Shona

Turkish: New Testament

Psalms

64

1Inzwai inzwi rangu, Mwari, pakuchema kwangu; Chengetai upenyu hwangu ndirege kutyiswa nomuvengi.
2Ndivanzei pakurangana kwakavanda kwavanoita zvakaipa; Pabope ravanobata zvakaipa;
3Ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo, Vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava;
4Kuti vafure akarurama, vakavanda ivo; Kamwe-kamwe vanomufura, vasingatyi.
5Vanotsungirira pazano rakaipa; Vanorangana kuteya misungo pakavanda; Vanoti, Ndianiko angazviona?
6Vanofungisa zvakaipa; vanoti, Tagadzirira nezano roupimbirimano; kufunga komukati komunhu pamwe nomoyo zvakadzika.
7Asi Mwari achavapfura, Vachakuvadzwa kamwe-kamwe nomuseve.
8Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi dzavo dzichivapupurira zvakaipa; Vose vanovaona vachadzungudza musoro.
9Vanhu vose vachatya; Vachaparidza basa raMwari, Vachicherekedza zvakanaka zvaanoita.
10Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye; Vose vane moyo yakarurama vachafara kwazvo.