1Benzi rakati mumoyo maro, Mwari haako. Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka.
1The fool has said in his heart, “There is no God.” They are corrupt. They have done abominable works. There is none who does good.
2Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
2Yahweh looked down from heaven on the children of men, to see if there were any who understood, who sought after God.
3Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
3They have all gone aside. They have together become corrupt. There is none who does good, no, not one.
4Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha.
4Have all the workers of iniquity no knowledge, who eat up my people as they eat bread, and don’t call on Yahweh?
5Vakanga vachitya zvikuru ipapo; nekuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama.
5There they were in great fear, for God is in the generation of the righteous.
6Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake.
6You frustrate the plan of the poor, because Yahweh is his refuge.
7Dai kuponeswa kwalsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakove achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.
7Oh that the salvation of Israel would come out of Zion! When Yahweh restores the fortunes of his people, then Jacob shall rejoice, and Israel shall be glad.