1Tinokuvongai, Mwari; Tinovonga, nekuti zita renyu riri pedo; Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.
2Kana ndichiwana nguva yakafanira, Ndichatonga zvakarurama.
3Pasi pose panyauka navose vagerepo; Ndini ndakamisa mbiru dzayo.
4Ndakati kuna vanamanyawi , Regai kuita namanyawi; Nokuna vakaipa, Regai kusimudza runyanga.
5Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga; Regai kutaura nomutsipa mukukutu.
6Nekuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira, Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.
7Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.
8Nekuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuamwa.
9Asi ini ndichaparidza nokusingaperi, Ndichaimbira Mwari waJakove nziyo dzokurumbidza.
10Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura; Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.