1Zvino ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
2Ipapo ndikati, Unoendepiko? Iye akati kwandiri, Kundoyera Jerusaremu, ndione kufara kwaro nokureba kwaro.
3Zvino tarira, mutumwa akanga achitaurirana neni, akabuda, mumwe mutumwa akandomuchingamidza,
4akati kwaari, Mhanya, undotaura nejaya iri, uti, Jerusaremu richagara semisha isina masvingo, nokuda kokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zvirimo.
5nekuti zvanzi naJehovha, ndichava kwariri sorusvingo rwomoto rwakapoteredza, ini ndichava kubwinya kwaro mukati maro.
6Nhai, imwi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
7Nhai, Ziyoni, pukunyuka, iwe ugere nomukunda weBhabhironi.
8nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nekuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rake.
9nekuti tarirai, ndichazunungusa ruoko rwangu pamusoro pavo, vachava chinhu chakapambwa kuna ivo vaivabatira; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma.
10Imba, ufare, iwe mukunda weZiyoni; nekuti tarira, ndinouya, ndichagara mukati mako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
11Ndudzi zhinji dzichanamatira Jehovha nezuva iro, vakava vanhu vangu; ndichagara mukati mako, ipapo iwe uchaziva kuti ndiye Jehovha wehondo wakandituma kwauri.
12Judha vachagarwa nhaka naJehovha, uchava mugove wake munyika tsvene, uchazvisanangurirazve Jerusaremu.
13Nyararai imwi nyama yose pamberi paJehovha; nekuti wamuka paugaro hwake hutsvene.