Shona

Wolof: New Testament

Exodus

24

1Zvino iye akati kuna Mozisi, Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure;
2Mozisi ngaaswedere pedo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedo, navanhu ngavarege kukwira naye.
3Zvino Mozisi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nenzwi rimwe vakati, Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.
4Mozisi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka aritari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
5Zvino akatuma majaya avana valsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa.
6Mozisi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paaritari.
7Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.
8Ipapo Mozisi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemwi pamusoro pamashoko iwaya ose.
9Zvino Mozisi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwevavaIsiraeri vakakwira.
10Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko.
11Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakamwa.
12Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mabwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.
13Mozisi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mozisi akakwira mugomo raMwari,
14akati kuvakuru, Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.
15Zvino Mozisi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo.
16Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mozisi ari mukati megore.
17Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana valsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo.
18Mozisi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mozisi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.