinden kaçıp Tov yöresine yerleşti. Çevresinde toplanan serserilere önderlik etmeye başladı.
4Zvino nguva yakati yapfuura, vana vaAmoni vakandorwa navalsiraeri,
4Bir süre sonra Ammonlular İsraillilere savaş açtı.
5Zvino vana vaAmoni vakati vorwa navaIsiraeri, vakuru veGiriyadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi.
5Savaş patlak verince Gilat ileri gelenleri Yiftahı almak için Tov yöresine gittiler.
6Vakati kuna Jefuta, Uya, uve ishe wedu, kuti tindorwa navana vaAmoni.
6Ona, ‹‹Gel, komutanımız ol, Ammonlularla savaşalım›› dediler.
7Jefuta akati kuvakuru veGiriyadhi, Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?
7Yiftah, ‹‹Benden nefret eden, beni babamın evinden kovan siz değil miydiniz?›› diye yanıtladı, ‹‹Sıkıntıya düşünce neden bana geldiniz?››
8Vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta, Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Giriyadhi.
8Gilat ileri gelenleri, ‹‹Sana başvuruyoruz; çünkü bizimle gelip Ammonlularla savaşmanı, bize, Gilat halkına önderlik etmeni istiyoruz›› dediler.
9Jefuta akati kuvakuru veGiriyadhi, Kana muchindidzosa kuti ndirwe navana vaAmoni, kana Jehovha akavaisa mumaoko angu, ndichava mukuru wenyu here?
9Yiftah, ‹‹Ammonlularla savaşmak için beni götürürseniz, RAB de onları elime teslim ederse, sizin önderiniz olacak mıyım?›› diye sordu.
10Vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta, Jehovha unoteerera pakati pedu; zvirokwazvo tichaita sezvawataura iwe.
10Gilat ileri gelenleri, ‹‹RAB aramızda tanık olsun, kesinlikle dediğin gibi yapacağız›› dediler.
11Zvino Jefuta akaenda navakuru veGiriyadhi, vanhu vakamuita mukuru nashe wavo; Jefuta akataura mashoko ake ose pamberi paJehovha paMizipa.
11Böylece Yiftah Gilat ileri gelenleriyle birlikte gitti. Halk onu kendine önder ve komutan yaptı. Yiftah bütün söylediklerini Mispada, RABbin önünde yineledi.
12Zvino Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavana vaAmoni, akati, Mhosva yako ndeyeiko, zvawauya kuzorwa neni nenyika yangu?
12Sonra Ammon Kralına ulaklar göndererek, ‹‹Aramızda ne var ki, ülkeme saldırmaya kalkıyorsun?›› dedi.
13Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati: Nekuti vaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Egipita, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJoridhani, saka zvino chidzosai nyika idzo norugare.
13Ammon Kralı, Yiftahın ulaklarına şu karşılığı verdi: ‹‹İsrailliler Mısırdan çıktıktan sonra Arnon Vadisinden Yabbuk ve Şeria ırmaklarına kadar uzanan topraklarımı aldılar. Şimdi buraları bana savaşsız geri ver.››
14Ipapo Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavana vaAmoni,
14Yiftah yine Ammon Kralına ulaklar göndererek
15akati kwavari, Zvanzi naJefuta, VaIsiraeri havana kutora nyika yaMoabhu, kana nyika yavana vaAmoni;
15şöyle dedi: ‹‹Yiftah diyor ki, İsrailliler ne Moav ülkesini, ne de Ammon topraklarını aldı.
16asi panguva yakakwira valsiraeri vachibva Egipita, vakafamba murenje kusvikira paGungwa Dzvuku, vakasvika paKadheshi,
16Mısırdan çıktıkları zaman Kızıldenize kadar çölde yürüyerek Kadeşe ulaştılar.
17vaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu; asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino vaIsiraeri vakagara paKadheshi.
17Sonra Edom Kralına ulaklar göndererek, ‹Lütfen topraklarından geçmemize izin ver› dediler. Edom Kralı kulak asmadı. İsrailliler Moav Kralına da ulaklar gönderdi, ama o da izin vermedi. Bunun üzerine Kadeşte kaldılar.
18Ipapo vakafamba nomurenje, vakapota nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, vakaenda nokumabvazuva enyika yaMoabhu, vakadzika matende avo nechemhiri kwaArinoni; asi havana kudarika muganhu waMoabhu, nekuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu.
18‹‹Çölü izleyerek Edom ile Moav topraklarının çevresinden geçtiler; Moav bölgesinin doğusunda, Arnon Vadisinin öbür yakasında konakladılar. Moav sınırından içeri girmediler. Çünkü Arnon Vadisi sınırdı.
19Ipapo vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, mambo weHeshibhoni; vaIsiraeri vakati kwaari, Titenderei henyu kupfuura napanyika yenyu, kusvikira panzvimbo yedu.
19‹‹Sonra Heşbonda egemenlik süren Amorluların Kralı Sihona ulaklar göndererek, ‹Ülkenden geçip topraklarımıza ulaşmamıza izin ver› diye rica ettiler.
20Asi Sihoni haana kutenda vaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa navalsiraeri.
20Ama Sihon İsraillilerin topraklarından geçip gideceklerine inanmadı. Bu nedenle bütün halkını toplayıp Yahesada ordugah kurdu ve İsraillilerle savaşa tutuştu.
21Zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo vaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika ivo, ikava yavo.
21‹‹İsrailin Tanrısı RAB, Sihonu ve bütün halkını İsraillilerin eline teslim etti. İsrailliler Amorluları yenip o yöredeki halkın bütün topraklarını ele geçirdiler.
22Nyika yose yavaAmori ikava yavo, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kubva kurenje, kusvikira paJoridhani.
22Arnon Vadisinden Yabbuk Irmağına, çölden Şeria Irmağına kadar uzanan bütün Amor topraklarını ele geçirdiler.
23Saka zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri ndiye wakatorera vaAmori nyika yavo pamberi pavanhu vake vaIsiraeri, zvino imwi moda kuvatorerazve here?
23‹‹İsrailin Tanrısı RAB Amorluları kendi halkı İsrailin önünden kovduktan sonra, sen hangi hakla buraları geri istiyorsun?
24Ko imwi hamungatori izvo zvamunopiwa namwari wenyu Kemoshi here, nesuwo titore nyika yavose vanodzingwa pamberi pedu naJehovha Mwari wedu?
24İlahın Kemoş sana bir yer verse oraya sahip çıkmaz mısın? Biz de Tanrımız RABbin önümüzden kovduğu halkın topraklarını sahipleneceğiz.
25Ko zvino imwi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera vaIsiraeri, kana kurwa navo here?
25Sen Moav Kralı Sippor oğlu Balaktan üstün müsün? O hiç İsraillilerle çekişti mi, hiç onlarla savaşmaya kalkıştı mı?
26Nguva yakagara vaIsiraeri paHeshibhoni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutivi rwaArinoni, makore ana mazana matatu, makaregereiko kuvatorera nyika iyo nenguva iyo?
26İsrailliler üç yüz yıldır Heşbonda, Aroerde, bunların çevre köylerinde ve Arnon kıyısındaki bütün kentlerde yaşarken neden buraları geri almaya çalışmadınız?
27Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana vaIsiraeri navana vaAmoni.
27Ben sana karşı suç işlemedim. Ama sen benimle savaşmaya kalkışmakla bana haksızlık ediyorsun. Hakim olan RAB, İsraillilerle Ammonlular arasında bugün hakemlik yapsın.››
28Asi mambo wavana vaAmoni haana kuteerera mashoko aJefuta, aakatuma kwaari.
28Ne var ki Ammon Kralı, Yiftahın kendisine ilettiği bu sözlere kulak asmadı.
29Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGiriyadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGiriyadhi, akabva paMizipa paGiriyadhi, akapfuura kuvana vaAmoni.
29RABbin Ruhu Yiftahın üzerine indi. Yiftah, Gilat ve Manaşşeden geçti, Gilattaki Mispadan geçerek Ammonlulara doğru ilerledi.
30Jefuta akapikira Jehovha mhiko, akati, Kana mukaisa vana vaAmoni mumaoko angu,
30RABbin önünde ant içerek şöyle dedi: ‹‹Gerçekten Ammonluları elime teslim edersen,
31ipapo ani naani unobuda pamikova yeimba yangu kuzosongana neni, musi wandinodzoka norugare ndichibva kuvana vaAmoni, uchava waJehovha; ndichauya naye, chive chipiriso chinopiswa.
31onları yenip sağ salim döndüğümde beni karşılamak için evimin kapısından ilk çıkan, RABbe adanacaktır. Onu yakmalık sunu olarak sunacağım.››
32Ipapo Jefuta akapfuurira kuvana vaAmoni, akandorwa navo; Jehovha akavaisa mumaoko ake.
32Yiftah bundan sonra Ammonlularla savaşmaya gitti. RAB onları Yiftahın eline teslim etti.
33Akavaparadza nokuparadza kukuru kwazvo, kubva paAroeri kusvikira paMiniti, maguta anamakumi maviri, nokusvikira paAbherikeramimi. Vana vaAmoni vakakundwa saizvozvo pamberi pavana vaIsiraeri.
33Yiftah, başta Avel-Keramim olmak üzere, Aroerden Minnite kadar yirmi kenti yakıp yıkarak Ammonlulara çok büyük kayıplar verdirdi. Böylece Ammonlular İsraillilerin boyunduruğuna girdi.
34Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakange ari mwana wake mumwe chete, wakange asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana.
34Yiftah Mispaya, kendi evine döndüğünde, kızı tef çalıp dans ederek onu karşılamaya çıktı. Tek çocuğu oydu, ondan başka ne oğlu ne de kızı vardı.
35Zvino wakati achimuona, akabvarura nguvo dzake, akati, Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nekuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.
35Yiftah, kızını görünce giysilerini yırtarak, ‹‹Eyvahlar olsun, kızım!›› dedi, ‹‹Beni perişan ettin, umarsız bıraktın! Çünkü RABbe verdiğim sözden dönemem.››
36Iye akati, Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei henyu sezvamakataura, nekuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo vavengi venyu, ivo vana vaAmoni.
36Kız, ‹‹Baba, RABbe ant içtin›› dedi, ‹‹Madem RAB düşmanların olan Ammonlulardan senin öcünü aldı, ağzından ne çıktıysa bana öyle yap.››
37Akati kuna baba vake, Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.
37Sonra ekledi: ‹‹Yalnız bir dileğim var: Beni iki ay serbest bırak, gidip arkadaşlarımla kırlarda gezineyim, kızlığıma ağlayayım.››
38Ivo vakati, Chienda hako. Akamutendera mwedzi miviri; akaenda, iye neshamwari dzake, akandochema umhandara hwake kumakomo.
38Babası, ‹‹Gidebilirsin›› diyerek onu iki ay serbest bıraktı. Kız arkadaşlarıyla birlikte kırlara çıkıp erdenliğine ağladı.
39Zvino mwedzi miviri yakati yapera, akadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira sezvavakanga vapika; wakange asina kuziva murume. Ikazova tsika pakati pavaIsiraeri,
39İki ay sonra babasının yanına döndü. Babası da içtiği andı yerine getirdi. Kıza erkek eli değmemişti. Bundan sonra İsrailde bir gelenek oluştu.
40kuti vakunda vaIsiraeri vaende makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefuta muGiriyadhi.
40İsrail kızları her yıl kırlara çıkıp Gilatlı Yiftah'ın kızı için dört gün yas tutar oldular.