Shona

Turkish

Leviticus

13

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
1RAB Musaya ve Kâhin Haruna şöyle dedi:
2Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupristi, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapristi;
2‹‹Bedeninde deri hastalığına dönüşebilecek şiş, kabuk ya da parlak leke bulunan kişi Haruna, ya da Harunun kâhin oğullarından birine götürülecek.
3mupristi zvino anofanira kucherekedza hosha iri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane hosha dzakashanduka dzikava chena, hosha ikaonekwa kuti yakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, ihosha yamaperembudzi; mupristi ngaamucherekedze, agoreva kuti haana kunaka.
3Kâhin derideki yaraya bakacak, yarada kıl ağarması varsa ve yara derine inmişse, kişi deri hastalığına yakalanmış demektir. Hastaya bakan kâhin onu kirli ilan edecektir.
4Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupristi anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
4Derideki parlak leke beyazsa, derine inmemişse, üzerindeki kıllar ağarmamışsa, kâhin hastayı yedi gün kapalı bir yerde tutacak.
5nomusi wechinomwe mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
5Yedinci gün yaraya bakacak; yara ilerlememiş, deri yüzeyine yayılmamışsa, hastayı yedi gün daha kapalı bir yerde tutacak.
6zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguvo dzake agova wakanaka.
6Yedinci gün hastaya bir daha bakacak; yara solmuş, deri yüzeyine yayılmamışsa, hastayı temiz ilan edecek. Yara yalnızca kabuktur. Hasta giysilerini yıkayıp temiz sayılacaktır.
7Asi kana pakafunuka pachiramba pachinyenga paganda, ambozviratidza kumupristi kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumupristi;
7Ancak temiz sayılmak için kâhine muayene olduktan sonra derisindeki kabuk yayılırsa, yine kâhine görünmelidir.
8zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
8Kâhin kişiye bakacak, derisindeki kabuk yayılmışsa onu kirli ilan edecek. Kişi deri hastalığına yakalanmış demektir.
9Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, anofanira kuiswa kumupristi;
9‹‹Deri hastalığına yakalanan kişi kâhine götürülecek.
10zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
10Kâhin ona bakacak. Derideki şiş beyazlaşmış, üzerindeki kıllar ağarmışsa, şişkin yarada kızıl et görünüyorsa,
11ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino mupristi ngaarege kumupfigira, nekuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka.
11bu müzmin bir deri hastalığıdır. Kâhin kişiyi kirli ilan edecek, ama kapalı yerde tutmayacaktır. Çünkü kişi zaten kirlenmiştir.
12Kana maperembudzi akabuda pose-pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu une hosha, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomupristi;
12‹‹Eğer deri hastalığı yayılıp kâhinin görebildiği kadarıyla tepeden tırnağa hastanın bütün bedenini kaplamışsa,
13zvino mupristi anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu une hosha wakanaka, zvose zvashanduka zvachena, wakanaka hake.
13kâhin hastaya bakacak ve bedenini hastalık saran kişiyi temiz ilan edecektir. Yaralar beyazlaşmış ve temizdir.
14Asi kana nyama tsvuku ikaonekwa kwaari, uchava usina kunaka.
14Ama kızıl et görülüyorsa, kişi kirli sayılacaktır.
15Kana mupristi akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi.
15Kâhin kızıl et görürse, kişiyi kirli ilan edecektir. Kızıl et kirlidir, deri hastalığıdır.
16Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumupristi.
16Eğer kızıl et iyileşir, beyazlaşırsa, hasta yine kâhine görünmelidir.
17Ipapo mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
17Kâhin hastaya bakacak, yara beyazlaşmışsa, yarayı temiz ilan edecek. Kişi temiz sayılacak.
18Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora,
18‹‹Derideki çıban iyileşmiş,
19panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa mupristi;
19ama bir süre sonra çıbanın yerinde beyaz bir şiş, ya da kırmızımsı-beyaz parlak bir leke oluşmuşsa, kâhine göstermeli.
20zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
20Kâhin hastaya bakacak, görünen yara derine inmiş, üzerindeki kıllar ağarmışsa, kişiyi kirli ilan edecektir. Çıbanda baş gösteren bir deri hastalığıdır bu.
21Asi kana mupristi akapacherekedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
21Ama kâhin hastaya baktığında yarada beyaz kıl yoksa, yara derine inmemiş ve yara solmuşsa, kişiyi yedi gün kapalı bir yerde tutacaktır.
22Kana pakanyenga pose paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha.
22Eğer derideki yara yayılıyorsa, kâhin kişiyi kirli ilan edecektir; çünkü kişi hastalığa yakalanmış demektir.
23Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasanyenga, ivanga haro remota; mupristi anofanira kuti wakanaka.
23Parlak leke geçmemiş ama yayılmamışsa, bu çıban kabuğudur. Kâhin kişiyi temiz ilan edecektir.
24Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena,
24‹‹Deride ateş yanığı varsa ve et kırmızımsı-beyaz ya da beyaz, parlak bir leke haline gelmişse,
25mupristi anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
25kâhin yaraya bakmalı. Parlak lekenin üzerindeki kıllar ağarmış, leke derine inmişse, yanıkta deri hastalığı var demektir. Kâhin kişiyi kirli ilan edecektir, çünkü kişi deri hastalığına yakalanmıştır.
26Asi kana mupristi akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
26Ama parlak lekede kıl ağarması yoksa, leke derine inmemiş ve solmuşsa, kâhin hastayı yedi gün kapalı bir yerde tutacaktır.
27Zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
27Yedinci gün kişiye yine bakacak, eğer leke deriye yayılmışsa, onu kirli ilan edecek. Çünkü kişi deri hastalığına yakalanmıştır.
28Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kokutsva hako, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake, nekuti chivara chokutsva.
28Eğer derideki parlak leke geçmemiş, ama yayılmamış ve solmuşsa, yanıktan doğan bir şişliktir. Kâhin kişiyi temiz ilan edecektir. Çünkü yanık yarasının kabuğudur bu.
29Kana murume kana mukadzi ane hosha pamusoro kana pandebvu,
29‹‹Bir erkeğin ya da kadının başında ya da çenesinde yara varsa,
30mupristi anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
30kâhin yaraya bakmalı. Yara derine inmişse ve üzerinde ince sarı tüyler varsa, hastayı kirli ilan edecektir. Çünkü hasta uyuzdur. Baş ya da çenede görülen bir deri hastalığıdır.
31Kana mupristi akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupristi anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
31Ancak kâhin bu tür bir yaraya baktığı zaman, yara derine inmemişse, üzerinde siyah kıl yoksa, hastayı yedi gün kapalı bir yerde tutacak.
32Nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
32Yedinci gün yaraya yine bakacak; uyuz deriye yayılmamışsa, üzerinde sarı kıl yoksa, uyuz derine inmemişse,
33anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino mupristi anofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamwe mazuva manomwezve;
33hasta tıraş olacak, ama uyuz olan yerlere dokunmayacaktır. Kâhin hastayı yedi gün daha kapalı bir yerde tutacak.
34nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguvo dzake, anake.
34Yedinci gün uyuza yine bakacak; uyuz deriye yayılmamışsa, derine inmemişse, hastayı temiz ilan edecektir. Hasta giysilerini yıkayacak ve temiz sayılacaktır.
35Asi kana pakafunuka pakanyenga pose paganda shure kokunatswa kwake;
35Ama hasta temiz ilan edildikten sonra uyuz derisine yayılırsa,
36mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
36kâhin ona yeniden bakmalı. Uyuz yayılmışsa, yarada sarı kıl olup olmamasına bakılmaksızın kişi kirli sayılacaktır.
37Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake.
37Ama kâhine göre uyuz ilerlememiş, üzerinde siyah kıl bitmişse, hastalık geçmiş demektir. Kişi temizdir. Kâhin onu temiz ilan edecektir.
38Kana murume kana mukadzi vane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena;
38‹‹Bir erkeğin ya da kadının derisinde beyaz parlak lekeler varsa,
39mupristi anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
39kâhin ona bakmalı. Derideki lekeler beyaz ve solgunsa, sadece deride çıkan kırmızı lekelerdir. Kişi temizdir.
40Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhazha; asi wakanaka hake.
40‹‹Eğer adamın saçı dökülmüşse, sadece keldir. Temiz sayılır.
41Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhazha pahuma, asi wakanaka hake.
41Saçının önü dökülmüşse alnı açılmış demektir. Temiz sayılır.
42Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, pane hosha chena yakaita setsvuku, maperembudzi anobuda pamhazha, kana pamhazha yapahuma.
42Ama saçı dökülmüş ya da alnı açılmış adamın başında veya alnında kırmızımsı-beyaz yaralar çıkmışsa, adam deri hastalığına yakalanmış demektir.
43Zvino mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pehosha pachena pakaita sapatsvuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama,
43Kâhin adama bakacak. Saçı dökülmüş baş ya da alındaki şişler deri hastalığının yol açtığı yaralar gibi kırmızımsı-beyazsa,
44munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; mupristi anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
44adam deri hastalığına yakalanmıştır. Kirlidir. Başındaki yaradan ötürü kâhin kesinlikle onu kirli ilan edecektir.
45Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kufukurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, Ndakaipa, ndakaipa!
45‹‹Böyle bir hastalığa yakalanan kişinin giysileri yırtık, saçları dağınık olmalı; kişi ağzını örtüp, ‹Kirliyim! Kirliyim!› diye bağırmalı.
46Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
46Hastalığı devam ettiği sürece kirli sayılacaktır, çünkü kirlenmiştir. Halktan uzak, ordugahın dışında yaşamalıdır.››
47nguvowo ine hosha yamaperembudzi, kana iri nguvo yamakushe amakwai, kana iri nguvo yomucheka;
47‹‹Yün ya da keten bir giyside,
48kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yamucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedebwe, kana chinhu chakaitwa nedebwe;
48yün ya da keten bir kumaşta, deri ya da deri eşyada küf görülürse,
49kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguvo, kana padebwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa mupristi;
49giyside, deride, deri eşyada, örgü ipinde, kumaşta görülen küf yeşilimsi ya da kırmızımsı bir renk almışsa, kâhine gösterilmelidir.
50zvino mupristi anofanira kucherekedza hosha iyo, agopfigira chinhu chine hosha mazuva manomwe;
50Kâhin ona bakacak ve yedi gün kapalı bir yerde tutacak.
51zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yedebwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
51Yedinci gün ona yine bakacak. Eğer kumaştaki, giysideki veya herhangi bir amaçla kullanılan deri eşyadaki küf yayılmışsa, bu tehlikeli bir küftür. Kirli sayılacaktır.
52Zvino anofanira kupisa nguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedebwe, ine hosha iyo; nekuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
52Üzerinde küf bulunan yün ya da keten giysi, kumaş ya da her türlü deri eşya kâhin tarafından yakılacaktır. Çünkü önü alınamaz bir küftür ve yakılmalıdır.
53Kana mupristi akatarira, akaona kuti hosha haina kunyenga panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe;
53‹‹Kâhin giyside, kumaşta ya da herhangi bir deri eşyada bulunan küfün yayılmadığını görürse,
54mupristi anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine hosha, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve;
54buyruk verecek ve küflü eşya yıkanacak. Kâhin onu yedi gün daha kapalı bir yerde tutacak.
55mupristi agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
55Küflü eşya yıkandıktan sonra yeniden kâhine gösterilmeli. Küf yayılmasa bile rengi değişmemişse, kirli sayılacak. Yakılmalıdır. Gerek iç yüzünü, gerekse dış yüzünü küf kemirmiştir.
56Kana mupristi akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguvo kupabvisapo, kana padebwe, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;
56‹‹Küflü eşya yıkandıktan sonra, küfte bir solma varsa, kâhin giysideki, derideki ya da kumaştaki küflü kısmı yırtacak.
57asi kana ikaramba ichionekwa panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe, ihosha inobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine hosha nomoto;
57Eğer kumaşta, giyside ya da herhangi bir deri eşyada yine küf görülürse, küf yayılıyor demektir; eşyayı yakacaksın.
58asi nguvo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedebwe, kana hosha ikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka.
58Yıkanan giysiden, kumaştan ya da deri bir eşyadan küf geçmişse, yeniden yıkanacak. Sonra temiz sayılacaktır.››
59Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguvo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedebwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.
59Küfün bulaştığı yün ya da keten giysiyi, kumaşı veya deri eşyayı kirli ya da temiz ilan etmenin yasası budur.