Shona

Ukranian: New Testament

Habakkuk

1

1Shoko raMwari rakaonekwa nomuporofita Habhakuki.
2Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imwi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
3Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? nekuti kuparadza nokuitira vamwe simba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka.
4Saka murayiro haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nekuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.
5Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo-kwazvo; nekuti ndinobata basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyange muchizviudzwa.
6nekuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhea, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo.
7Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene.
8Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura mapere amadekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya.
9Vanouya vose kuzoita simba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha.
10Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nekuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda.
11Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo.
12Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga-tanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imwi makavatemera kuti vatonge, nemwi dombo makavaisapo kuti varange,
13Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama;
14muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati?
15Vanovabudisa vose nehaka yavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vanomufaro.
16Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuhwira, nekuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda.
17Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?