1Zvino kwakanga kuno murume panyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Mika.
1Efrayimin dağlık bölgesinde Mika adında bir adam vardı.
2Iye akati kuna mai vake, Mashekeri aya esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe amakabirwa, mukatuka mubi wazvo, mukataurawo izvozvo ini ndichizvinzwa, tarirai sirivha iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora. Ipapo mai vake vakati, Mwanakomana wangu ngaaropafadzwe naJehovha!
2Mika annesine, ‹‹Senden çalınan, lanetlediğini duyduğum bin yüz parça gümüş var ya, işte o gümüşler bende, onları ben çaldım›› dedi. Annesi, ‹‹RAB seni kutsasın, oğlum!›› dedi.
3Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo.
3Mika bin yüz parça gümüşü annesine geri verdi. Annesi, ‹‹Oğlumun bir oyma put, bir de dökme put yaptırabilmesi için gümüşün tamamını RABbe adıyorum›› dedi, ‹‹Gümüşü sana geri veriyorum.››
4Zvino wakati adzosera mari iyo kuna mai vake, mai vake vakatora mashekeri esirivha ana mazana maviri, akaapa muumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; zvikagara mumba maMika.
4Gümüşü Mikadan geri alan kadın, iki yüz parçasını ayırıp kuyumcuya verdi. Kuyumcu bundan bir oyma, bir de dökme put yaptı. Putlar Mikanın evine götürüldü.
5Zvino murume uyu Mika wakange ane imba yavamwari, akaita efodhi neterafimi, akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave mupristi wake.
5Mikanın bir tapınma yeri vardı. Özel aile putları ve bir efod yaptırmış, oğullarından birini de kâhinliğe atamıştı.
6Pamazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; munhu mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
6O dönemde İsrailde kral yoktu. Herkes dilediğini yapıyordu.
7Zvino kwakanga kune jaya raibva Bheterehemu-judha, weimba yaJudha, waiva muRevhi, wakange agerepo.
7Yahudanın Beytlehem Kentinde, Yahudalı bir ailenin yanında geçici olarak yaşayan genç bir Levili vardı.
8Murume uyu akabva paguta, paBheterehemu-judha, kundozvitsvakira nzvimbo yokugara; pakufamba kwake akasvika panyika yamakomo yaEfuremu paimba yaMika.
8Adam yerleşecek başka bir yer bulmak üzere Yahudanın Beytlehem Kentinden ayrıldı. Efrayimin dağlık bölgesinden geçerken Mikanın evine geldi.
9Mika akati kwaari, Wabvepiko? Iye akati kwaari, Ndiri muRevhi weBheterehemu-judha, ndinotsvaka kwandingagara.
9Mika, ‹‹Nereden geliyorsun?›› diye sorunca adam, ‹‹Yahudanın Beytlehem Kentinden geliyorum, Leviliyim, yerleşecek yer arıyorum›› dedi.
10Mika akati kwaari, Gara neni, uve baba vangu nomupristi wangu, ndikupe mashekeri esirivha ane gumi pagore nenguvo dzokupfeka nezvokudya zvako. Ipapo muRevhi akapinda.
10Mika, ‹‹Benimle kal›› dedi, ‹‹Bana danışmanlık ve kâhinlik yap. Seni doyurur, yılda bir takım giysi, on parça da gümüş veririm.›› Levili kabul etti.
11MuRevhi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikava somumwe wavanakomana vake.
11Mika ile kalmaya razı oldu. Mika da ona oğlu gibi davrandı.
12Mika akagadza muRevhi, jaya iro rikava mupristi wake, akagara mumba maMika.
12Genç Leviliyi kâhinliğe atayarak evine aldı.
13Zvino Mika akati, Ndinoziva kuti Jehovha uchandiitira zvakanaka, zvandava nomupristi wangu ari muRevhi.
13Mika, ‹‹Şimdi biliyorum ki, RAB bana iyi davranacak›› dedi, ‹‹Çünkü bir Levili kâhinim var.››