Shona

Turkish: New Testament

Ecclesiastes

1

1Mashoko oMuparidzi, mwanako­mana waDhavhidhi, mambo paJeru­saremu.
2Zvanzi noMuparidzi, hazvina ma­turo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose!
3Munhu angaba­tsirweiko nokutambudzika kwake kose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva?
4Rudzi rumwe runoenda, rumwe ru­dzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi.
5Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobu­dazve.
6Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo.
7Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwa­dzinodzokerazve.
8Zvinhu zvose zvi­zere nokuneta; hakuna munhu angazvi­taura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa.
9Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo, chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva.
10Chinhu chiriko here, chatingati, Tarirai, chinhu ichi chitvsa? Chakanga chichingovapo kare, panguva dzakatita­ngira.
11Marudzi akapfuura haacharanga­rirwi; namarudzi achazotevera, haangato­ngorangarirwi navanozovatevera.
12Ini Muparidzi, ndakanga ndiri ma­mbo waIsiraeri paJerusaremu.
13Ndika­rwadza moyo wangu kutsvaka noku­nzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti va­zvitambudze naro.
14Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.
15Cha­kakombama hachibviri kururamiswa; chi­noshaikwa hachibviri kuverengwa.
16Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu;zvirokwazvo moyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.
17Asi ndakati ndichirwadza moyo wa­ngu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupe­ngo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo chete.
18nekuti muuchenjeri huzhinji munoku­chema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.