1Shoko rakabva kuna Jehovha, rikasvika kuna Jeremiya, asunungurwa paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, nguva yaakanga amubata akasungwa namaketani pakati pavatapwa vose veJerusaremu navaJudha, vakanga votapwa vachiiswa Bhabhironi.
1The word which came to Jeremiah from Yahweh, after that Nebuzaradan the captain of the guard had let him go from Ramah, when he had taken him being bound in chains among all the captives of Jerusalem and Judah, who were carried away captive to Babylon.
2Mukuru wavarindi akatora Jeremiya, akati kwaari, Jehovha Mwari wako wakareva zvakaipa izvi pamusoro penzvimbo ino;
2The captain of the guard took Jeremiah, and said to him, Yahweh your God pronounced this evil on this place;
3zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.
3and Yahweh has brought it, and done according as he spoke: because you have sinned against Yahweh, and have not obeyed his voice, therefore this thing has come on you.
4Zvino tarira, ndinokusunungurira nhasi maketani ari paruoko rwako. Kana uchiti zvakanaka kuenda neni Bhabhironi, chiuya, ini ndichakuchengeta zvakanaka, asi kana uchiti zvakaipa kuenda neni Bhabhironi, chirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; chienda hako kwaunoti zvakanaka nezvakarurama kuti uende.
4Now, behold, I release you this day from the chains which are on your hand. If it seems good to you to come with me into Babylon, come, and I will take care of you; but if it seems bad to you to come with me into Babylon, don’t: behold, all the land is before you; where it seems good and right to you to go, there go.
5Zvino wakati achigere kuenda, akati, Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende. Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.
5Now while he had not yet gone back, Go back then, he said, to Gedaliah the son of Ahikam, the son of Shaphan, whom the king of Babylon has made governor over the cities of Judah, and dwell with him among the people; or go wherever it seems right to you to go. So the captain of the guard gave him food and a present, and let him go.
6Ipapo Jeremiya akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, akagara naye pakati pavanhu vakanga vakasiiwa munyika.
6Then went Jeremiah to Gedaliah the son of Ahikam to Mizpah, and lived with him among the people who were left in the land.
7Zvino vakuru vose vehondo, vakanga vari kumasango, ivo navanhu vavo, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakange agadza Gedharia mwanakomana waAhikami ave mubati munyika iyo, akaisa pamaoko ake varume navakadzi navana, navaiva varombo kwazvo panyika, vakanga vasina kutapirwa Bhabhironi,
7Now when all the captains of the forces who were in the fields, even they and their men, heard that the king of Babylon had made Gedaliah the son of Ahikam governor in the land, and had committed to him men, and women, and children, and of the poorest of the land, of those who were not carried away captive to Babylon;
8vakauya kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohwanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraia mwanakomana waTanhumeti, navanakomana vaEfai muNetofati, naJezania mwanakomana womuMaakatiti, ivo navanhu vavo.
8then they came to Gedaliah to Mizpah, Ishmael the son of Nethaniah, and Johanan and Jonathan the sons of Kareah, and Seraiah the son of Tanhumeth, and the sons of Ephai the Netophathite, and Jezaniah the son of the Maacathite, they and their men.
9Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, Musatya kushumira vaKaradhea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro.
9Gedaliah the son of Ahikam the son of Shaphan swore to them and to their men, saying, Don’t be afraid to serve the Chaldeans: dwell in the land, and serve the king of Babylon, and it shall be well with you.
10Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhea, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvezhizha namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.
10As for me, behold, I will dwell at Mizpah, to stand before the Chaldeans who shall come to us: but you, gather wine and summer fruits and oil, and put them in your vessels, and dwell in your cities that you have taken.
11Saizvozvowo, vaJudha vose, vaiva paMoabhu, navaiva pakati pavana vaAmoni, napaEdhomu, navaiva panyika dzose, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakange asiya vamwe vaJudha, akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani ave mubati wavo;
11Likewise when all the Jews who were in Moab, and among the children of Ammon, and in Edom, and who were in all the countries, heard that the king of Babylon had left a remnant of Judah, and that he had set over them Gedaliah the son of Ahikam, the son of Shaphan;
12ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvezhizha.
12then all the Jews returned out of all places where they were driven, and came to the land of Judah, to Gedaliah, to Mizpah, and gathered wine and summer fruits very much.
13NaJohwananiwo, mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva kumasango, vakauya kuna Gedharia paMizipa,
13Moreover Johanan the son of Kareah, and all the captains of the forces who were in the fields, came to Gedaliah to Mizpah,
14vakati kwaari, Munoziva here kuti Bhaarisi, mambo wavana vaAmoni, wakatuma Ishimaeri mwanakomana waNetania kuzokuurayai? Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.
14and said to him, Do you know that Baalis the king of the children of Ammon has sent Ishmael the son of Nethaniah to take your life? But Gedaliah the son of Ahikam didn’t believe them.
15Ipapo Johwanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyararire, akati, Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?
15Then Johanan the son of Kareah spoke to Gedaliah in Mizpah secretly, saying, Please let me go, and I will kill Ishmael the son of Nethaniah, and no man shall know it: why should he take your life, that all the Jews who are gathered to you should be scattered, and the remnant of Judah perish?
16Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johwanani mwanakomana waKarea, Usaita chinhu ichi, nekuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.
16But Gedaliah the son of Ahikam said to Johanan the son of Kareah, You shall not do this thing; for you speak falsely of Ishmael.