1Zvino Abhurahamu wakange akwegura, ava nemazuva mazhinji kwazvo; naJehovha wakange aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose.
1Abraham was old, and well stricken in age. Yahweh had blessed Abraham in all things.
2Abhurahamu ndokuti kumuranda wake, mukurusa weimba yake, waitonga zvose zvaakange anazvo: Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,
2Abraham said to his servant, the elder of his house, who ruled over all that he had, “Please put your hand under my thigh.
3ndigokupikisa naJehovha, Mwari wekumatenga, naMwari wepasi, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKanani, vandinogara pakati pavo;
3I will make you swear by Yahweh, the God of heaven and the God of the earth, that you shall not take a wife for my son of the daughters of the Canaanites, among whom I live.
4asi uchaende kunyika yekwangu nekuhama dzekwangu, unotorera mukadzi mwanakomana wangu Isaka.
4But you shall go to my country, and to my relatives, and take a wife for my son Isaac.”
5Zvino muranda wakati kwaari: Zvimwe mukadzi ungasada kunditevera kunyika ino, zvino ndingadzosera zvirokwazvo mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?
5The servant said to him, “What if the woman isn’t willing to follow me to this land? Must I bring your son again to the land you came from?”
6Abhurahamu ndokuti kwaari: Chenjera kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko.
6Abraham said to him, “Beware that you don’t bring my son there again.
7Jehovha, Mwari wekumatenga, iye wakanditora paimba yababa vangu nemunyika yechizvarigo changu, iye wakataura neni, newakandipikira, achiti: Kumbeu yako, ndichapa nyika ino, ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti umutorere ikoko mukadzi mwanakomana wangu.
7Yahweh, the God of heaven, who took me from my father’s house, and from the land of my birth, who spoke to me, and who swore to me, saying, ‘I will give this land to your seed or, offspring .’ He will send his angel before you, and you shall take a wife for my son from there.
8Asi kana mukadzi asingatendi kukutevera, ipapo iwe uchasunungurwa pamhiko yangu iyi; chete usadzosera mwanakomana wangu ikoko.
8If the woman isn’t willing to follow you, then you shall be clear from this my oath. Only you shall not bring my son there again.”
9Muranda ndokuisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbhurahama tenzi wake, ndokupika kwaari pamusoro penyaya iyi.
9The servant put his hand under the thigh of Abraham his master, and swore to him concerning this matter.
10Muranda ndokutora makamera gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, nenhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake muruoko rwake, ndokusimuka ndokuenda Mesopotamia kuguta raNahori.
10The servant took ten camels, of his master’s camels, and departed, having a variety of good things of his master’s with him. He arose, and went to Mesopotamia, to the city of Nahor.
11Zvino wakafugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura panguva yemadekwana, iri nguva vakadzi yavanobuda kunochera mvura.
11He made the camels kneel down outside the city by the well of water at the time of evening, the time that women go out to draw water.
12Zvino wakati: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndibudiririsei henyu nhasi, muitire tsitsi tenzi wangu Abhurahamu.
12He said, “Yahweh, the God of my master Abraham, please give me success this day, and show kindness to my master Abraham.
13Tarirai, ndimire patsime remvura, uye vakunda vevanhu veguta vobuda kuzochera mvura.
13Behold, I am standing by the spring of water. The daughters of the men of the city are coming out to draw water.
14Zvino ngazviitike kuti musikana muduku wandichati kwaari: Ndirerekerewo chirongo chako ndimwe, ndokuti: Imwai, nemakamera enyu ndichaamwisa; ndiye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; uye neizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu tsitsi.
14Let it happen, that the young lady to whom I will say, ‘Please let down your pitcher, that I may drink,’ and she will say, ‘Drink, and I will also give your camels a drink,’—let her be the one you have appointed for your servant Isaac. By this I will know that you have shown kindness to my master.”
15Zvino zvakaitika asati apedza kutaura, kuti tarira, Rabheka wakabuda, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori munin'ina waAbhurahamu, uye ane chirongo pafudzi rake.
15It happened, before he had finished speaking, that behold, Rebekah came out, who was born to Bethuel the son of Milcah, the wife of Nahor, Abraham’s brother, with her pitcher on her shoulder.
16Zvino musikana uyu wakange akanaka kwazvo pakuonekera, mhandara isina murume wakambomuziva; ndokuburukira kutsime, ndokuzadza chirongo chake, ndokukwira.
16The young lady was very beautiful to look at, a virgin, neither had any man known her. She went down to the spring, filled her pitcher, and came up.
17Zvino muranda wakamhanyira kunomuchingamidza, ndokuti: Dondipawo svimvura pachirongo chako ndimwe.
17The servant ran to meet her, and said, “Please give me a drink, a little water from your pitcher.”
18Iye ndokuti: Imwai, ishe wangu; ndokukurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, ndokumumwisa.
18She said, “Drink, my lord.” She hurried, and let down her pitcher on her hand, and gave him drink.
19Zvino apedza kumumwisa wakati: Ndichachererawo makamera enyu kusvikira apedza kunwa.
19When she had done giving him drink, she said, “I will also draw for your camels, until they have done drinking.”
20Zvino akakurumidza ndokudururira chirongo chake muchimwiro, ndokumhanyirazve kutsime kunochera, akacherera makamera ake ose.
20She hurried, and emptied her pitcher into the trough, and ran again to the well to draw, and drew for all his camels.
21Zvino murume wakamutarisisa anyerere, kuti azive kana Jehovha amubudiririsa parwendo rwake kana kwete.
21The man looked steadfastly at her, remaining silent, to know whether Yahweh had made his journey prosperous or not.
22Zvikaitika makamera apedza kumwa, kuti murume wakatora chindori chendarama chine uremu hwehafu yeshekeri, nezvishongo zviviri zvemaoko ake, uremu hwazvo hwaiva mashekeri gumi endarama;
22It happened, as the camels had done drinking, that the man took a golden ring of half a shekel weight, and two bracelets for her hands of ten shekels weight of gold,
23ndokuti: Uri mukunda waani? Ndiudze. Kumba kwababa vako kune nzvimbo yekuti tirare here?
23and said, “Whose daughter are you? Please tell me. Is there room in your father’s house for us to lodge in?”
24Iye ndokuti: Ndiri mukunda waBhetueri mwanakomana waMirika waakaberekera Nahori.
24She said to him, “I am the daughter of Bethuel the son of Milcah, whom she bore to Nahor.”
25Akatiwo kwaari: Zvose tinazvo uswa hwakaoma nechikafu chezvipfuwo chizhinji, nenzvimbo yekurara.
25She said moreover to him, “We have both straw and provender enough, and room to lodge in.”
26Murume ndokukotamisa musoro wake, ndokushumira Jehovha.
26The man bowed his head, and worshiped Yahweh.
27Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari watenzi wangu Abhurahamu, usina kurega nyasha dzake nekutendeka kwake kuna tenzi wangu; ndiri ini, ndiri munzira, Jehovha wakanditungamirira kumba kwehama dzatenzi wangu.
27He said, “Blessed be Yahweh, the God of my master Abraham, who has not forsaken his loving kindness and his truth toward my master. As for me, Yahweh has led me in the way to the house of my master’s relatives.”
28Zvino musikana wakamhanya, ndokunoudza imba yamai vake zvemashoko akadai.
28The young lady ran, and told her mother’s house about these words.
29Zvino Rabheka waiva nehanzvadzi wezita rainzi Rabhani; Rabhani ndokumhanyira panze kumurume kutsime.
29Rebekah had a brother, and his name was Laban. Laban ran out to the man, to the spring.
30Uye zvakaitika paakaona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, anzwa mashoko aRabheka hanzvadzi yake, achiti: Ndizvo zvataura murume kwandiri, kuti wakaenda kumurume, zvino tarira, umire pamakamera patsime.
30It happened, when he saw the ring, and the bracelets on his sister’s hands, and when he heard the words of Rebekah his sister, saying, “This is what the man said to me,” that he came to the man. Behold, he was standing by the camels at the spring.
31Zvino akati: Pinda iwe wakaropafadzwa naJehovha; unomirirei kunze? nekuti ndagadzirira imba nenzvimbo yemakamera.
31He said, “Come in, you blessed of Yahweh. Why do you stand outside? For I have prepared the house, and room for the camels.”
32Murume ndokuuya mumba, ndokusunungura makamera ndokupa makamera uswa hwakaoma nezvekudya zvezvipfuwo; nemvura yekushambidza tsoka dzake netsoka dzevarume vaiva naye.
32The man came into the house, and he unloaded the camels. He gave straw and provender for the camels, and water to wash his feet and the feet of the men who were with him.
33Zvino kwakagadzikwa pamberi pake kuti adye; asi iye akati: Handizodyi kusvikira ndataura shoko rangu. Iye ndokuti: Taura.
33Food was set before him to eat, but he said, “I will not eat until I have told my message.” He said, “Speak on.”
34Ndokuti: Ndiri muranda waAbhurahamu.
34He said, “I am Abraham’s servant.
35Zvino Jehovha wakaropafadza tenzi wangu zvikuru; uye wava mukuru, wakamupawo makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, nevarandarume nevarandakadzi, nemakamera, nemadhongi.
35Yahweh has blessed my master greatly. He has become great. He has given him flocks and herds, silver and gold, male servants and female servants, and camels and donkeys.
36NaSara mukadzi watenzi wangu wakaberekera tenzi wangu mwanakomana paakange akwegura; zvino wakapa kwaari zvose zvaanazvo.
36Sarah, my master’s wife, bore a son to my master when she was old. He has given all that he has to him.
37Zvino tenzi wangu wakandipikisa achiti: Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvakunda vevaKanani, vemunyika yavo mandigere;
37My master made me swear, saying, ‘You shall not take a wife for my son of the daughters of the Canaanites, in whose land I live,
38asi uchaenda kuimba yababa vangu nekuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi.
38but you shall go to my father’s house, and to my relatives, and take a wife for my son.’
39Zvino ndakati kuna tenzi wangu: Zvimwe mukadzi haanganditeveri.
39I asked my master, ‘What if the woman will not follow me?’
40Iye ndokuti: Jehovha, wandinogarofamba pamberi pake, uchatuma mutumwa wake newe, uchabudiririsa nzira yako; uye uchatorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nekuimba yababa vangu.
40He said to me, ‘Yahweh, before whom I walk, will send his angel with you, and prosper your way. You shall take a wife for my son of my relatives, and of my father’s house.
41Ipapo uchasunungurwa pamhiko yangu kana wasvika kuhama dzangu, uye kana vasingakupi iye, uchasunungurwa pamhiko yangu.
41Then will you be clear from my oath, when you come to my relatives. If they don’t give her to you, you shall be clear from my oath.’
42Zvino ndasvika nhasi kutsime, ndokuti: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchibudiririsa nzira yangu, yandinofamba nayo;
42I came this day to the spring, and said, ‘Yahweh, the God of my master Abraham, if now you do prosper my way which I go—
43tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitike kuti mhandara inobuda kuzochera mvura, uye ndikati kwaari: Ndipewo svimvura pachirongo chako, ndimwe;
43behold, I am standing by this spring of water. Let it happen, that the maiden who comes out to draw, to whom I will say, “Please give me a little water from your pitcher to drink,”
44iye ndokuti kwandiri: Imwai nemwi, uye ndichacherera makamera enyuwo; ave ndiye mukadzi Jehovha waakatsaurira mwanakomana watenzi wangu.
44and she will tell me, “Drink, and I will also draw for your camels,”—let her be the woman whom Yahweh has appointed for my master’s son.’
45Zvino ndisati ndapedza kutaura mumoyo mangu, tarira, Rabheka wabuda ane chirongo chake pafudzi rake; ndokuburukira kutsime, ndokuchera. Zvino ndati kwaari: Dondipawo ndimwe.
45Before I had finished speaking in my heart, behold, Rebekah came out with her pitcher on her shoulder. She went down to the spring, and drew. I said to her, ‘Please let me drink.’
46Iye ndokukurumidza, akatura chirongo paari ndokuti: Imwai, uye ndichamwisa makamera enyuwo; ini ndikamwa, akamwisa makamerawo.
46She hurried and let down her pitcher from her shoulder, and said, ‘Drink, and I will also give your camels a drink.’ So I drank, and she also gave the camels a drink.
47Zvino ndamubvunza ndokuti: Uri mukunda waani? Iye ndokuti: Mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, Mirika waakamuberekera; zvino ndaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
47I asked her, and said, ‘Whose daughter are you?’ She said, ‘The daughter of Bethuel, Nahor’s son, whom Milcah bore to him.’ I put the ring on her nose, and the bracelets on her hands.
48Ndokukotamisa musoro wangu, ndokushumira Jehovha, ndikakudza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakanditungamirira panzira yakarurama, kuti mukunda wemunin'ina watenzi wangu ndimutorere mwanakomana wake.
48I bowed my head, and worshiped Yahweh, and blessed Yahweh, the God of my master Abraham, who had led me in the right way to take my master’s brother’s daughter for his son.
49Ikozvino kana muchiitira tenzi wangu moyochena nekutendeka, ndiudzei; kana zvisakadaro, ndiudzei, kuti ndiende kuruoko rwerudyi kana kuruboshwe.
49Now if you will deal kindly and truly with my master, tell me. If not, tell me, that I may turn to the right hand, or to the left.”
50Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vakati: Chinhu ichi chinobva kuna Jehovha; hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka.
50Then Laban and Bethuel answered, “The thing proceeds from Yahweh. We can’t speak to you bad or good.
51Tarira, Rabheka uri pamberi pako, tora uende, uye ngaave mukadzi wake, Jehovha sezvakareva.
51Behold, Rebekah is before you. Take her, and go, and let her be your master’s son’s wife, as Yahweh has spoken.”
52Zvino zvakaitika, kuti muranda waAbhurahamu paakanzwa mashoko avo, wakakotamira pasi pamberi paJehovha.
52It happened that when Abraham’s servant heard their words, he bowed himself down to the earth to Yahweh.
53Muranda ndokubudisa zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguvo, akapa Rabheka, akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.
53The servant brought out jewels of silver, and jewels of gold, and clothing, and gave them to Rebekah. He also gave precious things to her brother and her mother.
54Zvino vakadya vakamwa, iye nevarume vaiva naye, vakagara usiku hwose, vakamuka mangwanani, iye ndokuti: Regai ndiende kuna tenzi wangu.
54They ate and drank, he and the men who were with him, and stayed all night. They rose up in the morning, and he said, “Send me away to my master.”
55Asi hanzvadzi yake namai vake vakati: Musikana ngaagare nesu mazuva kana gumi, shure kweizvozvi ngaaende.
55Her brother and her mother said, “Let the young lady stay with us a few days, at least ten. After that she will go.”
56Zvino wakati kwavari: Musandinonosa, Jehovha zvaakabudiririsa nzira yangu; regai ndiende kuti ndiende kuna tenzi wangu.
56He said to them, “Don’t hinder me, since Yahweh has prospered my way. Send me away that I may go to my master.”
57Ivo ndokuti: Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.
57They said, “We will call the young lady, and ask her.”
58Zvino vakadana Rabheka, ndokuti kwaari: Uchaenda nemurume uyu here? Iye ndokuti: Ndichaenda.
58They called Rebekah, and said to her, “Will you go with this man?” She said, “I will go.”
59Zvino vakarega Rabheka hanzvadzi yavo achienda, nemureri wake, nemuranda waAbhurahamu nevarume vake.
59They sent away Rebekah, their sister, with her nurse, Abraham’s servant, and his men.
60Zvino vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari: Iwe, hanzvadzi yedu, uve zvuru zvemazana, mbeu yako ngaive varidzi vemasuwo evanoivenga.
60They blessed Rebekah, and said to her, “Our sister, may you be the mother of thousands of ten thousands, and let your seed possess the gate of those who hate them.”
61Zvino Rabheka wakasimuka nevasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda.
61Rebekah arose with her ladies. They rode on the camels, and followed the man. The servant took Rebekah, and went his way.
62Zvino Isaka wakasvika achibva pamusuwo wetsime Rahayi-Royi; nekuti waigara kunyika yekuchamhembe.
62Isaac came from the way of Beer Lahai Roi, for he lived in the land of the South.
63Zvino Isaka wakabuda kunorangarira kusango nenguva yemadekwani; ndokusimudza meso ake, akaona, tarira, makamera anouya.
63Isaac went out to meditate in the field at the evening. He lifted up his eyes, and saw, and, behold, there were camels coming.
64Zvino Rabheka wakasimudza meso ake; akati aona Isaka akazviwisa pakamera.
64Rebekah lifted up her eyes, and when she saw Isaac, she dismounted from the camel.
65Zvino wakati kumuranda: Ndiani murume uyu unofamba musango kuzotichingamidza? Muranda ndokuti: Nditenzi wangu. Iye ndokutora chifukidzo chechiso chake, akazvifukidza.
65She said to the servant, “Who is the man who is walking in the field to meet us?” The servant said, “It is my master.” She took her veil, and covered herself.
66Zvino muranda wakaudza Isaka zvinhu zvose zvaakange aita.
66The servant told Isaac all the things that he had done.
67Isaka akamuisa mutende ramai vake Sara, akatora Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwekufa kwamai vake.
67Isaac brought her into his mother Sarah’s tent, and took Rebekah, and she became his wife. He loved her. Isaac was comforted after his mother’s death.