Shona

World English Bible

Acts

17

1Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge revaJudha;
1Now when they had passed through Amphipolis and Apollonia, they came to Thessalonica, where there was a Jewish synagogue.
2Zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, masabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro,
2Paul, as was his custom, went in to them, and for three Sabbath days reasoned with them from the Scriptures,
3achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumukazve kuvakafa, uye kuti Jesu uyu wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu.
3explaining and demonstrating that the Christ had to suffer and rise again from the dead, and saying, “This Jesus, whom I proclaim to you, is the Christ.”
4Vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru chevaGiriki vainamata Mwari, nevakadzi vaikudzwa vasiri vashoma.
4Some of them were persuaded, and joined Paul and Silas, of the devout Greeks a great multitude, and not a few of the chief women.
5Asi vaJudha vakange vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakaunganidza chikwata, vakaita mhirizhonga paguta rose; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.
5But the unpersuaded Jews took along some wicked men from the marketplace, and gathering a crowd, set the city in an uproar. Assaulting the house of Jason, they sought to bring them out to the people.
6Vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatongi veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakapidugura nyika vasvika nepanowo,
6When they didn’t find them, they dragged Jason and certain brothers before the rulers of the city, crying, “These who have turned the world upside down have come here also,
7Avo Jasoni vaakagamuchira; ava vose vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari vachiti umwe mambo uriko unonzi Jesu.
7whom Jason has received. These all act contrary to the decrees of Caesar, saying that there is another king, Jesus!”
8Vakavhiringidza vanhu nevatongi veguta pavakanzwa izvi zvinhu.
8The multitude and the rulers of the city were troubled when they heard these things.
9Zvino vakati vatora chibatiso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavarega.
9When they had taken security from Jason and the rest, they let them go.
10Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya usiku; ivo vakati vachisvika vakapinda musinagoge revaJudha.
10The brothers immediately sent Paul and Silas away by night to Beroea. When they arrived, they went into the Jewish synagogue.
11Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nemwoyo wose, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zvaiva izvo.
11Now these were more noble than those in Thessalonica, in that they received the word with all readiness of the mind, examining the Scriptures daily to see whether these things were so.
12Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevakadziwo vaikudzwa vevaGiriki, nevarume vasiri vashoma.
12Many of them therefore believed; also of the prominent Greek women, and not a few men.
13Asi vaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikapowo vakamutsa chaunga.
13But when the Jews of Thessalonica had knowledge that the word of God was proclaimed by Paul at Beroea also, they came there likewise, agitating the multitudes.
14Zvino pakarepo hama dzakatuma Pauro pakarepo seanoenda kugungwa, asi Sirasi naTimotio vakangosarapo.
14Then the brothers immediately sent out Paul to go as far as to the sea, and Silas and Timothy still stayed there.
15Zvino avo vakaperekedza Pauro vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakaenda.
15But those who escorted Paul brought him as far as Athens. Receiving a commandment to Silas and Timothy that they should come to him very quickly, they departed.
16Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakatambudzika maari, achiona guta rizere zvifananidzo.
16Now while Paul waited for them at Athens, his spirit was provoked within him as he saw the city full of idols.
17Naizvozvo wakapikisana musinagoge nevaJudha nevanhu vainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevaaisangana navo.
17So he reasoned in the synagogue with the Jews and the devout persons, and in the marketplace every day with those who met him.
18Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzevaEpikuro nevaStoiko, dzakaita nharo naye. Vamwe vakati: Uyu muropoti unoda kurevei? Vamwezve vakati: Unenge muparidzi wevamwari vekumwe; nekuti wakavaparidzira Jesu nekumuka kwevakafa.
18Some of the Epicurean and Stoic philosophers also were conversing with him. Some said, “What does this babbler want to say?” Others said, “He seems to be advocating foreign deities,” because he preached Jesus and the resurrection.
19Ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here dzidziso iyi itsva, inotaurwa newe?
19They took hold of him, and brought him to the Areopagus, saying, “May we know what this new teaching is, which is spoken by you?
20Nekuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvii?
20For you bring certain strange things to our ears. We want to know therefore what these things mean.”
21Nekuti vose vaAtene nevatorwa vaigarapo, havana kushandisa nguva yavo pane chimwe chinhu asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva.
21Now all the Athenians and the strangers living there spent their time in nothing else, but either to tell or to hear some new thing.
22Zvino Pauro amira pakati peAreopago wakati: Varume veAtene, pazvinhu zvose ndinoona kuti mune chitendero chikuru.
22Paul stood in the middle of the Areopagus, and said, “You men of Athens, I perceive that you are very religious in all things.
23Nekuti ndati ndichipfuura, ndichicherekedza zvinhu zvamunonamata, ndawana aritari ine chinyorwa ichi: KUNA MWARI USINGAZIKAMWI. Naizvozvo iye wamunonamata musingazivi, ndiye wandinokuparidzirai.
23For as I passed along, and observed the objects of your worship, I found also an altar with this inscription: ‘TO AN UNKNOWN GOD.’ What therefore you worship in ignorance, this I announce to you.
24Mwari wakaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, iye Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko,
24The God who made the world and all things in it, he, being Lord of heaven and earth, doesn’t dwell in temples made with hands,
25kana kushumirwa nemaoko evanhu, sezvinonzi unoshaiwa chinhu, zvaari iye unopa vose upenyu nekufema nezvinhu zvose;
25neither is he served by men’s hands, as though he needed anything, seeing he himself gives to all life and breath, and all things.
26uye wakaita neropa rimwe marudzi ose evanhu, kuti agare pazviso zvose zvenyika, ambotara nguva dzakagara dzatemwa, nemiganhu yeugaro hwavo;
26He made from one blood every nation of men to dwell on all the surface of the earth, having determined appointed seasons, and the boundaries of their dwellings,
27kuti vatsvake Ishe, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu.
27that they should seek the Lord, if perhaps they might reach out for him and find him, though he is not far from each one of us.
28Nekuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwe vanyanduri vekwenyu vakati: Nekuti tiri zvizvarwa zvakewo.
28‘For in him we live, and move, and have our being.’ As some of your own poets have said, ‘For we are also his offspring.’
29Zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana nendarama kana sirivheri kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana umhare hwevanhu.
29Being then the offspring of God, we ought not to think that the Divine Nature is like gold, or silver, or stone, engraved by art and design of man.
30Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, asi zvino unoraira vanhu ose kose-kose kuti vatendeuke.
30The times of ignorance therefore God overlooked. But now he commands that all people everywhere should repent,
31Nekuti wakatara zuva raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza; akasimbisa kune vose, pakuti wakamumutsa kuvakafa.
31because he has appointed a day in which he will judge the world in righteousness by the man whom he has ordained; of which he has given assurance to all men, in that he has raised him from the dead.”
32Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakashora, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi,
32Now when they heard of the resurrection of the dead, some mocked; but others said, “We want to hear you again concerning this.”
33Nekudaro Pauro wakabuda pakati pavo.
33Thus Paul went out from among them.
34Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisio, muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.
34But certain men joined with him, and believed, among whom also was Dionysius the Areopagite, and a woman named Damaris, and others with them.