1Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kounyoro bwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji.
2Ndisukei zvakaipa zvangu chose, Ndinatsei chivi changu.
3nekuti ndinoziva kudarika kwangu; Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
4Ndakatadza kwamuri, kwamuri moga, Ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu; Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, Muve usina mhosva pakutonga kwenyu.
5Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; Mai vangu vakandigamuchira muzvivi.
6Tarirai, munoda chokwadi pamoyo; Munoda kundidzidzisa uchenjeri mukati makavanda.
7Ndinatsei nehisopi, ndive akanaka, Ndishambidzei, ndichene kupfuura mazayi echando.
8Ndinzwisei mufaro ndive nomoyo muchena; Kuti mafupa amakavhuna afare.
9Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, Dzimai zvakaipa zvangu zvose.
10Sikai mukati mangu moyo wakachena, Mwari; Vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.
11Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.
12Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda.
13Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
14Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imwi Mwari muponesi wangu; Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo.
15Ishe, zarurai miromo yangu; Ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.
16nekuti imwi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa.
17Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika nowakapwanyika, imwi Mwari hamungaushori.
18Itirai Ziyoni zvakanaka nokuda kwenyu; Vakai masvingo eJerusaremu.
19Ipapo muchafarira zvibayiro zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; Ipapo vachabayira nzombe paaritari yenyu.