1Munyengetero womuporofita Habhakuki, unoimbwa neShigionoti.
2Aiwa, Jehovha, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Aiwa, Jehovha,mutsai basa renyu pakati pamakore; Rizivisei pakati pamakore; Pakutsamwa kwenyu rangarirai nyasha.
3Mwari anouya achibva Temani, Naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Sera. Umambo hwake hunofukidza denga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake.
4Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruoko rwake, ndipo paiva nokuvigwa kwesimba rake.
5Hosha yakaipa inomutungamirira, Mazimbe omoto anobuda patsoka dzake.
6Anomira achiyera nyika; Anotarira, ndokuparadza marudzi avanhu; Makomo asingaperi anopararira; Zvikomo zvisingaperi zvinokotama; Nzira dzake ndedzekare-kare.
7Ndinoona matende eKushani ari panhamo; Micheka yamatende enyika yeMidhiani anodedera.
8Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso?
9Uta bwenyu hwakafukurwa kwazvo; Shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Makaparura nyika nenzizi.
10Makomo akakuonai akatya, Kudira kwemvura kwakapfuura; Pakadzika pakabudisa izwi rapo, Pakasimudzira maoko apo kumusoro.
11Zuva nomwedzi zvakamira paugaro hwazvo, Zvichiona chiedza chemiseve yenyu ichipfuura, Zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.
12Makatsika nyika makatsamwa, Makapura ndudzi mune hasha.
13Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuvadza musoro weimba yowakaipa, Muchifukura nheyo kusvikira kumutsipa wayo.
14Makabvovora misoro yavarwi vake namapfumo ake; Vakauya sechamupupuri kundiparadza; Kufara kwavo kwakaita sokwavanopedza varombo pakavanda.
15Makatsika gungwa namabhiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji.
16Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, Miromo yangu yakadedera ndichinzwa izwi; Kuora kwakapinda mumafupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, nekuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, Kana iye, anozorwa navanhu, achivawira.
17nekuti kunyange muonde ukasatunga maruva, Nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka komuorivhi kukakona, Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu, Nemombe dzikashaikwa mumatanga,
18Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu.
19Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeramwa yangu.