1Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti,
2Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira, nekuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu.
3Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha.
4Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika.
5Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti dzichirerusire. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.
6Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara.
7Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani. Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona.
8Zvino vakati kwaari, Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?
9Iye akati kwavari, Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma.
10Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, Chinyiko ichi chawaita? nekuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nekuti akavaudza.
11Zvino vakati kwaari, Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire? nekuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga.
12Iye akati kwavari, Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nekuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.
13Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nekuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera.
14Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, Tinokunyengeterai, imwi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda koupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nekuti imwi Jehovha makaita sezvamakada henyu.
15Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro.
16Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko.
17Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu novusiku vutatu.