1Hareruya! Rumbidzai Jehovha, imwi muri kudenga; Murumbidzei panzvimbo dzokumusoro.
2Murumbidzei imwi vatumwa vake vose; Murumbidzei imwi hondo dzake dzose.
3Murumbidzei imwi zuva Murumbidzei imwi nyeredzi dzose dzinovhenekera.
4Murumbidzei imwi kudenga kokudenga-denga, Newe mvura zhinji, iri kumusoro kokudenga-denga.
5Ngazvirumbidze zita raJehovha; nekuti iye akaraira, zvikasikwa.
6Akazvisimbisawo nokusingaperi-peri; Akatema chirevo chisingafaniri kudarikwa.
7Rumbidzai Jehovha imwi vapasi, imwi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika;
8Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; Dutu guru, rinoita zvaakareva;
9Makomo nezvikomo zvose; Miti inobereka nemisidhari yose;
10Mhuka, nezvipfuwo zvose; Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka;
11Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu; Machinda navatongi vose vapasi;
12Majaya nemhandara; Vatana navana;
13Ngavarumbidze zita raJehovha; nekuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.
14Akasimudza runyanga rwavanhu vake, Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose; Naivo vana vaIsiraeri, ivo vanhu vari pedo naye. Hareruya!