1Pururudzai kuna Mwari, imwi nyika dzose;
2Imbirai mukurumbira wezita rake; Rumbidzai kudzo yake.
3Itiyi kuna Mwari, Mabasa enyu anotyisa sei! Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu nemhaka youkuru bwesimba renyu.
4Pasi pose pachanamata kwamuri, Pachakuimbirai; Vachaimbira zita renyu.
5Uyai, muone mabasa aMwari; Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.
6Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma; Vakayambuka rwizi netsoka; Ipapo takafara maari.
7Anobata ushe nokusingaperi nesimba rake; Meso ake anocherekedza ndudzi; Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.
8Vongai Mwari, imwi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike;
9Iye anopa mweya upenyu, Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.
10nekuti imwi Mwari makatiidza; Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.
11Makatipinza pamumbure; Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.
12Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu, Takapinda nomumoto nemvura; Asi makatibudisa kunzvimbo inezvakawanda.
13Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa, Ndichakuitirai mhiko dzangu,
14Dzakarehwa nemiromo yangu, Dzakataurwa nomuromo wangu pakutambudzika kwangu.
15Ndichakubayirai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora, Nezvinonhuhwira zvamakondobwe; Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.
16Uyai munzwe, imwi mose munotya Mwari, Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.
17Ndakachema kwaari nomuromo wangu, Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.
18Kana ndikarangarira zvakaipa mumoyo mangu, Ishe haangandinzwi;
19Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa; Akateerera inzwi rokunyengetera kwangu.
20Mwari ngaavongwe, Iye asina kuramba munyengetero wangu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.