1Zvino Jakove wakasimudza tsoka dzake, akaenda kunyika yevana vekumabvazuva.
1Then Jacob went on his journey, and came to the land of the children of the east.
2Zvino wakaona, tarira, tsime musango, zvino tarira ipapo, mapoka matatu emakwai avete pariri; nekuti patsime iri vaimwisa mapoka; paiva neibwe guru patsime iroro.
2He looked, and behold, a well in the field, and, behold, three flocks of sheep lying there by it. For out of that well they watered the flocks. The stone on the well’s mouth was large.
3Uye ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime, ndokumwisa makwai, vachidzosera ibwe pamuromo wetsime panzvimbo yaro.
3There all the flocks were gathered. They rolled the stone from the well’s mouth, and watered the sheep, and put the stone again on the well’s mouth in its place.
4Jakove ndokuti kwavari: Hama dzangu, munobvepi? Ivo ndokuti: Tinobva kuHarani.
4Jacob said to them, “My relatives, where are you from?” They said, “We are from Haran.”
5Zvino wakati kwavari: Munoziva here Rabhani mwanakomana waNahori? Ivo ndokuti: Tinomuziva.
5He said to them, “Do you know Laban, the son of Nahor?” They said, “We know him.”
6Zvino wakati kwavari: Wakafara here? Ivo ndokuti: Wakafara; zvino tarira, Rakeri mukunda wake, unouya nemakwai.
6He said to them, “Is it well with him?” They said, “It is well. See, Rachel, his daughter, is coming with the sheep.”
7Zvino wakati: Tarirai, achiri masikati makuru, haisi nguva yekuti zvipfuwo zviunganidzwe; mwisai makwai, mugonoafudza.
7He said, “Behold, it is still the middle of the day, not time to gather the livestock together. Water the sheep, and go and feed them.”
8Zvino vakati: Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa, vagokungurusa ibwe pamuromo wetsime; ndipo patichamwisa makwai.
8They said, “We can’t, until all the flocks are gathered together, and they roll the stone from the well’s mouth. Then we water the sheep.”
9Achiri kutaura navo, Rakeri wakasvika nemakwai ababa vake, nekuti waiva mufudzikadzi.
9While he was yet speaking with them, Rachel came with her father’s sheep, for she kept them.
10Zvino zvakaitika Jakobho achiona Rakeri mukunda waRabhani hanzvadzi yamai vake nemakwai aRabhani hanzvadzi yamai vake, kuti Jakove wakaswedera, akakungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime, akamwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake.
10It happened, when Jacob saw Rachel the daughter of Laban, his mother’s brother, and the sheep of Laban, his mother’s brother, that Jacob went near, and rolled the stone from the well’s mouth, and watered the flock of Laban his mother’s brother.
11Jakove ndokutsvoda Rakeri, akasimudza inzwi rake akabudisa misodzi.
11Jacob kissed Rachel, and lifted up his voice, and wept.
12Jakove ndokuudza Rakeri kuti ihama yababa vake, uye kuti mwanakomana waRabheka, ndokumhanya, ndokuudza baba vake.
12Jacob told Rachel that he was her father’s brother, and that he was Rebekah’s son. She ran and told her father.
13Zvino zvakaitika Rabhani anzwa mashoko aJakove mwanakomana wehanzvadzi yake, kuti wakamhanya kunomuchingamidza, ndokumumbundikira, ndokumutsvoda, ndokumuisa mumba make. Jakove ndokuudza Rabhani zvinhu izvo zvose.
13It happened, when Laban heard the news of Jacob, his sister’s son, that he ran to meet Jacob, and embraced him, and kissed him, and brought him to his house. Jacob told Laban all these things.
14Rabhani ndokuti kwaari: Zvirokwazvo uri pfupa rangu nenyama yangu. Akagara naye mwedzi wose.
14Laban said to him, “Surely you are my bone and my flesh.” He lived with him for a month.
15Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Nekuti uri hama yangu, ungandibatira pachena here? Ndiudze kuti mubayiro wako uchava chii.
15Laban said to Jacob, “Because you are my brother, should you therefore serve me for nothing? Tell me, what will your wages be?”
16Zvino Rabhani wakange ane vakunda vaviri; zita remukuru rakange riri Rea, uye zita remuduku Rakeri.
16Laban had two daughters. The name of the elder was Leah, and the name of the younger was Rachel.
17Rea wakange ane meso akaneta, asi Rakeri wakange akanaka kwazvo pachimiro nepachiso.
17Leah’s eyes were weak, but Rachel was beautiful in form and attractive.
18Zvino Jakove wakada Rakeri. Ndokuti: Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.
18Jacob loved Rachel. He said, “I will serve you seven years for Rachel, your younger daughter.”
19Rabhani ndokuti: Zviri nani kuti ndimupe kwauri pakuti ndimupe umwe murume; gara neni.
19Laban said, “It is better that I give her to you, than that I should give her to another man. Stay with me.”
20Jakove ndokubatira Rakeri makore manomwe; asi akava pameso ake semazuva mashoma, nekuda kwekumuda kwake.
20Jacob served seven years for Rachel. They seemed to him but a few days, for the love he had for her.
21Jakove ndokuti kuna Rabhani: Ndipei mukadzi wangu, nekuti mazuva angu azadzisika, kuti ndipinde kwaari.
21Jacob said to Laban, “Give me my wife, for my days are fulfilled, that I may go in to her.”
22Rabhani ndokuunganidza vanhu vose venzvimbo iyo, ndokuita mabiko.
22Laban gathered together all the men of the place, and made a feast.
23Zvino zvakaitika madekwani, kuti wakatora Rea, mukunda wake, ndokumuisa kwaari; iye ndokupinda kwaari.
23It happened in the evening, that he took Leah his daughter, and brought her to him. He went in to her.
24Rabhani ndokupa kumukunda wake Rea Ziripa murandakadzi wake, ave mushandiri wake.
24Laban gave Zilpah his handmaid to his daughter Leah for a handmaid.
25Zvino zvakaitika, kuti mangwanani, tarira, ndiRea; ndokuti kuna Rabhani: Chii ichi chamaita kwandiri? Handina kukubatirai pamusoro paRakeri here? Mandinyengedzererei?
25It happened in the morning that, behold, it was Leah. He said to Laban, “What is this you have done to me? Didn’t I serve with you for Rachel? Why then have you deceived me?”
26Rabhani ndokuti: Hakunzarwo panzvimbo yekwedu kupa munin'ina kutangira dangwe.
26Laban said, “It is not done so in our place, to give the younger before the firstborn.
27Pedzisa vhiki yeuyu, tigokupa uyuwo pamusoro pebasa rauchabata nenizve mamwe makore manomwe.
27Fulfill the week of this one, and we will give you the other also for the service which you will serve with me yet seven other years.”
28Jakove ndokuita saizvozvo, ndokuzadzisa vhiki yeuyu; ndokupa kwaari Rakeri, mukunda wake kuva mukadzi.
28Jacob did so, and fulfilled her week. He gave him Rachel his daughter as wife.
29Rabhani ndokupa kuna Rakeri Bhiriha murandakadzi wake, ave murandakadzi kwaari.
29Laban gave to Rachel his daughter Bilhah, his handmaid, to be her handmaid.
30Jakove ndokupindawo kuna Rakeri, ndokudawo Rakeri kupfuura Rea, ndokubata pamwe naye mamwe makore manomwezve.
30He went in also to Rachel, and he loved also Rachel more than Leah, and served with him yet seven other years.
31Kuzoti Jehovha aona kuti Rea waivengwa, wakazarura chibereko chake, asi Rakeri waiva mhanje.
31Yahweh saw that Leah was hated, and he opened her womb, but Rachel was barren.
32Rea ndokubata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Rubheni, nekuti wakati: Jehovha wakaona dambudziko rangu; naizvozvo ikozvino murume wangu uchandida.
32Leah conceived, and bore a son, and she named him Reuben. For she said, “Because Yahweh has looked at my affliction. For now my husband will love me.”
33Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Nekuti Jehovha wanzwa kuti ndinovengwa, naizvozvo wandipawo uyu; ndokutumidza zita rake kuti Simioni.
33She conceived again, and bore a son, and said, “Because Yahweh has heard that I am hated, he has therefore given me this son also.” She named him Simeon.
34Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Ikozvino nguva ino murume wangu achazvibatanidza neni, nekuti ndamuberekera vanakomana vatatu; naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.
34She conceived again, and bore a son. Said, “Now this time will my husband be joined to me, because I have borne him three sons.” Therefore his name was called Levi.
35Zvino wakabata mimbazve, akabereka mwanakomana, ndokuti: Nenguva ino ndicharumbidza Jehovha; naizvozvo wakamutumidza zita rake kuti Judha; akamira kubereka.
35She conceived again, and bore a son. She said, “This time will I praise Yahweh.” Therefore she named him Judah. Then she stopped bearing.