1Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mozisi nokuda komukadzi aiva muKushi, waakanga awana; nekuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.
1Musa Kûşlu bir kadınla evlenmişti. Bundan dolayı Miryamla Harun onu yerdiler.
2Vakati, Ko Jehovha akataura naMozisi iye oga here? Ko haana kutaura nesuwo here? Jehovha akazvinzwa.
2‹‹RAB yalnız Musa aracılığıyla mı konuştu?›› dediler, ‹‹Bizim aracılığımızla da konuşmadı mı?›› RAB bu yakınmaları duydu.
3Zvino munhu uyu Mozisi akanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.
3Musa yeryüzünde yaşayan herkesten daha alçakgönüllüydü.
4Jehovha akataura pakarepo naMozisi naAroni naMiriami, akati, Budai imwi vatatu kutende rokusangana. Ivo vatatu vakabuda.
4RAB ansızın Musa, Harun ve Miryama, ‹‹Üçünüz Buluşma Çadırına gelin›› dedi. Üçü de gittiler.
5Ipapo Jehovha akaburuka mushongwe yegore, akamira mumukova wetende rokusangana, akadana Aroni naMiriami; ivo vaviri vakabuda.
5RAB bulut sütununun içinde indi. Çadırın kapısında durup Harunla Miryamı çağırdı. İkisi ilerlerken
6Zvino akati, Teererai mashoko angu; kana kuno muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope.
6RAB onlara seslendi: ‹‹Sözlerime kulak verin:Eğer aranızda bir peygamber varsa,Ben RAB görümde kendimi ona tanıtır,Onunla düşte konuşurum.
7Muranda wangu Mozisi haana kudaro; akatendeka paimba yangu yose.
7Ama kulum Musa öyle değildir.O bütün evimde sadıktır.
8Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mozisi?
8Onunla bilmecelerle değil,Açıkça, yüzyüze konuşurum.O RABbin suretini görüyor.Öyleyse kulum Musayı yermekten korkmadınız mı?››
9Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakavamukira, iye akabva.
9RAB onlara öfkelenip oradan gitti.
10Gore rikabva pamusoro petende rokusangana, onei Miriami ava namaperembudzi, akachena sechando; Aroni akatarira Miriami, onei ava namaperembudzI
10Bulut çadırın üzerinden ayrıldığında Miryam deri hastalığına yakalanmış, kar gibi bembeyaz olmuştu. Harun Miryama baktı, deri hastalığına yakalandığını gördü.
11Zvino Aroni akati kuna Mozisi, Haiwa, Ishe wangu, musaisa mhosva yezvivi pamusoro pedu,kunyange takaita hedu noupenzi, tikatadza.
11Musaya, ‹‹Ey efendim, lütfen akılsızca işlediğimiz günahtan ötürü bizi cezalandırma›› dedi,
12Ngaarege kuva somwana wakaberekwa akafa, imwe nyama yake yakaora pakubuda kwake padumbu ramai vake.
12‹‹Miryam etinin yarısı yenmiş olarak ana rahminden çıkan ölü bir bebeğe benzemesin.››
13Zvino Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, Haiwa Mwari, domuporesai henyu.
13Musa RABbe, ‹‹Ey Tanrı, lütfen Miryamı iyileştir!›› diye yakardı.
14Jehovha akati kuna Mozisi, Dai baba vake vakanga vamupfira mate kuchiso chake, haazaifanira kunyara mazuva manomwe here? Ngaabudiswe kunze kwemisasa mazuva manomwe, agopinzwa pashure.
14RAB, ‹‹Babası onun yüzüne tükürseydi, yedi gün utanç içinde kalmayacak mıydı?›› diye karşılık verdi, ‹‹Onu yedi gün ordugahtan uzaklaştırın, sonra geri getirilsin.››
15Ipapo Miriami akabudiswa kunze kwemisasa mazuva manomwe, vanhu vakasafamba, kusvikira Miriami adzoswazve.
15Böylece Miryam yedi gün ordugahtan uzaklaştırıldı, o geri getirilene dek halk yola çıkmadı.
16Shure kwaizvozvo vanhu vakasimuka vakabva Hazeroti, vakandodzika matende avo murenje reParani.
16Bundan sonra halk Haserot'tan ayrılıp Paran Çölü'nde konakladı.