Shona

World English Bible

2 Chronicles

16

1Zvino negore ramakumi matatu namatanhatu rokubata ushe kwaAsa, Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.
1In the six and thirtieth year of the reign of Asa, Baasha king of Israel went up against Judah, and built Ramah, that he might not allow anyone to go out or come in to Asa king of Judah.
2Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvefuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasiko, akati,
2Then Asa brought out silver and gold out of the treasures of the house of Yahweh and of the king’s house, and sent to Ben Hadad king of Syria, who lived at Damascus, saying,
3Sungano iripo pakati pangu nemi, sezvayakavapo pakati pababa vangu nababa venyu; tarirai, ndinokutumirai sirivha nendarama; endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.
3“Let there be a treaty between me and you, as there was between my father and your father. Behold, I have sent you silver and gold. Go, break your treaty with Baasha king of Israel, that he may depart from me.”
4Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vakuru vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbherimaimi, namaguta ose amatura aNafutari.
4Ben Hadad listened to king Asa, and sent the captains of his armies against the cities of Israel; and they struck Ijon, and Dan, and Abel Maim, and all the storage cities of Naphtali.
5Zvino Bhaasha akati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akarega basa rake.
5It happened, when Baasha heard of it, that he left off building Ramah, and let his work cease.
6Ipapo mambo Asa akatora vaJudha vose; vakandobvisa mabwe eRama, namatanda aro zvaakanga avaka nazvo iye Bhaasha, akavaka nazvo Gebha neMizipa.
6Then Asa the king took all Judah; and they carried away the stones of Ramah, and its timber, with which Baasha had built; and he built therewith Geba and Mizpah.
7Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako.
7At that time Hanani the seer came to Asa king of Judah, and said to him, “Because you have relied on the king of Syria, and have not relied on Yahweh your God, therefore is the army of the king of Syria escaped out of your hand.
8Ko vaItiopia navaRubhimi vakanga vasi hondo huru-huru, vane ngoro navatasvi vamabhiza vazhinji here? Kunyange zvakadaro, zvawakavimba naJehovha, iye akavaisa muruoko rwako.
8Weren’t the Ethiopians and the Lubim a huge army, with chariots and horsemen exceeding many? Yet, because you relied on Yahweh, he delivered them into your hand.
9nekuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano moyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nekuti kubva zvino uchavingwa nokurwa.
9For the eyes of Yahweh run back and forth throughout the whole earth, to show himself strong in the behalf of them whose heart is perfect toward him. Herein you have done foolishly; for from henceforth you shall have wars.”
10Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutirongo; nekuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu.
10Then Asa was angry with the seer, and put him in the prison; for he was in a rage with him because of this thing. Asa oppressed some of the people at the same time.
11Zvino tarirai, mabasa aAsa, okutanga nookupedzisira, akanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naaIsiraeri.
11Behold, the acts of Asa, first and last, behold, they are written in the book of the kings of Judah and Israel.
12Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyange zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi n'anga.
12In the thirty-ninth year of his reign Asa was diseased in his feet; his disease was exceeding great: yet in his disease he didn’t seek Yahweh, but to the physicians.
13Asa akavata namadzibaba ake, akafa negore ramakumi mana nerimwe rokubata kwake ushe.
13Asa slept with his fathers, and died in the one and fortieth year of his reign.
14Vakamuviga pamuhwiro hwake, hwaakanga azvivezera muguta raDhavhidhi, vakamuradzika panhovo dzizere nezvinonhuhwira zvamarudzi mazhinji, zvakanga zvagadzirwa navaiti vezvinonhuhwira vakangwara; vakamuvesera vira guru, guru kwazvo.
14They buried him in his own tombs, which he had dug out for himself in the city of David, and laid him in the bed which was filled with sweet odors and various kinds of spices prepared by the perfumers’ art: and they made a very great burning for him.