1Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, zvino akasafara naye, nekuti wawana chinhu chisina kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruoko rwake, ndokumubvisa mumba make.
1When a man takes a wife, and marries her, then it shall be, if she find no favor in his eyes, because he has found some unseemly thing in her, that he shall write her a bill of divorce, and give it in her hand, and send her out of his house.
2Zvino kana abuda mumba make, ungandowanikwa nomumwe murume.
2When she is departed out of his house, she may go and be another man’s wife.
3Kana murume uyuzve akamuvenga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyange murume uyu akazofa, iye wakazomuwana,
3If the latter husband hate her, and write her a bill of divorce, and give it in her hand, and send her out of his house; or if the latter husband die, who took her to be his wife;
4murume wake wokutanga, wakadeya kumubvisa, haangamuwanizve, zvaakasvibiswa; nekuti izvo zvinonyangadza Jehovha; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako.
4her former husband, who sent her away, may not take her again to be his wife, after that she is defiled; for that is abomination before Yahweh: and you shall not cause the land to sin, which Yahweh your God gives you for an inheritance.
5Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.
5When a man takes a new wife, he shall not go out in the army, neither shall he be assigned any business: he shall be free at home one year, and shall cheer his wife whom he has taken.
6Munhu haafaniri kutora guyo kana huyo, kuti ruve rubatso; nekuti unotora rubatso rwoupenyu hwomunhu.
6No man shall take the mill or the upper millstone to pledge; for he takes a life in pledge.
7Kana munhu akawanikwa achiba mumwe wehama dzake kuvana vaIsiraeri, akamuita muranda wake, kana kumutengesa, uyo mubi anofanira kufa; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
7If a man be found stealing any of his brothers of the children of Israel, and he deal with him as a slave, or sell him; then that thief shall die: so you shall put away the evil from the midst of you.
8Chenjera pahosha yamaperembudzi kuti uchengete nokuita zvakanaka zvamunodzidziswa navapristi vaRevhi; sezvandakavaraira, ndizvo zvamunofanira kuita.
8Take heed in the plague of leprosy, that you observe diligently, and do according to all that the priests the Levites shall teach you: as I commanded them, so you shall observe to do.
9Rangarira zvakaitirwa Miriami naJehovha Mwari wako panzira, muchibuda Egipita.
9Remember what Yahweh your God did to Miriam, by the way as you came forth out of Egypt.
10Kana ukaposwa nowokwako chinhu chipi nechipi, haufaniri kupinda mumba make kundotora rubatso rwake.
10When you do lend your neighbor any kind of loan, you shall not go into his house to get his pledge.
11Unofanira kumira kunze, kuti munhu wakaposwa newe akubudisire kunze rubatso rwake.
11You shall stand outside, and the man to whom you do lend shall bring forth the pledge outside to you.
12Kana achinge ari murombo haufaniri kundovata norubatso rwake.
12If he be a poor man, you shall not sleep with his pledge;
13Unofanira kumudzosera rubatso kana zuva rovira, kuti avate nenguvo yake, akuropafadze; ucharuramiswa pamusoro paizvozvo naJehovha Mwari wako.
13you shall surely restore to him the pledge when the sun goes down, that he may sleep in his garment, and bless you: and it shall be righteousness to you before Yahweh your God.
14Usamanikidza muranda unokubatira, ari murombo unoshaiwa, kana ari mumwe wehama dzako, kana wavatorwa vako vari munyika yako, mukati mamasuwo ako.
14You shall not oppress a hired servant who is poor and needy, whether he be of your brothers, or of your foreigners who are in your land within your gates:
15Unofanira kumupa mubayiro wake zuva rimwe nerimwe, zuva ngarirege kuvira asati apiwa; nekuti murombo, nomoyo wake unoutarira; kuti arege kuzochema kuna Jehovha pamusoro pako, zvikava zvivi kwauri.
15in his day you shall give him his hire, neither shall the sun go down on it; for he is poor, and sets his heart on it: lest he cry against you to Yahweh, and it be sin to you.
16Madzibaba haafaniri kuurawa pamusoro pavana vavo, navana havafaniri kuurawa pamusoro pamadzibaba avo; munhu mumwe nomumwe anofanira kuurayirwa zvivi zvake.
16The fathers shall not be put to death for the children, neither shall the children be put to death for the fathers: every man shall be put to death for his own sin.
17Usatongera mutorwa kana nherera zvisina kururama; uye haufaniri kutora nguvo yechirikadzi kuita rubatso nayo.
17You shall not deprive the foreigner, or the fatherless of justice, nor take a widow’s clothing in pledge;
18Asi unofanira kurangarira kuti wakange uri muranda paEgipita, Jehovha Mwari wako akakudzikunura ipapo; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi.
18but you shall remember that you were a bondservant in Egypt, and Yahweh your God redeemed you there: therefore I command you to do this thing.
19Kana ukakohwa zviyo zvako mumunda mako, ukakangamwa chisote mumunda, haufaniri kudzokera kundochitora, chinofanira kuva chomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose amaoko ako.
19When you reap your harvest in your field, and have forgot a sheaf in the field, you shall not go again to get it: it shall be for the foreigner, for the fatherless, and for the widow; that Yahweh your God may bless you in all the work of your hands.
20Kana uchizunza muti wako womuorivhi, usatsvakisisa pamatavizve; zvinofanira kuva zvomutorwa nenherera, nechirikadzi.
20When you beat your olive tree, you shall not go over the boughs again: it shall be for the foreigner, for the fatherless, and for the widow.
21Kana uchiunganidza mazambiringa omunda wako wemizambiringa, haufaniri kutsvakisisazve; anofanira kuva omutorwa, nenherera, nechirikadzi.
21When you harvest your vineyard, you shall not glean it after yourselves: it shall be for the foreigner, for the fatherless, and for the widow.
22Unofanira kurangarira kuti wakange uri muranda panyika yeEgipita; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi.
22You shall remember that you were a bondservant in the land of Egypt: therefore I command you to do this thing.