Shona

Turkish

Judges

13

1Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana.
1İsrailliler yine RABbin gözünde kötü olanı yaptılar. RAB de onları kırk yıl süreyle Filistlilerin boyunduruğuna terk etti.
2Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manowa; mukadzi wake wakange asina mwanakomana, asingabereki.
2Dan oymağından Soralı bir adam vardı. Adı Manoahtı. Karısı kısırdı ve hiç çocuğu olmamıştı.
3Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.
3RABbin meleği kadına görünerek, ‹‹Kısır olduğun, çocuk doğurmadığın halde gebe kalıp bir oğul doğuracaksın›› dedi,
4Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka;
4‹‹Bundan böyle şarap ya da içki içmemeye dikkat et, murdar bir şey yeme.
5nekuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nekuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia.
5Çünkü gebe kalıp bir oğul doğuracaksın. Onun başına ustura değmeyecek. Çünkü o daha rahmindeyken Tanrıya adanmış olacak. İsraili Filistlilerin elinden kurtarmaya başlayacak olan odur.››
6Zvino mukadzi akandoudza murume wake, akati, Munhu waMwari wakauya kwandiri, chiso chake chakanga chakafanana nechiso chomutumwa waMwari, chaityisa kwazvo; handina kumubvunza kuti unobvepi, uye iye haana kundiudza zita rake;
6Kadın kocasına gidip, ‹‹Yanıma bir Tanrı adamı geldi›› dedi, ‹‹Tanrının meleğine benzer görkemli bir görünüşü vardı. Nereden geldiğini sormadım. Bana adını da söylemedi.
7asi wakati kwandiri, Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; zvino chirega kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, usadya chinhu chisina kunaka, nekuti mwana uyu uchava muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake kusvikira pazuva rokufa kwake.
7Ama, ‹Gebe kalıp bir oğul doğuracaksın› dedi, ‹Bundan böyle şarap ve içki içme, murdar bir şey yeme. Çünkü çocuk ana rahmine düştüğü andan öleceği güne dek Tanrının adanmışı olacak.› ››
8Ipapo Manowa akakumbira kuna Jehovha, akati, Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa.
8Manoah RABbe şöyle yakardı: ‹‹Ya Rab, gönderdiğin Tanrı adamının yine gelmesini, doğacak çocuk için ne yapmamız gerektiğini bize öğretmesini dilerim.››
9Jehovha akanzwa inzwi raManowa; mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manowa, murume wake, wakange asiko kwaari.
9Tanrı Manoahın yakarışını duydu. Kadın tarladayken Tanrının meleği yine ona göründü. Ne var ki, Manoah karısının yanında değildi.
10Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoudza murume wake, akati kwaari, Tarira, murume uya wazviratidzazve kwandiri, iye wakadeya kuuya kwandiri musi uya.
10Kadın haber vermek için koşa koşa kocasına gitti. ‹‹İşte geçen gün yanıma gelen adam yine bana göründü!›› dedi.
11Manowa akasimuka, akatevera mukadzi, wake akasvika kumurume, akati kwaari, Ndiwe murume wakataura nomukadzi here? Iye akati, Ndini.
11Manoah kalkıp karısının ardısıra gitti. Adamın yanına varınca, ‹‹Karımla konuşan adam sen misin?›› diye sordu. Adam, ‹‹Evet, benim›› dedi.
12Manowa akati, Zvino kana mashoko enyu achinge aitika, tsika dzomwana dzinofanira kuva dzipi, nebasa rake rinofanira kuva reiko?
12Manoah, ‹‹Söylediklerin yerine geldiğinde, çocuğun yaşamı ve göreviyle ilgili yargı ne olacak?›› diye sordu.
13Mutumwa waJehovha akati kuna Manowa; Mukadzi ngaachenjere pamusoro pezvose zvandakamuudza.
13RABbin meleği, ‹‹Karın kendisine söylediğim her şeyden sakınsın›› diye karşılık verdi,
14Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira.
14‹‹Asmanın ürününden üretilen hiçbir şey yemesin, şarap ve içki içmesin. Murdar bir şey yemesin. Buyurduklarımın hepsini yerine getirsin.››
15Manowa akati kumutumwa waJehovha, Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana.
15Manoah, ‹‹Seni alıkoymak, onuruna bir oğlak kesmek istiyoruz›› dedi.
16Mutumwa waJehovha akati kuna Manowa, Kunyange ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha. nekuti Manowa wakange asingazivi kuti mutumwa waJehovha.
16RABbin meleği, ‹‹Beni alıkoysan da hazırlayacağın yemeği yemem›› dedi, ‹‹Yakmalık bir sunu sunacaksan, RABbe sunmalısın.›› Manoah onun RABbin meleği olduğunu anlamamıştı.
17Manowa akati kumutumwa waJehovha, Zita renyu ndianiko? Kuti tizive kukukudzai kana mashoko enyu achizoitika?
17RABbin meleğine, ‹‹Adın ne?›› diye sordu, ‹‹Bilelim ki, söylediklerin yerine geldiğinde seni onurlandıralım.››
18Mutumwa waJehovha akati kwaari, Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?
18RABbin meleği, ‹‹Adımı niçin soruyorsun?›› dedi, ‹‹Adım tanımlanamaz.››
19Ipapo Manowa akatora mbudzana pamwechete nechipiriso chezvokudya, akazvibayira Jehovha padombo; mutumwa akaita chinhu chinoshamisa, Manowa nomukadzi wake vakataririra.
19Manoah bir oğlakla tahıl sunusunu aldı, bir kayanın üzerinde RABbe sundu. O anda Manoahla karısının gözü önünde şaşılacak şeyler oldu:
20nekuti murazvo womoto wakati uchikwira kudenga uchibva paatari, mutumwa waJehovha ndokukwira mumurazvo weatari, Manowa nomukadzi wake vakataririra; vakawira pasi nezviso zvavo.
20RABbin meleği sunaktan yükselen alevle birlikte göğe yükseldi. Bunu gören Manoahla karısı yüzüstü yere kapandılar.
21Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manowa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manowa akaziva kuti mutumwa waJehovha.
21RABbin meleği Manoahla karısına bir daha görünmeyince, Manoah onun RABbin meleği olduğunu anladı.
22Zvino Manowa akati kumukadzi wake, Tichafa zvirokwazvo, nekuti takaona Mwari.
22Karısına, ‹‹Kesinlikle öleceğiz›› dedi, ‹‹Çünkü Tanrıyı gördük.››
23Asi mukadzi wake wakati kwaari, Dai Jehovha aida kutiuraya, ungadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa chezvokudya pamaoko edu; ungadai asina kutiratidza mashoko akadai panguva ino.
23Karısı, ‹‹RAB bizi öldürmek isteseydi, yakmalık sunuyu ve tahıl sunusunu kabul etmezdi›› diye karşılık verdi, ‹‹Bütün bunları bize göstermezdi. Bugün söylediklerini de işitmezdik.››
24Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.
24Ve kadın bir erkek çocuk doğurdu. Adını Şimşon koydu. Çocuk büyüyüp gelişti. RAB de onu kutsadı.
25Mweya waJehovha akatanga kumumutsa paMahanedhani, pakati peZora neEshitaori.
25RAB'bin Ruhu Sora ile Eştaol arasında, Mahane-Dan'da bulunan Şimşon'u yönlendirmeye başladı.