Shona

Uma: New Testament

1 Samuel

24

1Zvino Sauro wakati adzoka pakutevera vaFirisitia, akaudzwa zvichinzi, Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEnigedhi.
2Ipapo Sauro akatora varume vane zviuru zvitatu vakanga vatsaurwa kuvaIsiraeri vose, akandotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pamatombo engururu.
3Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati-kati mebako.
4Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda. Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguvo yaSauro iye asingazivi.
5Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakange agura nguvo yaSauro.
6Akati kuvanhu vake, Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nekuti ndiye muzodzwa waJehovha.
7Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake.
8NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, Ishe wangu, mambo! Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama.
9Dhavhidhi akati kuna Sauro, Munoteerereiko mashoko avanhu, vanoti, Tarira, Dhavhidhi unotsvaka kukukuvadzai?
10Tarirai, zuva rino meso enyu akaona kuti Jehovha wakakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nekuti ndiye muzodzwa waJehovha.
11Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguvo yenyu, muruoko rwangu; nekuti zvandakagura mupendero wenguvo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyange makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.
12Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi, Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
13Sezvinoreva tsumo yavekare, Kune wakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
14Ko mambo waIsiraeri wakabuda achitsvaka aniko? Munodzingana naniko? Imbwa yakafa, rutata harwo.
15Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, ngaatonge pakati pangu nemi, awone, andireverere pamhosva yangu, andirwire paruoko rwenyu.
16Dhavhidhi wakati apedza kutaura mashoko iwayo kuna Sauro, Sauro akati, inzwi rako here, mwana wangu; Dhavhidhi? Sauro akachema kwazvo.
17Akati kuna Dhavhidhi, Iwe unondikunda pakururama, nekuti iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa.
18Warondedzera nhasi pawakandiitira zvakanaka, nekuti hauna kundiuraya, kunyange Jehovha akandiisa muruoko rwako.
19Nekuti kana munhu achinge awana muvengi wake, ungamurege akaenda hake here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira nhasi.
20Zvino tarira, ndinoziva kuti iwe uchazova mambo zvirokwazvo, uye kuti ushe hwaIsiraeri huchasimbiswa muruoko rwako.
21Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaparadzi vana vangu vanonditevera, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu.
22Ipapo Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Sauro akaenda kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.