1Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakange achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwereti kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake.
1Now there cried a certain woman of the wives of the sons of the prophets to Elisha, saying, “Your servant my husband is dead. You know that your servant feared Yahweh. Now the creditor has come to take for himself my two children to be slaves.”
2Erisha akati kwaari, Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako? Iye akati, Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta.
2Elisha said to her, “What shall I do for you? Tell me: what do you have in the house?” She said, “Your handmaid has nothing in the house, except a pot of oil.”
3Ipapo akati, Enda undokwereta kuna vose vaugere navo midziyo isina chiro; usakwereta mishoma.
3Then he said, “Go, borrow containers from of all your neighbors, even empty containers. Don’t borrow just a few.
4Zvino upinde, iwe navana vako, upfige mukova, udire mumidziyo iyo yose, uchigadzika yose yazara kurutivi.
4You shall go in, and shut the door on you and on your sons, and pour out into all those containers; and you shall set aside that which is full.”
5Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova, iye navana vake vari mukati; ivo vakamusvitsa midziyo, akadira.
5So she went from him, and shut the door on her and on her sons; they brought the containers to her, and she poured out.
6Midziyo yakati yazara, akati kumwanakomana wake, Ndipezve mumwe mudziyo. Iye akati kwaari, Hapachina mumwe mudziyo; mafuta akagumawo.
6It happened, when the containers were full, that she said to her son, “Bring me another container.” He said to her, “There isn’t another container.” The oil stopped flowing.
7Ipapo akandoudza munhu waMwari, iye akati, Chienda undotengesa mafuta, uripe chikwereti chako, urarame nezvakasara, iwe navanakomana vako.
7Then she came and told the man of God. He said, “Go, sell the oil, and pay your debt; and you and your sons live on the rest.”
8Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.
8It fell on a day, that Elisha passed to Shunem, where there was a prominent woman; and she persuaded him to eat bread. So it was, that as often as he passed by, he turned in there to eat bread.
9Akati kumurume wake, Tarirai zvino, ndinoona kuti uyu murume, unosipfuura nokwatiri, munhu mutsvene waMwari.
9She said to her husband, “See now, I perceive that this is a holy man of God, that passes by us continually.
10Ngativake kamuri duku parusvingo, timuisiremo mubhedha, netafura, nechigaro, nechigadziko chomwenje; zvino kana achinge achiuya kwatiri, agotsaukiramo.
10Please let us make a little room on the wall. Let us set for him there a bed, a table, a chair, and a lamp stand. It shall be, when he comes to us, that he shall turn in there.”
11Zvino mumwe musi akasvikapo, akatsaukira kukamuri iyo duku, akandovatamo.
11One day he came there, and he turned into the room and lay there.
12Akati kuna Gehazi muranda wake, Dana mukadzi uyu muShunemi. Wakati amudana, iye akamira pamberi pake.
12He said to Gehazi his servant, “Call this Shunammite.” When he had called her, she stood before him.
13Akati kwaari, Chitaura kwaari zvino, uti Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here? Iye akapindura, akati, Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu.
13He said to him, “Say now to her, ‘Behold, you have cared for us with all this care. What is to be done for you? Would you like to be spoken for to the king, or to the captain of the army?’” She answered, “I dwell among my own people.”
14Akati, Zvino tingamuitireiko? Gehazi akapindura, akati, Zvirokwazvo haana mwanakomana, nomurume wake wakwegura.
14He said, “What then is to be done for her?” Gehazi answered, “Most certainly she has no son, and her husband is old.”
15Iye akati, Mudane. Wakati amudana, iye akamira pamukova.
15He said, “Call her.” When he had called her, she stood in the door.
16Akati, Nenguva ino kana gore rapera, uchafungatira mwana. Iye akati, Kwete, ishe wangu, munhu waMwari, regai kureva nhema kumurandakadzi wenyu.
16He said, “At this season, when the time comes around, you will embrace a son.” She said, “No, my lord, you man of God, do not lie to your handmaid.”
17Mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana nenguva iyo pakupera kwegore, sezvakanga zvataura Erisha kwaari.
17The woman conceived, and bore a son at that season, when the time came around, as Elisha had said to her.
18Zvino mwana wakati akura, akaenda mumwe musi kuna baba vake kuvakohwi.
18When the child was grown, it happened one day that he went out to his father to the reapers.
19Akati kuna baba vake, Musoro wangu, musoro wangu! Ivo vakati kumuranda, Mubereke uende naye kuna mai vake.
19He said to his father, “My head! My head!” He said to his servant, “Carry him to his mother.”
20Iye akamutora, akamuisa kuna mai vake, akagara pamabvi avo kusvikira masikati makuru, akafa.
20When he had taken him, and brought him to his mother, he sat on her knees until noon, and then died.
21Ivo vakakwira, vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, vakamupfigiramo, vakabuda.
21She went up and laid him on the bed of the man of God, and shut the door on him, and went out.
22Akadana murume wake, akati, Nditumirewo mumwe muranda nembongoro imwe, ndimhanyire kumunhu waMwari, ndigodzokazve.
22She called to her husband, and said, “Please send me one of the servants, and one of the donkeys, that I may run to the man of God, and come again.”
23Iye akati, Unoda kuendereiko kwaari nhasi? Hakuzi kugara komwedzi, kana sabata. Iye akati, Hazvine mhosva.
23He said, “Why would you want go to him today? It is neither new moon nor Sabbath.” She said, “It’s alright.”
24Zvino akaisa chigaro pambongoro, akati kumuranda wake, Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza.
24Then she saddled a donkey, and said to her servant, “Drive, and go forward! Don’t slow down for me, unless I ask you to.”
25Naizvozvo akaenda, akasvika kumunhu waMwari pagomo reKarimeri. Munhu waMwari wakati achimuona achiri kure, akati kuna Gehazi muranda wake, Tarira hoyo mukadzi muShunemi.
25So she went, and came to the man of God to Mount Carmel. It happened, when the man of God saw her afar off, that he said to Gehazi his servant, “Behold, there is the Shunammite.
26Mhanya hako zvino undosangana naye, uti kwaari, Makafara here? Murume wenyu wakafara here? Nomwana wakafara here? Iye akapindura, akati, Haiwa, takafara hedu!
26Please run now to meet her, and ask her, ‘Is it well with you? Is it well with your husband? Is it well with the child?’” She answered, “It is well.”
27Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, Murege hake, nekuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza.
27When she came to the man of God to the hill, she caught hold of his feet. Gehazi came near to thrust her away; but the man of God said, “Leave her alone; for her soul is troubled within her; and Yahweh has hidden it from me, and has not told me.”
28Ipapo iye akati, Ko ndakakumbira mwanakomana kuna ishe wangu here? Ko handina kuti, regai kundinyengedzera here?
28Then she said, “Did I desire a son of my lord? Didn’t I say, Do not deceive me?”
29Ipapo akati kuna Gehazi, Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana.
29Then he said to Gehazi, “Tuck your cloak into your belt, take my staff in your hand, and go your way. If you meet any man, don’t greet him; and if anyone greets you, don’t answer him again. Then lay my staff on the face of the child.”
30Zvino mai vomwana vakati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Akasimuka, akamutevera.
30The mother of the child said, “As Yahweh lives, and as your soul lives, I will not leave you.” He arose, and followed her.
31Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, Mwana haana kupepuka.
31Gehazi passed on before them, and laid the staff on the face of the child; but there was neither voice, nor hearing. Therefore he returned to meet him, and told him, saying, “The child has not awakened.”
32Erisha wakati apinda mumba akawana mwana akafa, akaradzikwa pamubhedha wake.
32When Elisha had come into the house, behold, the child was dead, and laid on his bed.
33Naizvozvo akapinda, akapfiga mukova, iye ari mukati nomwana, ivo vaviri, akanyengetera kuna Jehovha.
33He went in therefore, and shut the door on them both, and prayed to Yahweh.
34Akakwira, akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaoko ake pamaoko ake; akatsivama pamusoro pake, nyama yomwana ikadziya.
34He went up, and lay on the child, and put his mouth on his mouth, and his eyes on his eyes, and his hands on his hands. He stretched himself on him; and the flesh of the child grew warm.
35Zvino akadzoka, akafamba-famba mumba kamwe, akakwirazve, akatsivama pamusoro pake; mwana akahotsira kanomwe, mwana ndokusvinudza meso ake.
35Then he returned, and walked in the house once back and forth; and went up, and stretched himself on him. Then the child sneezed seven times, and the child opened his eyes.
36Ipapo akadana Gehazi, akati, Dana mukadzi muShunemi. Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, Simudza mwanakomana wako.
36He called Gehazi, and said, “Call this Shunammite!” So he called her. When she had come in to him, he said, “Take up your son.”
37Zvino iye akapinda, akazviwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mwanakomana wake, akabuda.
37Then she went in, and fell at his feet, and bowed herself to the ground; and she took up her son, and went out.
38Zvino Erisha akaendazve Girigari, nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya.
38Elisha came again to Gilgal. There was a famine in the land; and the sons of the prophets were sitting before him; and he said to his servant, “Set on the great pot, and boil stew for the sons of the prophets.”
39Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguvo yake nawo, akasvika akaachekerera muhari yezvokudya, nekuti vakanga vasingaazivi.
39One went out into the field to gather herbs, and found a wild vine, and gathered of it wild gourds his lap full, and came and shred them into the pot of stew; for they didn’t recognize them.
40Zvino vakapakurira vanhu kuti vadye. Ivo. vakati vodya zvokudya, vakadanidzira, vakati, Munhu waMwari, rufu ruri muhari. Vakasagona kuzvidya.
40So they poured out for the men to eat. It happened, as they were eating of the stew, that they cried out, and said, “Man of God, there is death in the pot!” They could not eat of it.
41Asi iye akati, Uyai noupfu. Akahudira muhari, akati, Chipakurai henyu, vanhu vadye. Zvino kwakanga kusine chinhu chakaipa muhari.
41But he said, “Then bring meal.” He cast it into the pot; and he said, “Pour out for the people, that they may eat.” There was no harm in the pot.
42Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, Ipai vanhu, vadye.
42A man from Baal Shalishah came, and brought the man of God bread of the first fruits, twenty loaves of barley, and fresh ears of grain in his sack. He said, “Give to the people, that they may eat.”
43Muranda wake akati, Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko? Asi iye akati, Ipai vanhu, vadye, nekuti zvanzi naJehovha, Vachadya, vakasiya zvimwe.
43His servant said, “What, should I set this before a hundred men?” But he said, “Give the people, that they may eat; for thus says Yahweh, ‘They will eat, and will have some left over.’”
44Naizvozvo akazviisa pamberi pavo, vakadya, vakasiya zvimwe, sezvakataura shoko raJehovha.
44So he set it before them, and they ate, and left some of it, according to the word of Yahweh.