1Nekuti mupristi mukuru umwe neumwe wakatorwa pakati pevanhu, unogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvose zvipo nezvibayiro nekuda kwezvivi;
1For every high priest, being taken from among men, is appointed for men in things pertaining to God, that he may offer both gifts and sacrifices for sins.
2iye une moyo munyoro pane vasingazivi naivo vakatsauka, naizvozvo naiyewo amene wakakomberedzwa neutera.
2The high priest can deal gently with those who are ignorant and going astray, because he himself is also surrounded with weakness.
3Uye nekuda kwaizvozvi iye unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvevanhu.
3Because of this, he must offer sacrifices for sins for the people, as well as for himself.
4Hakuna munhu ungazvitorera rukudzo urwu, asi uyo wakadamwa naMwari saAroniwo.
4Nobody takes this honor on himself, but he is called by God, just like Aaron was.
5Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka;
5So also Christ didn’t glorify himself to be made a high priest, but it was he who said to him, “You are my Son. Today I have become your father.” Psalm 2:7
6Sezvaanorevawo pane imwe nzvimbo, achiti: Ndiwe Mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.
6As he says also in another place, “You are a priest forever, after the order of Melchizedek.” Psalm 110:4
7Iye pamazuva enyama yake, apa minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa pakuti wakatya,
7He, in the days of his flesh, having offered up prayers and petitions with strong crying and tears to him who was able to save him from death, and having been heard for his godly fear,
8kunyange aiva Mwanakomana, zvakadaro wakadzidza kuteerera nekuda kwezvinhu zvaakatambudzika;
8though he was a Son, yet learned obedience by the things which he suffered.
9akati aitwa wakaperedzerwa, akazova muvambi weruponeso rwusingaperi kune vose avo vanomuteerera;
9Having been made perfect, he became to all of those who obey him the author of eternal salvation,
10akaidamwa naMwari Mupristi mukuru wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.
10named by God a high priest after the order of Melchizedek.
11Watine zvinhu zvizhinji zvatingataura pamusoro pake, zvinorema kududzira, zvamakagomara pakunzwa.
11About him we have many words to say, and hard to interpret, seeing you have become dull of hearing.
12Nekuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi, nekuda kwenguva makashaiwa kuti kuve neunokudzidzisaizve kuti zviga zvekutanga zvezvimiso zvaMwari zvinyi, uye mava savanoda mukaka, kwete chikafu chikukutu.
12For although by this time you should be teachers, you again need to have someone teach you the rudiments of the first principles of the oracles of God. You have come to need milk, and not solid food.
13Nekuti ani nani unodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama, nekuti mucheche.
13For everyone who lives on milk is not experienced in the word of righteousness, for he is a baby.
14Asi chikafu chikukutu ndechevakura zvakazara, vanokuziva kwakadzidziswa nenzira yekurovedzwa, kuzivisisa zvose zvakanaka nezvakaipa.
14But solid food is for those who are full grown, who by reason of use have their senses exercised to discern good and evil.