Shona

Ukranian: New Testament

Isaiah

35

1Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.
2Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba bweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.
3Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera.
4Iti kuna vane moyo inotya, Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu achauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; achauya achikuponesai.
5Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa.
6Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba nekuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura mugwenga.
7Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.
8Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, Nzira youtsvene; ane tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki.
9Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikunurwa ndivo vachafambapo;
10vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Ziyoni vachiimba, mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.