Shona

Ukranian: New Testament

Isaiah

12

1Nezuva iro uchati, Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.
2Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba ndisingatyi; nekuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.
3Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.
4Zvino nezuva iro muchati, Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.
5Imbirai Jehovha; nekuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikamwe panyika yose.
6Danidzira upururudze, iwe ugere paZiyoni; nekuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.