Shona

World English Bible

Esther

7

1Zvino mambo naHamani vakasvika kuzova nemafundo navahosi Esiteri.
1So the king and Haman came to banquet with Esther the queen.
2Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, Chinyiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.
2The king said again to Esther on the second day at the banquet of wine, “What is your petition, queen Esther? It shall be granted you. What is your request? Even to the half of the kingdom it shall be performed.”
3Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemwi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kokunyengetera kwangu, nobwevanhu vangu nokuda kokukumbira kwangu;
3Then Esther the queen answered, “If I have found favor in your sight, O king, and if it please the king, let my life be given me at my petition, and my people at my request.
4nekuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu, ,nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.
4For we are sold, I and my people, to be destroyed, to be slain, and to perish. But if we had been sold for bondservants and bondmaids, I would have held my peace, although the adversary could not have compensated for the king’s loss.”
5Ipapo mambo Ahashivheroshi akapindura, akati kuna vahosi Esiteri, Ndianiko, aripi iye akazadza mumoyo make kuita izvozvo?
5Then King Ahasuerus said to Esther the queen, “Who is he, and where is he who dared presume in his heart to do so?”
6Esiteri akati, Mudzivisi nomuvengi, ndiye Hamani uyu akaipa! Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi.
6Esther said, “An adversary and an enemy, even this wicked Haman!” Then Haman was afraid before the king and the queen.
7Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamwa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimukawo kuzokumbira upenyu hwake kuna vahosi Esiteri, nekuti akaona kuti mambo akafunga kumuitira zvakaipa.
7The king arose in his wrath from the banquet of wine and went into the palace garden. Haman stood up to make request for his life to Esther the queen; for he saw that there was evil determined against him by the king.
8Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi? Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.
8Then the king returned out of the palace garden into the place of the banquet of wine; and Haman had fallen on the couch where Esther was. Then the king said, “Will he even assault the queen in front of me in the house?” As the word went out of the king’s mouth, they covered Haman’s face.
9Ipapo Haribhona, mumwe muranda akanga ari pamberi pamambo, akati, Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareba anamakubhiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asungirirepo Modhekai, akataura zvakanaka nokuda kwamambo. Mambo akati, Musungirireipo paari.
9Then Harbonah, one of the eunuchs who were with the king said, “Behold, the gallows fifty cubits high, which Haman has made for Mordecai, who spoke good for the king, is standing at Haman’s house.” The king said, “Hang him on it!”
10Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakagadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakanyarara.
10So they hanged Haman on the gallows that he had prepared for Mordecai. Then was the king’s wrath pacified.