Shona

Ukranian: New Testament

Jonah

3

1Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti,
2Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.
3Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo.
4Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa.
5Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokutsanya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
6Shoko rikasvika kuna mambo weNinivhe, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguvo yake, akafuka saga, nokugara mumadota.
7Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kumwa mvura;
8asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake.
9Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?
10Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.