Shona

Ukranian: New Testament

Amos

8

1Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha, tarirai, tswanda inezvibereko zvezhizha.
2Akati, Amosi, unooneiko? Ini ndikati, Tswanda inezvibereko zvezhizha. Zvino Jehovha akati kwandiri,
3Nziyo dzetemberi dzichashanduka kuungudza nezuva iro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; zvitunha zvichavapo zvizhinji, vachazvikandira kunze kose vanyerere.
4Inzwai chinhu ichi, iyemi, munoda kumedza vanoshaiwa, nokuparadza varombo venyika,
5muchiti: Kugara kwemwedzi kuchapfuura riniko, kuti titengese zviyo? Uye sabata, kuti tizarure matura egorosi? Tichatapudza efa, nokukurisa shekeri, tichinyengera nezviyero zvinonyengera;
6kuti titenge varombo nesirivha, navanoshaiwa tichipiwa shangu mbiri, tichitengesa makoto ezviyo?
7Jehovha akapika noukuru hwaJakove, achiti, Zvirokwazvo, handingatongokangamwi rimwe ramabasa avo nokusingaperi.
8Ko nyika haingadederi pamusoro pechinhu ichi, mumwe nomumwe agerepo haangachemi here? Zvirokwazvo, ichakwira yose soRwizi, ichatutuma ndokudererazve, soRwizi, rweEgipita.
9Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati.
10Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.
11Tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.
12Vachadzungaira vachibva kugungwa vachienda kugungwa, vachibva kumusoro vachienda mabvazuva; vachamhanya pose-pose vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.
13Nezuva iro mhandara dzakanaka namajaya vachaziya nenyota.
14Vanopika vezviwi zveSamaria, vachiti, Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye, Nenzira yeBheerishebha mhenyu, ivo vachawira pasi, vakasazomukazve.