1Zvino vakuru vose vehondo, naJohwanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaia, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, vakaswedera,
1Then all the captains of the forces, and Johanan the son of Kareah, and Jezaniah the son of Hoshaiah, and all the people from the least even to the greatest, came near,
2vakati kumuporofita Jeremiya, Tinokumbira kuti munyengetero wedu usvitswe pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, munyengeterere ava vose vakasara (nokuti takasara tiri vashoma kuna vaiva vazhinji, sezvamunotiona nameso enyu),
2and said to Jeremiah the prophet, Please let our supplication be presented before you, and pray for us to Yahweh your God, even for all this remnant; for we are left but a few of many, as your eyes do see us:
3kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo nechinhu chatinofanira kuita.
3that Yahweh your God may show us the way in which we should walk, and the thing that we should do.
4Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu.
4Then Jeremiah the prophet said to them, I have heard you; behold, I will pray to Yahweh your God according to your words; and it shall happen that whatever thing Yahweh shall answer you, I will declare it to you; I will keep nothing back from you.
5Ipapo vakati kuna Jeremiya, Jehovha ngaave chapupu chazvokwadi chakatendeka pakati pedu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumwa nawo kwatiri naJehovha Mwari wenyu.
5Then they said to Jeremiah, Yahweh be a true and faithful witness among us, if we don’t do according to all the word with which Yahweh your God shall send you to us.
6Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
6Whether it be good, or whether it be evil, we will obey the voice of Yahweh our God, to whom we send you; that it may be well with us, when we obey the voice of Yahweh our God.
7Zvino mazuva ane gumi akati apera, shoko raJehovha rikasvika kuna Jeremiya.
7It happened after ten days, that the word of Yahweh came to Jeremiah.
8Ipapo akadana Johwanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye navanhu vose, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru,
8Then called he Johanan the son of Kareah, and all the captains of the forces who were with him, and all the people from the least even to the greatest,
9akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse munyengetero wenyu pamberi pake.
9and said to them, Thus says Yahweh, the God of Israel, to whom you sent me to present your supplication before him:
10Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nekuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.
10If you will still live in this land, then will I build you, and not pull you down, and I will plant you, and not pluck you up; for I grieve over the distress that I have brought on you.
11Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndinemwi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.
11Don’t be afraid of the king of Babylon, of whom you are afraid; don’t be afraid of him, says Yahweh: for I am with you to save you, and to deliver you from his hand.
12Ndichakunzwirai nyasha, kuti iye ave nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu.
12I will grant you mercy, that he may have mercy on you, and cause you to return to your own land.
13Asi kana mukati, Hatidi kugara munyika ino, saizvozvo musingateereri inzwi raJehovha Mwari wenyu,
13But if you say, We will not dwell in this land; so that you don’t obey the voice of Yahweh your God,
14muchiti, Kwete, tichaenda kunyika yeEgipita, kwatisingazooni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yezvokudya, tichandogarako;
14saying, No; but we will go into the land of Egypt, where we shall see no war, nor hear the sound of the trumpet, nor have hunger of bread; and there will we dwell:
15naizvozvo zvino chinzwai shoko raJehovha, imwi vakasara vaJudha, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kana muchiramba makarinzira zviso zvenyu kuti muende Egipita, kundogarako muri vatorwa;
15now therefore hear the word of Yahweh, O remnant of Judah: Thus says Yahweh of Armies, the God of Israel, If you indeed set your faces to enter into Egypt, and go to live there;
16ipapo munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeEgipita; nenzara yamunotya ichakutevererai kwazvo paEgipita, ndipapo pamuchandofira.
16then it shall happen, that the sword, which you fear, shall overtake you there in the land of Egypt; and the famine, about which you are afraid, shall follow close behind you there in Egypt; and there you shall die.
17Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Egipita, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.
17So shall it be with all the men who set their faces to go into Egypt to live there: they shall die by the sword, by the famine, and by the pestilence; and none of them shall remain or escape from the evil that I will bring on them.
18nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pavagere Jerusaremu, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, kana muchipinda Egipita; muchava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa; nenzvimbo ino hamungazoionizve.
18For thus says Yahweh of Armies, the God of Israel: As my anger and my wrath has been poured forth on the inhabitants of Jerusalem, so shall my wrath be poured forth on you, when you shall enter into Egypt; and you shall be an object of horror, and an astonishment, and a curse, and a reproach; and you shall see this place no more.
19Jehovha wakataura pamusoro penyu, imwi vakasara vaJudha, achiti, Regai kuenda Egipita; zivai kwazvo kuti ndakakupupurirai nhasi.
19Yahweh has spoken concerning you, remnant of Judah, Don’t you go into Egypt: know certainly that I have testified to you this day.
20nekuti makanyengera mweya yenyu; nekuti makanditumira kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, mutizivise izvozvo, tichazviita.
20For you have dealt deceitfully against your own souls; for you sent me to Yahweh your God, saying, Pray for us to Yahweh our God; and according to all that Yahweh our God shall say, so declare to us, and we will do it:
21Zvino nhasi ndakuzivisai izvozvo, asi hamuna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu pachinhu chimwe chaakanditumira nacho kwamuri.
21and I have this day declared it to you; but you have not obeyed the voice of Yahweh your God in anything for which he has sent me to you.
22Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa.
22Now therefore know certainly that you shall die by the sword, by the famine, and by the pestilence, in the place where you desire to go to live there.