1Zvino vaZifi vakauya kuna Sauro paGibhiya, vakati, Ko Dhavhidhi haazikunovanda pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje here?
2Ipapo Sauro akasimuka, akaburukira kurenje reZifi, ana varume vane zviuru zvitatu, vakanga vakatsaurwa kuvaIsiraeri, kuti atsvake Dhavhidhi murenje reZifi.
3Sauro akavaka misasa yake pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje, kurutivi rwenzira. Asi Dhavhidhi wakange agere murenje, akaona Sauro achimutevera murenje.
4Zvino Dhavhidhi akatuma vashori, akanzwa kuti Sauro wasvika zvirokwazvo.
5Dhavhidhi akasimuka, akasvika pakanga pakavaka Sauro misasa yake, Dhavhidhi akaona pakanga pavete Sauro, ana Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yake; Sauro wakange avete pakati pengoro dzakanga dzakarongedzwa, asi vanhu vakanga vavaka misasa yavo vakamupoteredza.
6Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munin'ina waJoabhu, akati, Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa? Abhishai akati, Ini ndichaburuka nemi.
7Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku, vakawana Sauro avete pakati pengoro dzakanga dzarongedzwa, pfumo rake rakabayirwa pasi kumusoro kwake; Abhineri navamwe vanhu vakanga vavete vakamupoteredza.
8Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri.
9Dhavhidhi akati kuna Abhishai, Usamuuraya, nekuti ndianiko ungagona kutambanudzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha, akasava nemhosva?
10Dhavhidhi akati, NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa, richasvika zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.
11Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumusoro kwake, nechirongo chemvura, tiende.
12Naizvozvo Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura, zvakanga zviri pamusoro waSauro, vakaenda; hakuna munhu wakazviona, kana kuzviziva, hakuna wakapepuka, nekuti vakanga vavete vose, nekuti vakanga vakabatwa nehope kwazvo, dzakanga dzatumwa naMwari.
13Zvino Dhavhidhi akayambukira mhiri, akamira pamusoro pegomo ari kure; asi pakati pavo pakanga pane nhambo huru.
14Dhavhidhi akashevedzera kuvanhu nokuna Abhineri mwanakomana waNeri, akati, Nhai Abhineri, haudaviri here? Ipapo Abhineri akadavira, akati, Ndiwe aniko unoshevedzera kuna mambo.
15Dhavhidhi akati kuna Abhineri, Ko iwe hausi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuvaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? nekuti mumwe munhu wakange apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
16Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nekuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?
17Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi, akati, Ndiro inzwi rako here, mwanangu Dhavhidhi? Dhavhidhi akati, inzwi rangu, ishe wangu, mambo.
18Akati, Ko Ishe wangu unoteverereiko muranda wake? Nekuti ndakaiteiko? Zvakaipa zviri mandiri ndezveiko?
19Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha wakakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nekuti vakandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, Enda, undoshumira vamwe vamwari.
20Naizvozvo zvino ropa rangu ngarirege kuwira pasi kure naJehovha, nekuti mambo waIsiraeri wabuda kuzotsvaka rutata rumwe, somunhu unovhima hwari mumakomo.
21Ipapo Sauro akati, Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nekuti handichazokuitiri zvakaipa, nekuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo.
22Ipapo Dhavhidhi akapindura akati, Tarirai pfumo ramambo! Mumwe wamajaya ngaayambukire kuno aritore.
23Jehovha unoripira munhu mumwe nomumwe kururama kwake nokutendeka kwake; nekuti Jehovha wakakuisai nhasi kwandiri, asi ndakaramba kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.
24Zvino tarirai, upenyu bwenyu sezvandakahukudza nhasi, saizvozvowo hupenyu hwangu ngahukudzwe naJehovha, iye andirwire pakutambudzika kwangu kose.
25Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Wakaropafadzwa iwe mwanangu Dhavhidhi; uchava nesimba, uye uchakunda kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akaenda hake, naSauro akadzokera kumusha kwake.