1Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nekuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.
2Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nekuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.
3Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.
4Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.
5Sezvausingazivi mafambiro wemhepo, kana makuriro amafupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.
6Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nekuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.
7Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva.
8Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo.
9Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
10Dzinga zvinonetsa pamoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nekuti uduku noujaya hazvinamaturo.