1nekuti usiku Ari reMoabhi rakai twa dongo, rakaparadzwa; nekuti usiku Kiri reMoabhi rakaitwa dongo, rakaparadzwa.
2Vakwira Bhayiti, neDhibhoni, kumatunhu akakwirira, kundochemapo; vaMoabhi vanochema pamusoro peNebho napaMedhebha; misoro yavo yose ine mhanza, ndebvu dzose dzakaveurwa.
3Panzira dzomumisha yavo vakazvisunga namakudza, pamusoro pedzimba dzavo, napamadare avo, mumwe nomumwe anowungudza achichema zvikuru.
4Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; inzwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhi vanodanidzira zvikuru; mweya wavo unodedera mukati mavo.
5moyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhi; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nekuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nekuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kokuparadzwa.
6nekuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nekuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.
7Saka zvizhinji zvavakawana, nezvavakachengeta, vachayambuka nazvo parukova rwemikonachando.
8nekuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhi; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.
9nekuti mvura yeDhimoni izere neropa; nekuti ndichawedzera kurova Dhimoni, ndichatuma shumba iparadze vakapukunyuka vaMoabhi, navakasara panyika.