Shona

Turkish: New Testament

Psalms

60

1Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei.
2Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nekuti inozununguka.
3Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatimwisa waini inobata.
4Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwechokwadi.
5Kuti vadikamwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
6Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
7Giriyadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
8Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokukunda nokuda kwangu.
9Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
10Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
11Tibatsirei pamudzivisi wedu; nekuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
12Muna Mwari tichaita noumhare, nekuti ndiye achatsikira vadzivisi vedu pasi.