1Buruka, ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pasi pasine chigaro choushe, iwe mukunda wavaKaradhea; nekuti hauchazonzi unoundere nechidikamwa.
2Tora guyo nehuyo ukuye upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, kurura rokwe rako, fukura gumbo rako, yambuka nzizi.
3Kusafuka kwako kuchava pachena, kunyadzwa kwako kuchaonekwa; ndichazvitsiva, ndisingarangariri munhu.
4Mudzikunuri wedu, zita rake rinonzi Jehovha wehondo, Mutsvene walsiraeri.
5Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda wavaKaradhea; nekuti hauchazonzi Vahosi hwovushe huzhinji.
6Ndakanga ndakatsamwira vanhu vangu, ndakamhura nhaka yangu, ndikavaisa mumaoko ako; iwe hauna kuvanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pavatana.
7Ukati, Ndichava vahosi nokusingaperi; naizvozvo hauna kuisa zvinhu izvi muhana yako, hauna kurangarira kuguma kwazvo.
8Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unozvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumoyo mako Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana.
9Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwe chete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paun'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
10nekuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, Hakuna anondiona; wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumoyo mako, Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu.
11Nezvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.
12Zvino uya nouroyi hwako noun'anga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungava nepundutso.
13Waneta nokuwanda kwamano ako; zvino, vanodudzira zvokudenga, navanocherekedza nyeredzi, navanofembera zvomwedzi mumwe nomumwe ngavasimuke, vakuponese pazvinhu zvichakuwira.
14Tarira, vachaita samashanga, vachapiswa nomoto, havangagoni kuzvirwira pasimba romurazvo; haungavi zimbe rokudziya, kana moto wokudziya.
15Ndizvo zvichaita zvose zvawakabatira; vakashambadzirana newe kubva pauduku hwako, vachadzungaira mumwe nomumwe nenzira yake; pachashaikwa anokuponesa.