Shona

World English Bible

Revelation

3

1Uye kumutumwa wekereke iri paSadhisi, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinotaura une mweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rinonzi unorarama, asi wakafa.
1 “And to the angel of the assembly in Sardis write: “He who has the seven Spirits of God, and the seven stars says these things: “I know your works, that you have a reputation of being alive, but you are dead.
2Rinda, usimbise zvinhu zvakasara, zvoda kufa; nekuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari.
2 Wake up, and keep the things that remain, which you were about to throw away, for I have found no works of yours perfected before my God.
3Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; ubatisise, utendeuke. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo pamusoro pako.
3 Remember therefore how you have received and heard. Keep it, and repent. If therefore you won’t watch, I will come as a thief, and you won’t know what hour I will come upon you.
4Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni vane nguvo chena, nekuti vakafanira.
4 Nevertheless you have a few names in Sardis that did not defile their garments. They will walk with me in white, for they are worthy.
5Uyo unokunda ndiye uchapfekedzwa nguvo chena; uye handichadzimi zita rake pabhuku reupenyu, ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake.
5 He who overcomes will be arrayed in white garments, and I will in no way blot his name out of the book of life, and I will confess his name before my Father, and before his angels.
6Uyo une nzeve ngaanzwe zvinoreva mweya kukereke.
6 He who has an ear, let him hear what the Spirit says to the assemblies.
7Nekumutumwa wekereke paFiradhefia, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinoreva iye mutsvene, iye wechokwadi, iye une kiyi yaDhavhidhi, iye unozarura pasina unopfiga, nekupfiga pasina unozarura:
7 “To the angel of the assembly in Philadelphia write: “He who is holy, he who is true, he who has the key of David, he who opens and no one can shut, and who shuts and no one opens, says these things:
8Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, uye hakuna munhu ungagona kuupfiga, nekuti iwe une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu.
8 “I know your works (behold, I have set before you an open door, which no one can shut), that you have a little power, and kept my word, and didn’t deny my name.
9Tarira ndichavaita vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavauyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda.
9 Behold, I give of the synagogue of Satan, of those who say they are Jews, and they are not, but lie. Behold, I will make them to come and worship before your feet, and to know that I have loved you.
10Nekuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yekuidzwa kuchauya pamusoro penyika yose, kuidza vanogara panyika.
10 Because you kept my command to endure, I also will keep you from the hour of testing, which is to come on the whole world, to test those who dwell on the earth.
11Tarira ndinouya nekukurumidza; batisisa icho chaunacho, kuti kusava neunogamuchira korona yako.
11 I am coming quickly! Hold firmly that which you have, so that no one takes your crown.
12Uyo unokunda ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haangazobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
12 He who overcomes, I will make him a pillar in the temple of my God, and he will go out from there no more. I will write on him the name of my God, and the name of the city of my God, the new Jerusalem, which comes down out of heaven from my God, and my own new name.
13Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
13 He who has an ear, let him hear what the Spirit says to the assemblies.
14Nekumutumwa wekereke yevaRaodhikia, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinoreva Ameni, chapupu chakatendeka chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari:
14 “To the angel of the assembly in Laodicea write: “The Amen, the Faithful and True Witness, the Head of God’s creation, says these things:
15Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti dai uchitonhora kana kupisa.
15 “I know your works, that you are neither cold nor hot. I wish you were cold or hot.
16Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
16 So, because you are lukewarm, and neither hot nor cold, I will vomit you out of my mouth.
17Nekuti unoti ndakafuma, ndakafumiswa uye handishaiwi chinhu, usingazivi kuti ndiwe unotambura neune nhamo, uri murombo nebofu newakashama.
17 Because you say, ‘I am rich, and have gotten riches, and have need of nothing;’ and don’t know that you are the wretched one, miserable, poor, blind, and naked;
18Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaidzwa mumoto, kuti uve wakafuma, nenguvo chena, kuti ufuke, nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone.
18 I counsel you to buy from me gold refined by fire, that you may become rich; and white garments, that you may clothe yourself, and that the shame of your nakedness may not be revealed; and eye salve to anoint your eyes, that you may see.
19Vose vandinoda ndinotsiura nekuranga; naizvozvo shingaira utendeuke.
19 As many as I love, I reprove and chasten. Be zealous therefore, and repent.
20Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana munhu achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda maari, uye ndicharayira naye, naiye neni.
20 Behold, I stand at the door and knock. If anyone hears my voice and opens the door, then I will come in to him, and will dine with him, and he with me.
21Unokunda, ndichapa kwaari kugara neni pachigaro changu cheushe, seni ndakakunda ndikagara pamwe nababa vangu pachigaro chavo cheushe.
21 He who overcomes, I will give to him to sit down with me on my throne, as I also overcame, and sat down with my Father on his throne.
22Une nzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kukereke.
22 He who has an ear, let him hear what the Spirit says to the assemblies.”