Shona

World English Bible

Genesis

39

1Josefa akanga aburutsirwa Egipita; Potifari, gota raFarao, mu­kuru wavarindi, muEgipita, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamu­burutsira Egipita.
1Joseph was brought down to Egypt. Potiphar, an officer of Pharaoh’s, the captain of the guard, an Egyptian, bought him from the hand of the Ishmaelites that had brought him down there.
2Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; aka­gara mumba matenzi wake muEgipita.
2Yahweh was with Joseph, and he was a prosperous man. He was in the house of his master the Egyptian.
3Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.
3His master saw that Yahweh was with him, and that Yahweh made all that he did prosper in his hand.
4Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pa­maoko ake.
4Joseph found favor in his sight. He ministered to him, and he made him overseer over his house, and all that he had he put into his hand.
5Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafa­dza imba yomuEgipita nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.
5It happened from the time that he made him overseer in his house, and over all that he had, that Yahweh blessed the Egyptian’s house for Joseph’s sake; and the blessing of Yahweh was on all that he had, in the house and in the field.
6Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvo­kudya zvake zvoga zvaaidya.
6He left all that he had in Joseph’s hand. He didn’t concern himself with anything, except for the food which he ate. Joseph was well-built and handsome.
7Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake aka­tarira Josefa, akati, Vata neni.
7It happened after these things, that his master’s wife cast her eyes on Joseph; and she said, “Lie with me.”
8Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri kwandiri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;
8But he refused, and said to his master’s wife, “Behold, my master doesn’t know what is with me in the house, and he has put all that he has into my hand.
9hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nekuti muri mukadzi wake; zvino ndi­ngaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?
9He isn’t greater in this house than I, neither has he kept back anything from me but you, because you are his wife. How then can I do this great wickedness, and sin against God?”
10Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,
10As she spoke to Joseph day by day, he didn’t listen to her, to lie by her, or to be with her.
11ne­nguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe va­rume veimba imomo.
11About this time, he went into the house to do his work, and there were none of the men of the house inside.
12Ipapo akamubata nguvo yake, akati, Vata neni; iye aka­siya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.
12She caught him by his garment, saying, “Lie with me!” He left his garment in her hand, and ran outside.
13Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda,
13When she saw that he had left his garment in her hand, and had run outside,
14akadana varume veimba yake, akataura navo akati, Tarirai, iye akauyisa muHe­bheru pakati pedu kuti atidadire; akapi­nda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.
14she called to the men of her house, and spoke to them, saying, “Behold, he has brought in a Hebrew to us to mock us. He came in to me to lie with me, and I cried with a loud voice.
15Zvino akati achi­nzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze.
15It happened, when he heard that I lifted up my voice and cried, that he left his garment by me, and ran outside.”
16Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.
16She laid up his garment by her, until his master came home.
17Akataura kwaari mashoko iwayo akati, Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.
17She spoke to him according to these words, saying, “The Hebrew servant, whom you have brought to us, came in to me to mock me,
18Ndi­kadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze.
18and it happened, as I lifted up my voice and cried, that he left his garment by me, and ran outside.”
19Tenzi wake akati achinzwa ma­shoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka.
19It happened, when his master heard the words of his wife, which she spoke to him, saying, “This is what your servant did to me,” that his wrath was kindled.
20Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza muto­rongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutirongo.
20Joseph’s master took him, and put him into the prison, the place where the king’s prisoners were bound, and he was there in custody.
21Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe tsitsi nomutariri wetirongo.
21But Yahweh was with Joseph, and showed kindness to him, and gave him favor in the sight of the keeper of the prison.
22Mutariri wetirongo akapa mumaoko aJosefa vasu­ngwa vose vakanga vari mutirongo; iye aiva muiti wezvose zvaiitwamo.
22The keeper of the prison committed to Joseph’s hand all the prisoners who were in the prison. Whatever they did there, he was responsible for it.
23Mutariri wetirongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nekuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.
23The keeper of the prison didn’t look after anything that was under his hand, because Yahweh was with him; and that which he did, Yahweh made it prosper.