1Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa chavaiva nacho,
1But a certain man named Ananias, with Sapphira, his wife, sold a possession,
2akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori.
2and kept back part of the price, his wife also being aware of it, and brought a certain part, and laid it at the apostles’ feet.
3Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda?
3But Peter said, “Ananias, why has Satan filled your heart to lie to the Holy Spirit, and to keep back part of the price of the land?
4Uchiripo hauna kuramba uri wako here, watengeswa wakange usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.
4While you kept it, didn’t it remain your own? After it was sold, wasn’t it in your power? How is it that you have conceived this thing in your heart? You haven’t lied to men, but to God.”
5Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.
5Ananias, hearing these words, fell down and died. Great fear came on all who heard these things.
6Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga.
6The young men arose and wrapped him up, and they carried him out and buried him.
7Zvino zvakaitika maawa anege matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda.
7About three hours later, his wife, not knowing what had happened, came in.
8Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, neyakadai.
8Peter answered her, “Tell me whether you sold the land for so much.” She said, “Yes, for so much.”
9Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuidza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze.
9But Peter asked her, “How is it that you have agreed together to tempt the Spirit of the Lord? Behold, the feet of those who have buried your husband are at the door, and they will carry you out.”
10Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, akaviga nechepamurume wake.
10She fell down immediately at his feet, and died. The young men came in and found her dead, and they carried her out and buried her by her husband.
11Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yose nepamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.
11Great fear came on the whole assembly, and on all who heard these things.
12Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vose vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni.
12By the hands of the apostles many signs and wonders were done among the people. They were all with one accord in Solomon’s porch.
13Asi pavamwe kwakange kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.
13None of the rest dared to join them, however the people honored them.
14Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi.
14More believers were added to the Lord, multitudes of both men and women.
15Kusvikira vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire vamwe vavo.
15They even carried out the sick into the streets, and laid them on cots and mattresses, so that as Peter came by, at the least his shadow might overshadow some of them.
16Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vose.
16Multitudes also came together from the cities around Jerusalem, bringing sick people, and those who were tormented by unclean spirits: and they were all healed.
17Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevose vaiva naye vari sangano revaSadhusi, vakazara negodo,
17But the high priest rose up, and all those who were with him (which is the sect of the Sadducees), and they were filled with jealousy,
18vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vose.
18and laid hands on the apostles, and put them in public custody.
19Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati:
19But an angel of the Lord opened the prison doors by night, and brought them out, and said,
20Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu ose mashoko eupenyu uhwu.
20“Go stand and speak in the temple to the people all the words of this life.”
21Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yose yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe.
21When they heard this, they entered into the temple about daybreak, and taught. But the high priest came, and those who were with him, and called the council together, and all the senate of the children of Israel, and sent to the prison to have them brought.
22Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira,
22But the officers who came didn’t find them in the prison. They returned and reported,
23achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kose, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu.
23“We found the prison shut and locked, and the guards standing before the doors, but when we opened them, we found no one inside!”
24Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakakahadzika pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei.
24Now when the high priest, the captain of the temple, and the chief priests heard these words, they were very perplexed about them and what might become of this.
25Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu.
25One came and told them, “Behold, the men whom you put in prison are in the temple, standing and teaching the people.”
26Zvino mutungamiriri wemauto nevatariri vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nekuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe.
26Then the captain went with the officers, and brought them without violence, for they were afraid that the people might stone them.
27Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza,
27When they had brought them, they set them before the council. The high priest questioned them,
28achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu.
28saying, “Didn’t we strictly command you not to teach in this name? Behold, you have filled Jerusalem with your teaching, and intend to bring this man’s blood on us.”
29Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.
29But Peter and the apostles answered, “We must obey God rather than men.
30Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakaponda imwi, mukaremberedza pamuti.
30The God of our fathers raised up Jesus, whom you killed, hanging him on a tree.
31Iye uyo Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Mutungamiriri neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekangamwiro yezvivi.
31God exalted him with his right hand to be a Prince and a Savior, to give repentance to Israel, and remission of sins.
32Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera.
32We are His witnesses of these things; and so also is the Holy Spirit, whom God has given to those who obey him.”
33Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvaponda.
33But they, when they heard this, were cut to the heart, and determined to kill them.
34Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vose, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chiduku.
34But one stood up in the council, a Pharisee named Gamaliel, a teacher of the law, honored by all the people, and commanded to put the apostles out for a little while.
35Ndokuti kwavari: Varume vaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita.
35He said to them, “You men of Israel, be careful concerning these men, what you are about to do.
36Nekuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudasi, achiti iye pachake wakange ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevose vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, zvikava pasina.
36For before these days Theudas rose up, making himself out to be somebody; to whom a number of men, about four hundred, joined themselves: who was slain; and all, as many as obeyed him, were dispersed, and came to nothing.
37Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva okuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevose vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa.
37After this man, Judas of Galilee rose up in the days of the enrollment, and drew away some people after him. He also perished, and all, as many as obeyed him, were scattered abroad.
38Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nekuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa.
38Now I tell you, withdraw from these men, and leave them alone. For if this counsel or this work is of men, it will be overthrown.
39Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo.
39But if it is of God, you will not be able to overthrow it, and you would be found even to be fighting against God!”
40Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza.
40They agreed with him. Summoning the apostles, they beat them and commanded them not to speak in the name of Jesus, and let them go.
41Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake.
41They therefore departed from the presence of the council, rejoicing that they were counted worthy to suffer dishonor for Jesus’ name.
42Uye mazuva ose mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Kristu Jesu.
42Every day, in the temple and at home, they never stopped teaching and preaching Jesus, the Christ.