1Zvino Jehovha wakataura naJoshua, akati,
1Yahweh spoke to Joshua, saying,
2Taura navana vaIsiraeri, uti, Muzvitsaurire maguta outiziro, andakakuudzai nomuromo waMozisi;
2“Speak to the children of Israel, saying, ‘Assign the cities of refuge, of which I spoke to you by Moses,
3kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita nobwoni, atizirepo; achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.
3that the manslayer who kills any person accidentally or unintentionally may flee there. They shall be to you for a refuge from the avenger of blood.
4Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuwo reguta, agoreva mhosva yake panzeve dzavakuru veguta iro; ipapo vanofanira kumugamuchira pakati pavo muguta, vamupe pokugara, agogara pakati pavo.
4He shall flee to one of those cities, and shall stand at the entrance of the gate of the city, and declare his cause in the ears of the elders of that city. They shall take him into the city with them, and give him a place, that he may live among them.
5Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nekuti wakauraya wokwake asingaiti nobwoni, asina kumuvenga kare.
5If the avenger of blood pursue after him, then they shall not deliver up the manslayer into his hand; because he struck his neighbor unintentionally, and didn’t hate him before.
6Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa komupristi mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza.
6He shall dwell in that city until he stands before the congregation for judgment, until the death of the high priest that shall be in those days. Then the manslayer shall return, and come to his own city, and to his own house, to the city he fled from.’”
7Ipapo vakatsaura Kedheshi muGarirea panyika yamakomo yaNafutari, neShemi, panyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati-abha (ndiro Zebhuroni) panyika yamakomo yaJudha.
7They set apart Kedesh in Galilee in the hill country of Naphtali, Shechem in the hill country of Ephraim, and Kiriath Arba (the same is Hebron) in the hill country of Judah.
8Nemhiri kwaJoridhani paJeriko kumabvazuva vakatsaura Bhezeri murenje pabani kurudzi rwaRubheni, neRamoti muGiriyadhi kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kurudzi rwaManase.
8Beyond the Jordan at Jericho eastward, they assigned Bezer in the wilderness in the plain out of the tribe of Reuben, Ramoth in Gilead out of the tribe of Gad, and Golan in Bashan out of the tribe of Manasseh.
9Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.
9These were the appointed cities for all the children of Israel, and for the alien who lives among them, that whoever kills any person unintentionally might flee there, and not die by the hand of the avenger of blood, until he stands before the congregation.