1Zvino Mozisi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi.
1Moses and the elders of Israel commanded the people, saying, “Keep all the commandment which I command you this day.
2Zvino nomusi waunoyambuka Joridhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko;
2It shall be on the day when you shall pass over the Jordan to the land which Yahweh your God gives you, that you shall set yourself up great stones, and plaster them with plaster:
3ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.
3and you shall write on them all the words of this law, when you have passed over; that you may go in to the land which Yahweh your God gives you, a land flowing with milk and honey, as Yahweh, the God of your fathers, has promised you.
4Zvino kana mayambuka Joridhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko.
4It shall be, when you have passed over the Jordan, that you shall set up these stones, which I command you this day, in Mount Ebal, and you shall plaster them with plaster.
5Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako aritari, aritari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo.
5There you shall build an altar to Yahweh your God, an altar of stones: you shall lift up no iron on them.
6Unofanira kuvaka aritari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa.
6You shall build the altar of Yahweh your God of uncut stones; and you shall offer burnt offerings thereon to Yahweh your God:
7Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako.
7and you shall sacrifice peace offerings, and shall eat there; and you shall rejoice before Yahweh your God.
8Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo.
8You shall write on the stones all the words of this law very plainly.”
9Zvino Mozisi navapristi navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako.
9Moses and the priests the Levites spoke to all Israel, saying, “Keep silence, and listen, Israel: this day you have become the people of Yahweh your God.
10Naizvozvo unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi.
10You shall therefore obey the voice of Yahweh your God, and do his commandments and his statutes, which I command you this day.”
11Mozisi akaraira vanhu nomusi uyo, akati,
11Moses commanded the people the same day, saying,
12Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Joridhani: Simioni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini.
12“These shall stand on Mount Gerizim to bless the people, when you have passed over the Jordan: Simeon, and Levi, and Judah, and Issachar, and Joseph, and Benjamin.
13Uye ndivo vanofanira kunomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari.
13These shall stand on Mount Ebal for the curse: Reuben, Gad, and Asher, and Zebulun, Dan, and Naphtali.
14Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nenzwi guru,
14The Levites shall answer, and tell all the men of Israel with a loud voice,
15Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda.
15‘Cursed is the man who makes an engraved or molten image, an abomination to Yahweh, the work of the hands of the craftsman, and sets it up in secret.’ All the people shall answer and say, ‘Amen.’
16Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake.
16‘Cursed is he who sets light by his father or his mother.’ All the people shall say, ‘Amen.’
17Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake.
17‘Cursed is he who removes his neighbor’s landmark.’ All the people shall say, ‘Amen.’
18Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira.Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
18‘Cursed is he who makes the blind to wander out of the way.’ All the people shall say, ‘Amen.’
19Ngaatukwe munhu unotongera Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama.
19‘Cursed is he who the foreigner, fatherless, and widow of justice.’ All the people shall say, ‘Amen.’
20Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nekuti wafukura nhere yababa vake.
20‘Cursed is he who lies with his father’s wife, because he has uncovered his father’s skirt.’ All the people shall say, ‘Amen.’
21Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi.
21‘Cursed is he who lies with any kind of animal.’ All the people shall say, ‘Amen.’
22Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake.
22‘Cursed is he who lies with his sister, the daughter of his father, or the daughter of his mother.’ All the people shall say, ‘Amen.’
23Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake.
23‘Cursed is he who lies with his mother-in-law.’ All the people shall say, ‘Amen.’
24Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda.
24‘Cursed is he who strikes his neighbor in secret.’ All the people shall say, ‘Amen.’
25Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva.Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
25‘Cursed is he who takes a bribe to kill an innocent person.’ All the people shall say, ‘Amen.’
26Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita.
26‘Cursed is he who doesn’t confirm the words of this law to do them.’ All the people shall say, ‘Amen.’”