Shona

World English Bible

Acts

23

1Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yose yakanaka kusvikira zuva ranhasi.
1Paul, looking steadfastly at the council, said, “Brothers, I have lived before God in all good conscience until this day.”
2Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove pamuromo.
2The high priest, Ananias, commanded those who stood by him to strike him on the mouth.
3Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova, rusvingo rwakacheneswa; nekuti iwe ugere kuti unditonge nemurairo, asi unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo nhai?
3Then Paul said to him, “God will strike you, you whitewashed wall! Do you sit to judge me according to the law, and command me to be struck contrary to the law?”
4Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here?
4Those who stood by said, “Do you malign God’s high priest?”
5Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vako.
5Paul said, “I didn’t know, brothers, that he was high priest. For it is written, ‘You shall not speak evil of a ruler of your people.’”
6Zvino Pauro wakati achiona kuti rimwe bandi vaSadhusi rimwe vaFarisi, akadanidzira mudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wevaFarisi, ndotongwa pamusoro petariro yekumuka kwevakafa.
6But when Paul perceived that the one part were Sadducees and the other Pharisees, he cried out in the council, “Men and brothers, I am a Pharisee, a son of Pharisees. Concerning the hope and resurrection of the dead I am being judged!”
7Wakati areva saizvozvo, kupesana kukamuka pakati pevaFarisi nevaSadhusi; chaunga chikakamukana.
7When he had said this, an argument arose between the Pharisees and Sadducees, and the assembly was divided.
8Nekuti vaSadhusi vanoti hapana kumuka kwevakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vanobvuma zviri zviviri.
8For the Sadducees say that there is no resurrection, nor angel, nor spirit; but the Pharisees confess all of these.
9Zvino bopoto guru rikamuka; vanyori vekudivi revaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Ngatirege kurwa naMwari, hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya kana mutumwa akataura naye, hatigoni kupikisana naMwari.
9A great clamor arose, and some of the scribes of the Pharisees part stood up, and contended, saying, “We find no evil in this man. But if a spirit or angel has spoken to him, let’s not fight against God!”
10Zvino kupesana kukuru kwakati kwakamuka, mukuru wechuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa kuita zvidimbu navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise muimba yemauto.
10When a great argument arose, the commanding officer, fearing that Paul would be torn in pieces by them, commanded the soldiers to go down and take him by force from among them, and bring him into the barracks.
11Zvino usiku hwakatevera, Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nekuti sezvawakapupura pamusoro pangu paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kupupura paRoma.
11The following night, the Lord stood by him, and said, “Cheer up, Paul, for as you have testified about me at Jerusalem, so you must testify also at Rome.”
12Zvino kwakati kwaedza, vamwe vevaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko vachiti havangadyi kana kumwa kusvikira vauraya Pauro.
12When it was day, some of the Jews banded together, and bound themselves under a curse, saying that they would neither eat nor drink until they had killed Paul.
13Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita rangano iyo.
13There were more than forty people who had made this conspiracy.
14Ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nerushambwa rukuru, kuti hatidyi chinhu kusvikira taponda Pauro.
14They came to the chief priests and the elders, and said, “We have bound ourselves under a great curse, to taste nothing until we have killed Paul.
15Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatso-bvunzisisa maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya.
15Now therefore, you with the council inform the commanding officer that he should bring him down to you tomorrow, as though you were going to judge his case more exactly. We are ready to kill him before he comes near.”
16Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira kwavo, akaenda akapinda mumba memauto, akaudza Pauro.
16But Paul’s sister’s son heard of their lying in wait, and he came and entered into the barracks and told Paul.
17Ipapo Pauro akadanira kwaari umwe wevakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nekuti une rimwe shoko raanoda kumuudza.
17Paul summoned one of the centurions, and said, “Bring this young man to the commanding officer, for he has something to tell him.”
18Naizvozvo wakamutora, akamuuisa kumukuru wechuru, akati: Pauro musungwa wandidana akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri rine shoko rarinoda kutaura kwamuri.
18So he took him, and brought him to the commanding officer, and said, “Paul, the prisoner, summoned me and asked me to bring this young man to you, who has something to tell you.”
19Mutungamiri mukuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunoda kundiudza?
19The commanding officer took him by the hand, and going aside, asked him privately, “What is it that you have to tell me?”
20Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana sevanoda kunyatsomubvunzisisa zvimwe.
20He said, “The Jews have agreed to ask you to bring Paul down to the council tomorrow, as though intending to inquire somewhat more accurately concerning him.
21Naizvozvo musavatendera; nekuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana vakazvisunga nemhiko, kuti havangadyi kana kumwa, kusvikira vamuuraya; zvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso chinobva kwamuri.
21Therefore don’t yield to them, for more than forty men lie in wait for him, who have bound themselves under a curse neither to eat nor to drink until they have killed him. Now they are ready, looking for the promise from you.”
22Naizvozvo mutungamiri mukuru wakaregera jaya richienda ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.
22So the commanding officer let the young man go, charging him, “Tell no one that you have revealed these things to me.”
23Zvino akadanira kwaari vamwe vakuru vezana vaviri, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri afambe kusvikira asvika Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku;
23He called to himself two of the centurions, and said, “Prepare two hundred soldiers to go as far as Caesarea, with seventy horsemen, and two hundred men armed with spears, at the third hour of the night .”
24muvatsvakire zvipfuwo kuti vatasvise Pauro vagomuuisa zvisina njodzi kumutungamiriri Ferikisi;
24He asked them to provide animals, that they might set Paul on one, and bring him safely to Felix the governor.
25akanyora tsamba nenzira iyi:
25He wrote a letter like this:
26Kraudhio Risia, kuna Ferikisi, mutungamiriri changamire, ndinokukwazisai!
26“Claudius Lysias to the most excellent governor Felix: Greetings.
27Uyu munhu wakabatwa nevaJudha, uye ungadai akaurawa navo, ini ndikasvika nemauto ndikamununura, ndaziva kuti muRoma.
27“This man was seized by the Jews, and was about to be killed by them, when I came with the soldiers and rescued him, having learned that he was a Roman.
28Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera, ndikamuburusira kudare remakurukota avo;
28Desiring to know the cause why they accused him, I brought him down to their council.
29ndikawana kuti waipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana kusungwa.
29I found him to be accused about questions of their law, but not to be charged with anything worthy of death or of imprisonment.
30Zvino ndakati ndanyeverwa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemunhu uyu nevaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu zvavanomupomera. Chisarai.
30When I was told that the Jews lay in wait for the man, I sent him to you immediately, charging his accusers also to bring their accusations against him before you. Farewell.”
31Zvino mauto sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa Antipatri usiku.
31So the soldiers, carrying out their orders, took Paul and brought him by night to Antipatris.
32Zvino chifume vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto.
32But on the next day they left the horsemen to go with him, and returned to the barracks.
33Vaya vakati vasvika Kesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake.
33When they came to Caesarea and delivered the letter to the governor, they also presented Paul to him.
34Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino wakati anzwa kuti ndeweKirikia,
34When the governor had read it, he asked what province he was from. When he understood that he was from Cilicia, he said,
35akati: Ndichakunzwa kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.
35“I will hear you fully when your accusers also arrive.” He commanded that he be kept in Herod’s palace.